Mutemo weCedaw wakakosha

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Irene Sithole
MWEDZI waNyamavhuvhu wakanga uri wemadzimai kunyika dzatinodyidzana nadzo sekuSouth Africa apo veruzhinji vaipemberera zuva guru remadzimai, reInternational Women’s Day.

Zvakadai, tiri kuswedera pedyo nezuva guru reInternational Rural Women’s Day iro rinogarocherechedzwa nomusi wa15 Gunyana gore negore.

Zvakakosha kuti tione mutemo unofambirana nezviitiko izvi.

Mutemo wepasi rose weInternational Law, the Convention on the Elimination of All Forms of Discrimination Against Women (CEDAW) wakakosha zvikuru sezvo uchitarisa kodzero dzemadzimai kuti vange vachicheredzedzwa muzvinhu zvakasiyana senhau dzemabasa nezvimwe.

Kubvira pakadzikwa mutemo uyu, zvakakosha kuti unge uchicherechedzwa zvichifambirana nebumbiro remutemo remuZimbabwe iro rinoti zvisungo zvemutemo zvose zvinokwanisa kukumikidzwa kuti zvizove mutemo muno kuburikidza neAct of Parliament.

CEDAW iri pachena uye inoratidza nyaya dzerusarura kumadzimai.

Rusarura urwu, rwunoreva kusawaniswa kwemikana kumadzimai nepamusaka pekuti vanhukadzi pasina kuvapa chiremera kuti vanhu vakaroorwa kana kuti vasina.

Rusarura urwu rwunoita kuti madzimai asawana mikana yavo izere yekuti vange vachipinda muzvinhu zvine chekuita nebudiriro yavo munyaya dzematongerwo enyika, upfumi, chivanhu nezvimwe.

Munyaya dzematongerwo enyika kana mumabasa, kazhinji madzimai anowanikwa achipihwa zvigaro zvepasi.

Kuita uku kunoderedzera madzimai kuti vange vachizvishandira sevamwe nekuda kwekuti kutyora mutemo weCEDAW.

Mimwe mitemo yaive muZimbabwe seyairambidza madzimai kuti ange achiwana midziyo yakasiyana nekuda kwekuti vanhukadzi haichisiko nekuti vave kuonekwa sevanhu vane kodzero yekuwana midziyo zvakangoenzana nevanhurume.

Madzimai ave kukwanisa kuwana midziyo yakadai sedzimba kana minda iri mumazita avo.

Pamwe apo madzimai anobatwa zvakasiyana nevarume ndeapo varume vanobvumidzwa kuita madzimai akawanda asi madzimai asingabvumirwe. CEDAW inorambidza rusarura rwakadai.

Bumburo remutemo rinorambidza nyaya dzerusarura maringe nenhau dzekuti uri mudzimai here kana murume, kuti wakaroorwa here kana kuti kwete, wakazvitakura here kana kuti kwete, chivanhu chako nezvimwe.

Madzimai haafaniri kusarurwa nepamusaka pedzidzo, nyaya dzematongerwo enyika, utano, wanano kana mhuri dzavanobva.

Kuuya kwemhemberero dzeInternational Women’s Day kunofambirana nemutemo weArtcle 14 of CEDAW uyo unotarisa nyaya dzemadzimai ekumaruwa, kunyanya mune zvekuita neutano hwavo uye budiriro.

Chekupedzisira, zvakakosha kuti tinge tichiona kuti madzimai angashandisa sei CEDAW muraramo yavo yezuva nezuva.

Zvinhu zvizhinji zviri muCEDAW zvinowanikwa zvakare zviri mubumbiro remutemo wenyika.

Izvi zvinobatsira kuti madzimai azive nezvekodzero dzavo neapo padzinombunyikidzwa.

Madzimai anokwaniswa zvakare kushanda neHurumende uye nhengo dzedare reParamende kuti vaone kuti CEDAW yazadzikiswa munyika muno.

Nhengo dzeCEDAW dzinokwanisa kushanda nebazi rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links