Uncategorized

Mutengo wenyama wakakwira

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Mutengo wenyama wakakwira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VEMABHIZIMISI anotengesa nyama (abbatiors) vari kuchema-chema vachiti kudai Hurumende yaderedza kana kubvisa mutero wevalue added tax (VAT) uyo wavanoti pari zvino wakakwirisa sezvo uri pa15% zviri kuita kuti vaomerwe mubasa ravo.

Mashoko aya akataurwa nemukuru wekambani yeSurrey Abattoir Group, kuGoromonzi — VaSimon Arnold — svondo rapera paimemwa kambani yavo nenhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro.

“Isu tiri mubhizimisi renyama tiri kurwadziwa zvakanyanya nekuunzwa kwemutero we15% nekuti wakakurisa zvikuru. Mukatarisa kuwanisa kwatinoita veruzhinji mabasa uye zvekushandisa mukugadzirwa kwenyama, zviri kutidhurira kureva kuti mitengo yenyama inenge yave kukwira.

“Izvi zvinorevawo kuti vatengi venyama zvichagozherwawo. Zvichaita zvakare kuti nyama yedu igare mumasherefu kwenguva refu nekuti vatengi vanenge vave kuomerwa zvichizoita kuti ipedzisire yawora,” vanodaro VaArnold.

Mitero yeVAT mitsva yakatanga kushanda mwedzi uno mushure mekunge Hurumende yadzika chikamu chemutemo cheStatutory Instrument 20 of 2017 (SI 20 of 2017).

Ongororo yakaitwa neKwayedza inoratidza kuti muzvitoro zvakatsaukana muHarare neChitungwiza, nyama yehuku iyo yakange ichimboita $3,50 pakg yakakwira kuenda pa$4,50 pakg apowo yemombe yakabva pa$4,50 kuenda pakati pe$5,50 ne$6,50 pakg.

VaArnold vanoti pachinzvimbo chekuti Hurumende ivabhadharise mitero yakakura kudai, zvakakosha kuti ivatsigire nematanho anoita kuti varambe vari mubhizimisi.

“Isu tiri kuita mabhizimusi enyama muno tinorwira kuti upfumi hwenyika hunge huchisimukira. Pano ndine vashandi 560. Pazuva tinouraya mombe 45, kureva kuti pamwedzi tinouraya 400 kana kudarika.

“Mombe tine 2 700 asi tiri kuramba tichitenga dzimwe. Kugadzirwa kwenyama kubvira pakuchengeta mombe kana huku nekuzodziuraya dzichizoenda kumisika ibasa guru zvekuti purofiti yedu ishomanana.”

Vanoenderera mberi vachiti: “Tiri kudhurirwa nemagetsi uye vashandi vanoda kubhadharwa. Tinochema kuti kudai Hurumende yatiitirawo zvinhu zvinotikwezva kuti tirambe tiri mubhizimisi. Kunyangwe vamwe vatsigiri vekunze (investors) vanototyira kure kana zvinhu zvakadai,” vanodaro.

PaSurrey panochengetwa mombe, huku nemakarwe.

“Makarwe tinotengesa nyama yawo nematehwe kune dzimwe nyika uye zvipfuyo zviya zvinenge zvakaondoroka, zvichirwara kana kufa zvega tinozvikanda mudziva remakarwe kuti adye,” vanodaro.

Sachigaro wekomiti yedare reParamende iyi, Cde Christopher Chitindi – avo vanomirira Muzarabani South mudare reNational Assembly – vanoti zvakakosha kuti nyaya yemitero inobhadharwa nevari mubhizimisi rekutengesa nyama itariswe kuitira kuti indasitiri iyi isimukire zvinova zvinofambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset.

Pagore, kambani yeSurrey Group inouraya huku 5 miriyoni zvinova zviri kubatsira veruzhinji kuwana nyama.

Share This:

Sponsored Links