‘Mutsiridzai nhimbe’

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAMBO Nyamweda vekudunhu reMhondoro, kuMashonaland West vokurudzira varimi kuti vavandudze pamwe nekumutsiridza chirongwa chenhimbe apo vanobatsirana kurima nekudyara nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima.

VaClaudious Mandaza vanova Mambo Nyamweda vanoti pasichigare basa rekurima raive rakareruka zvikuru sezvo varimi vaibatsirana mabasa mumunda kuburikidza nenhimbe.

“Izvozvi tine vamwe vasati vachera mupfudze mumatanga, kare taiziva kuti varimi vedu vaipanana majana kuti svondo rino nhimbe iri kwanhingi rinouya kwakati, zvichingodaro. Kune dzimwe nzvimbo zvekudya panhimbe iyi zvaibva muruzhinji uye kumwewo zvichiunganidzwa nemuridzi wemunda kana wemusha uri kushandwa. Mushandirapamwe wakadai unobatsira zvikuru kuti basa rikurumidze kufamba,” vanodaro.

Vanoti nhimbe yakanakira pakuti haipatsanure vapfumi nevarombo sezvo vose vachishanda pamwe chete mukurima.

“Semuenzaniso, tikati kuri kucherwa mupfudze vanhu vanoenda vose vamwe nezvipani uye zvikochikari zvinenge zviripo vanhu vachitakura kuendesa kuminda nekudaro basa rinorerukira munhu wese,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanoti izvi zvinofambira mberi kusvikira pakurima apo zvipani zvemombe zvinogona kuita zvishanu kana zvitanhatu zvichirima minda yevanhu vaviri kana kudarika pazuva rimwe chete nekubva vadyara.

Zvirongwa zvakadai, vanodaro Mambo Nyamweda, zvinoita kuti mumatunhu musawanikwe vanhu vanofa nenzara uyewo kana vana vezvikoro havatambure kuwana mari yefizi sezvo zvirimwa zvekutengesa zvichiwanikwa.

“Semudunhu rangu, vanhu vedu muno vane minda inokwanirana saka tinoda kuti minda yose irimwe kushaikwe mumwe chete anouya kumba kwamambo achiti ane nzara. Ngatibatsiranei vane mombe nevasina nekuti asina mombe mawoko anawo ekubatsira vamwe. Mbeu iri kubva kuHurumende vamwewo vachitenga voga. Asi kune vari kupihwa neHurumende ava ikurudziro yedu veduwe kuti ngakusawanikwe vane katsika kekuzotengesa vave kutsvaga mari yekunwa doro. Ngatirimei nyika igute zvinodadisa izvozvo,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Vanokurudzirawo varimi kuti vashande pamwe chete nemadhumeni mubasa ravo.

Share This:

Sponsored Links