Mutsvairo kana wotsvaira, unotsvaira

18 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

MUMUSHA makauya mwenga. Haadi kuona kana chinonzi marara kana tsvina. Abata mutsvairo wake, hapana paanosiya. Kana tsvina yakambenge yanamira mune dzimwe nzvimbo dzemba dzainzi dzinonetsa kutsvaira, mutsvairo womuroora weZimbabwe uri kusvika nzvimbo idzodzo.

Kana zvimwe zvinhu zvakange zvazivira kuramba zviri panhu pamwe chete, mwenga akabata mutsvairo wake, anongoti, “pamusoroi”, osimudza otsvaira nzvimbo yosara yakachena. Pamwe akaona kuti chinhu chisina maturo, chisisakwanisi kushandiswa, anongotaura kuti ko kutsvaga zvimwe zvingaita sei?

Vamwe vanhu vanotanga vachatsamwa kana kunyeya, asi vakachenjera vanenge vachiti, rega tione kunowira tsvimbo nedohwe. Vamwewo vanenge vachiti anoda kuzviita ani, anofunga kuti isu zvidza zvapo tagara mumusha muno hatizivi kutsvaira marara? Kana maiziva, maigoregerei kuatsvaira?

Kungounganidza mazwi okuda kutaura kuti zviri kuitika mubato rinotonga reZanu-PF zvange zvave kuda mutsvairo. Variko vari kurwadziwa, uyewo vamwe vane twavari kuronga nokurongonora. Ko zvamunomboti muri vanamati? Handiti zvinonzi kana rimwe suo rikavharwa, Jehovha vacho vanovhura rimwe, wosangana nezvakakunda musuo ravharwa? Munotyirei kuti masuo avharwe kuitira kuti mamwe avhurwe? Asi, zvapedza vanhu mafuta ndezvokuti sei mapato anopikisa akaita seMDC-T, achitsigira zvine mutsindo kudaro nhengo dzinoti dzakasimba mumusangano webato riri kutonga reZanu-PF? Sei vari kuti mumba muri kutsvairirwei? Baba vawakavakidzana navo vangauya kuzotonga musha wako, wavo vachiutadza?

Enda undoona zviri kuHarvest House. Ibesanwa rega rega vanhu vachichemera nhengo dzomusangano weZanu-PF. Ngavangovaita nhengo dzavoka kwete zvechihwande-hwande! Asi, pane nyaya apa. Svondo rapfuura mutungamiri wenyika Cde Mugabe vakasarudza vatevedzeri vavo vaviri zvichibva muzvisungo zvakabva kuCongress yakaitwa kutanga kwemwedzi vanove Cde Emmerson D. Mnangagwa avo vakatora chinzvimbo chaCde J.T.R. Mujuru vanova vakasiiswa basa, pamwe chete naCde Phelekezela Mphoko.

Vese vagara vari muHurumende asi vachibata mabasa akasiyana-siyana. Mumwe aionekwa kakawanda, asi mumwe pamusana pokuti aimiririra Zimbabwe kunyika dzakawanda kwamakore, akange achiita kunge akahwanda. NdiCde Mphoko ava! Vese vanokorokotedzwa nokuti pavasvitswa apa parefu. Panoda kusunga dzisimbe, kunyanya vanhu vakamirira kuti takaenda kusarudzo tikakuvhoterai, saka nhasi totambura pamusana pei.

President Mugabe vakatoenda kuzororo ravo rapagore. Cde Mnangagwa ndivo vakabata nyanga.

Asi, zvinoratidza kuti vazhinji hatina hanya nezviitiko zvomunyika ndezvokuti kune vamwe vakati ko ivo Cde Mphoko ava vakabva nokupi? Sei President Mugabe vakatora munhu akangonyuka? Mungazive vese vese? Mungavapedza imi? Zvinoitwa zvakare panyaya yamagamba vanhu vachiti aitwa gamba hatimuzivi?

Siyai vanhu vashande mozoona kuti vamunoziva nevanofungirwa kuti vakangonyuka vanoburitsa zvipi. Zvido zvenyu kunya!

Share This:

Sponsored Links