Mutyairi wekombi dzamumomotera

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Mutyairi wekombi  dzamumomotera

Kwayedza

Garnet Zvimba
NYAKUNZI aikudza kugara achizvambaradza mukadzi pamwe nekumunyima zvekudya akazochechuka amiswa mudare.Shamiso Ndoro akaendesa aimbove murume wake, Tapfumanei Manyokoza, uyo anova mutyairi wemakombi, kuHarare Civil Court achida $120 yekuchengeta mwana wavo.

“Chichemo changu kudare kuti murume uyu andipe mari yekuchengeta mwana sezvo asisachamboroti zvake kuti kune mwana. Chandipa kuti ndipotere kudare inyaya yekuti tatadza kunzwanana sezvo iye achikudza kurova chinova chimwe chezvikonzero chakaita ndisiyane naye. Ndakatoona kuti ndingaremare ndikaramba ndichigara nemhondi yakadai, aindirova mazuva mazhinji achindinyima chikafu,” akadaro Ndoro.

Akati Manyokoza anowana mari zvakare kubva kurendi inobhadharwa nemaroja anogara pamba yevabereki vake.

“Anotyaira makombi, pandaigara naye aiuya nemari inokwana $100 pavhiki uyezve anopihwa mari yerendi $120 kumba kwevabereki zvinoratidza kuti mari anoiwana hunongova hurombe hunomupa kusachangeta mwana wake,” akadaro Ndoro.

Achipawo divi rake, Manyokoza akati:

“Mari yaari kuti ndinowana inhema chaidzo uyezve imwe imba ndiye anoigara naizvozvo anogara mahara handioni chinangwa chekumupa mari zhinji yakadai.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Manyokoza aizopa Ndoro $120 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links