Muzukuru anodira mvura pamubhedha waambuya

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Muzukuru anodira mvura  pamubhedha waambuya

Kwayedza

Amager Mufema
AMBUYA nemuzukuru vakanakurirana nyoka mhenyu mudare vachipomerana kudira mvura pamubhedha pamwe nekukomberedza nzvimbo yekurara nemigomo izere mvura kuitira kuti pasawane anorarapo.

Madelaine Mupaume akaendesa muzukuru wake Oscar Mupaume kuHarare Civil Court achiti:

“Ndinokumbirawo gwaro redziviriro nekuti ndashayiswa mufaro nemuzukuru wangu uyu. Anondituka zvinonyadzisira achinditi ndiri pfambi uye ndinoroya.”

Akaenderera mberi achiti muzukuru wake ane katsika kekuuya nechirongo chakazara nemvura odira pamubhedha wake.

“Anouya nechirongo chizere mvura odira pamubhedha wangu, hamheno kuti anenge achida kuti ndirare pakatota here,” akadaro Madelaine.

Oscar akapokana nezvakataurwa naambuya vake.

“Ndinopokana nezvose zvataurwa naambuya vangu. Mbuya vangu vakutozama nenzira dzose dzavanogona kuti vandidzinge pamusha. Vanogara vachinditi ibva pano, ndinoda kugadzira nhaka yevana vangu,” akadaro Oscar.

Akati mbuya vake vanogara vachimuti anofanirwa kudzokera kwaakakurira.

“Gogo vanogara vachindituka vachinditi dzokera kwawakakurira, hamheno kuti vanenge vachida kuti ndiendepiko.”

Akaramba zvekunzi anodira chirongo chemvura pamubhedha waambuya vake.

“Handidire mvura pamubhedha wavo asi kuti ivo ndivo vanotora mabhaketi ane mvura vokomberedza pandinorara.

‘‘Hamheno kuti vanenge vachida kuti ndirare pai.

“Ndakatomboenda kunomhan’ara kumapurisa nezvenhau yemabhaketi uye mupurisa akauya akazvionera,” akadaro Oscar.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Oscar anofanirwa kuuya kudare nemupurisa waaiti akaona migomo yemvura yakakomberedza paanorara kuti ape umboo asi muchinda uyu akati mupurisa wacho akachinjwa kwekushandira.

Mutongi Siwardi akapa Madelaine gwaro redziviriro ndokuti kana achida kudzinga Oscar pamba anofanirwa kuenda kune magweta omubatsira kuti amudzinge zviri pamutemo.

Share This:

Sponsored Links