Uncategorized

Muzvinabhizimisi omera mazizamu

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Muzvinabhizimisi  omera mazizamu

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUZVINABHIZIMISI wemumusha weHopley, muHarare, anoti akangofuma amera mazamu sezvinonzi munhukadzi mushure mekurota achiyamwiwa nezvimhuka.

VaMichael Mbulawa (38) — avo vanogara kuZone 6, kuHopley asi kumusha vachibva mubhuku raMbulawa, kuZvishavane — vanoti vasvitsa mwedzi mitanhatu “vachingopushana” nechipfuva chine mitumba yemazamu.

“Iri idambudziko rangu ndoga, rekuti ndakafuma ndamera mazamu akangofanana neemadzimai.

“Ndakarota kaviri husiku ndichiyamwiwa nezvipuka. Ndakatanga kuyamwiwa zamu rekuruboshwe, ndokuzoyamwiwa rekurudyi.

“Mangwanani acho ndakashamisika ndichiona ndangofanana nemudzimai wangu pachipfuva ndikashevedza vadzimai vangu avo vakavhunduka nazvo,” VaMbulawa vakaudza Kwayedza svondo rino.

Vanoti dambudziko iri rakatanga apo vairoja kunzvimbo inonzi kwaHard.

“Musi wazofuma mazamu angu akakura kudai, takarara zvakanaka nemudzimai wangu, vana vari kwavo. Ndakazorota kuchiuya zvimhuka zviviri izvo zvakandiyamwa zamu rekuruboshwe. Zvakazochinja zvichienda kumumwe munyatso wekurudyi. Ndakamuka ndokuzokotsira zvakere asi zvimhuka izvi zvakadzoka zvikaita zvimwe chete — kundiyamwa,” vanodaro.

Murume uyu anoti paakamuka mangwanani, akaona mazamu ake akura apo akazoudza mudzimai wake. “Ndichingoti ba-a kuona mazamu angu, ndakamutsa adzimai dzichitotya. Apa ndakanga ndichangotanga leave (zororo). Mudzimai wangu, Eustina Mugabe (36), paakamuka akati, ‘Ko nhai, zvadiiko kudai?’ Ndakamuti ndarota ndichiyamwiwa nezvimhuka.”

Murume uyu anoti zamu rake rekurudyi ndiro rakazoramba rokura kudarika rimwe.

“Mazamu aya ukaabata munyatso anoratidza kuzvimba mukati asi haabude mukaka, achipisa semune mota. Ndaparadza mari yakawanda ndichienda kudzin’anga, kumaporofita nekumachiremba echiRungu asi pasina chiri kusanduka,” vanodaro.

VaMbulawa vanotenda mudzimai wavo nevatsigira panguva ino yavakaomerwa, zvisinei nemashoko akaipa ari kutaurwa nevamwe vanhu pamusoro pedambudziko ravo.

Vanotizve kwavanofamba vanoudzwa kuti vakaroyiwa nevehukama avo vanoda kuti vagare vari chiseko chenyika uyewo voshaya chavanoita chinobudirira mukurarama kwavo.

Vakaroorana nemudzimai wavo mugore ra2003 uye vane vana vatatu.

Murume uyu – uyo anova machine operator kuimwe kambani huru munyika muno – ane kambaniwo yake inodaidzwa kuti Promac Trading (Pvt) Ltd.

“Kambani yangu ndakaivamba kare asi mari iri kuramba kuwanikwa kunzvimbo dzakaita sekumabhanga kana kune vamwewo vanhu kuti tishande zvakanaka. Ndinoda mari inosvika $100 000 yekusimudzira bhizimisi rangu. Kambani iyi inosvina mafuta kubva munzungu, maringazuva, mhodzi dzedonje nezvimwe zvirimwa pamwe chete nekugadzira kudya kwezvipfuyo.”

VaMbulawa vanoti vari kutsvaga vangavabatsira padambudziko ravo remazamu iri uye vanobatika panhamba dzinoti 0777 918 234 kana 0773 896 818.

Zvakadai, kune vamwe varume vane matambudziko ekukura kwemazamu avo vakatombobuda munhau. Vamwe vevarume vane dambudziko iri ndevanoti Masimba Chidahunha wekwaMusami, kwaMurehwa, uyo ane mazizamu anosvika muchiuno naAcry Shayamano wekuMhondoro. Shayamano anonzi mazamu ake akatanga kukura apo akagadzirwa aba mombe yehumai.

Svondo rapera, rimwe bepanhau redu, reThe Manica Post, rakaburitsa mumwe murume wekuChipinge uyo ane mazizamu akura zvekuti kana vamwe vanhukadzi havana “door”.

Share This:

Sponsored Links