Uncategorized

Mvura: bata R5 upedze nyota

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Mvura: bata R5 upedze nyota MADZIMAI nevana havachina zororo vachisweroforera mvura pazvibhorani kuChitungwiza.

Kwayedza

MADZIMAI nevana havachina zororo vachisweroforera mvura pazvibhorani kuChitungwiza.

MADZIMAI nevana havachina zororo vachisweroforera mvura pazvibhorani kuChitungwiza.

PANGUVA iyo vamwe vagari vekuChitungwiza nedzimwe nzvimbo dzemuHarare vari kuchema-chema nekuda kwedambudziko guru rekushaya mvura yekushandisa, kune vamwe vari kutora mukana uyu kupura mari nekutengesa mvura.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vagari vekuChitungwiza avo vakanyunyuta nekuda kwemamiriro ezvinhu aya.

“Gore negore taigarobatsirwa nesangano reUnicef, iro raitiunzira mvura iri mumatangi, asi gore rino hatina kana kumbounzirwa mvura, tave kutoita yekutenga kune vamwe vakachera zvibhorani,” vakadaro Mai Tinotenda Mujoma (25) vekuUnit “O” Extension.

Vanoti kudai Hurumende yapindira padambudziko remvura nekucherera vanhu zvibhorani.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Webster Arubi (40) vekuChitungwiza kwekare, avo vakati vari kutopona nekutenga mvura kune vanofamba nezvingoro.

“Vana vanoenda kuzvikoro vanoda mvura yekugeza nekuwacha zuva nezuva, saka migodhi yaitipa mvura yakakasika kuoma gore rino izvo zvave kuita kuti titenga mvura neR5 pamugoro mumwe chete,” vakadaro.

Vanoti vakambozama kuwedzera kucheresa mugodhi wavo asi mvura iri kuratidza kunetsa kuwana nekuda kwekuoma kwepasi.

“Pasi paoma zvekuti tave kungogara takatarira denga kuti pamwe kana ikanaya dambudziko redu ringapera.

“Munzvimbo medu mune zvibhorani zvitatu zvakacherwa neUnicef asi hazvisi kutikwanira nekuda kwekuwanda kuri kuita vanhu vari kuuya kuzovaka. Kunogara kwakazara vanhu siku nesikati, dzimwe dzenguva kuchitomuka zvibhakera vanhu vachirwira mvura,” vakadaro Mai Arubi.

Vamwewo vane migodhi ine mvura vave kusarudza kuswera vakaikiya nekutya kubirwa mvura.

Pombi zhinji munzvimbo iyi dzave nengura nekuda kwekushaikwa kwemvura kwenguva yakareba.

Mumwe mudzidzi wepaSeke 5 Primary, Mercy Mhangwa, anoti kana dambudziko iri rikasagadziriswa nenguva pane mukana mukuru wekunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

Gore negore nzvimbo yeChitungwiza inogaroita dambudziko remvura.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa zvakanaka kwevana, Dr Portia Manangazira, vanoti kuwanda kwedzimba dziri kuvakwa munzvimbo dzisina kuiswa pombi dzemvura nedzinofambisa tsvina kuri kukonzera dambudziko reutano munyika.

“Iroro ndiro dambudziko guru nekuti kune dzimba dzakawanda dziri kuvakwa munzvimbo dzakasiyana uye dzimwe dzacho dziri kungovakwa zvisiri pamutemo.

“Hazvikodzeri kuti vanhu vagare panzvimbo dzisina zvimbuzi nemvura yakachena nekuti zvinokonzera kunyuka kwezvirwere zvemanyoka.

“Nyika ichiri kusangana nedambudziko rekuwanisa veruzhinji mvura yakachena zvinova zviri kukonzera kuwanda kwezvirwere zvemanyoka,” vakadaro Dr Manangazira.

Mashoko kubva kubazi iri anoti chirwere chemanyoka chakauraya vanhu 23 mukati mesvondo rimwe chete munyika nguva pfupi yadarika.

Mukuru wechikamu chezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vakayambira veruzhinji kuti vaedze nepese pavanogona kuchengetedza utano senzira yekudzivirira zvirwere zvemanyoka, zvikuru mumwaka wekunaya kwemvura.

“Tine dzimwe nyaya dzechirwere chetyphoid dzakabva kunzvimbo dziri kuHarare South, zvikuru sei kuHopley, uko vanhu vakange vari kunwa mvura yaibva muchibhorani chisina kuchengetedzeka,” vakadaro.

 

 

Share This:

Sponsored Links