Uncategorized

Mwana (14) kubva Gokwe kusvika Kadoma netsoka

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mwana (14) kubva Gokwe  kusvika Kadoma netsoka Gilbert achiratidza mavanga ari kumusana kwake— Mifananidzo: Innocent Makawa

Kwayedza

. . . achitiza baba vake

Kingstone Mapupu —
MWANA mukomana ane makore 14 okuberekwa wekwaNembudziya, kuGokwe, anonzi akapedza masvondo matatu achifamba netsoka kubva kuGokwe kunosvika kuKadoma – chinova chinhambwe 207 km – apo aitiza kushungurudzwa nekurohwa nababa vake.

Paazotiza, baba vemwana uyu vari kunzi vainge vamuvimbisa rufu nekumuzvambaradza vachimupomera kurova mombe yavo ikatyoka musana, mushure ndokuzofa.

Gilbert Kawondera wemubhuku raMacharangwanda anoti akafamba netsoka kubva kuGokwe kusvika kuKadoma apo airara munzvimbo dzakasiyana, dzimwe dzinotyisa semumasango nemumabhawa achitiza baba vake. Mukomana uyu, uyo akafirwa naamai vake vainzi Sadziso Gurajena (37), anoti ange achigara achirohwa nababa vake – Tawanda Kawondera – achingopomerwa zvakawanda. “Pandakazotiza apa, ndakange ndabva kumombe ndokusungirira mombe yedu mudanga. Mombe iyi yakazoedza kupoya ichibva yasvetuka ndokunorovera nemusana ikatyoka musana, ndokuzokufa.

“Baba vachiona izvi, vakanditora ndokundisunga makumbo nemawoko vakandisungirira padara rechibage vachiti vaida kundiuraya sezvavaiti ndakaita mombe yavo. Vakandirova kusvikira ndisisagone kuchema.

“Vakazopinda mumba apo vaiti vaida kunotora bhemba kuti vanditeme naro, pakazongoitika minana ndikakwanisa kuzvisunungura nemazino ndichibva ndatiza ivo vachiri kutsvaga bhemba racho,” anodaro Gilbert.  Mukomana uyu haachaenda kuchikoro sezvo akagumira Grade 7 uye pari zvino angadai achiita Form 1.

Gilbert anoti baba vake vakatanga kumuonesa pfumvu pakashaya amai vake muna Nyamavhuvhu gore rapera. “Ini nehanzvadzi yangu iri Grade 5 tinogara tichirohwa tichisungirirwa padara nababa uye vamwe vemumusha vanotadza kutinunura. Magariro edu ndeekurohwa zuva nezuva. Amainini, vava mukadzi wababa, vakanzwa tave kurohwa vanobva vazvivharira mumba kana kunorara. Fanika ukadyisa mumunda mevanhu, unochiona musiyo,” anodaro mwana uyu chiso chake chizere nekusuwa.

Anoti iye nehanzvadzi yake vanonyimwa kudya naamainini vavo ava. “Hanzvadzi yangu mudiki ndiye akatanga kutizira kwaambuya nekuda kwekurohwa uku, ini ndokuzotizawo izvozvi. Pandakatiza, ndairara mumabhawa, mumigwagwa nemusango ndichibatsirwa nevamwe vanhu kusvikira ndakazosvika kumapurisa ekuKadoma. Ndakagara kwemazuva maviri apo vakazondikwidza mubhazi rekuenda kuminda yeDamvure, kuMhondoro-Ngezi, uko kunogara amaiguru vangu, mukoma waamai. Ndakazonosvika kwamaiguru avo vakazouya neni kuno kuHarare,” anodaro.

Gilbert anoenderera mberi achiti: “Pandakabva kumba ndakarara kwakawanda, kusanganosanisira kwaMutora, kwaWirirana, Sanyati, Jompani nekuPatchway. Zvimwe zvidhakwa zvaindidzinga mumabhawa vamwe vachinditi tsotsi asi vamwewo vaindipa zvokudya kudakara ndakazosvika kumapurisa ekuKadoma.”

Maiguru vemukomana uyu – Mai Selly Gwavuya (43), avo vari kugara naye kuGlen View, muHarare – vanoti vakangoerekana voona Gilbert achisvika kumusha kwavo kuMhondoro-Ngezi achiti aiva afamba netsoka zvikavashamisa zvikuru.

“Ndakatambira mwana ataura nyaya yekuti aida kutemwa nebhemba nababa vake ndikaenda naye kumapurisa ekuBhandawe, kuMhondoro, uko ndakasvikonzi nemapurisa eko mwana uyu ane misakanzwa uye havana zvavakaita. Vakati tidzokere kuGokwe kana kuKadoma kunomhan’ara nyaya iyi,” vanodaro. Mai Gwavuya vanoti vakazotaura naSabhuku Macharangwanda vekuGokwe panhare nababa vaGilbert panhamba dzinoti 0776 494 363 ne0784 962 647 nekuda kwenyaya iyi.

“Sabhuku ndivo vakazoenda kumapurisa ekuGokwe kunomhan’ara kuti vaiva vashaya mwana, baba vacho vasina danho ravakatora,” vanodaro.

Mai Gwavuya vanoti vachachengeta mwana uyu uye vakazvipira kunotora hanzvadzi yaGilbert diki iyo inonzi yakatizawo kushungurudzwa nababa vevana ava ikanopotera kwaambuya, amai vababa vanobata vana huchapa ava. Kwayedza yakaedza kutaura nababa vaGilbert pamwe chete naSabhuku Macharangwanda, asi yakakundikana. Mutauriri wemapurisa munyika – Chief Superitendent Paul Nyathi – vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Vanhu ngavasashungurudza vana nekuti vana vane kodzero dzavowo sevanhu vakuru. Ikodzero yemwana kuti aendeswe kuchikoro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links