Mwana akatsakatika

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Mwana akatsakatika

Kwayedza

BRIGHT CHIHURURUMWANA wepachikoro cheChemhondoro Secondary School kwaMangwende, kwaMurehwa, ari kutsvagwa nevabereki vake zvichitevera kushaikwa kwaakaita mumwedzi waZvita gore rapera.

Bright Chihururu (16), uyo aigara mubhuku raTigere, anonzi akabva pamba nemusi wa7 Zvita aine mumwe wake vachinetsana nenyaya yebhatiri refoni apo anonzi haana kuzodzoka kumba kusvika nanhasi.

Amai vake, Omega Chihururu Mutawa (43), vanoti vari kutsvaga mwanakomana wavo uyo aiita Form 3 gore rakapera.

“Ndainge ndisipo ndaenda kubasa kuHarare musi uyu apo ndakasiya Bright pamba aine hanzvadzi yake, Mellisa Chihururu (19), nemumwewo musikana. Zvinonzi mukomana wepanext door, Elvis, anoshanda kufudza mombe pamusha waVaChinounda, akauya achiti aida kubooster bhatiri rake refoni ndokupa Bright,” vanodaro.

“Zvinonzi pava paye, Elvis akazotanga kupomera Bright mhosva yekuti aiva achinjanisa mabhatiri achitora rake apo vakazonetsana ndokubuda kunze kwechivanze vakabatana mawoko kuma9 mangwanani. Ndipo paakaenda zvachose.”

Vanoti musi wakare nguva dzekuma 3 masikati, Bright anonzi akaonekwa kuCross, kwaMurehwa kwakare, achinzi aitengesa mabhatiri ekamboshanda enhare achinzi aida kuwana mari yekuti atengere Elvis bhatiri rake iro aiti aiva ashaya.

“Pane mashoko anoti Bright akazosangana naTawana Chikurupati wekumusha kwedu aiva nebhasikoro akamutakura vouya kumba. Anonzi pavakasvika pachinhambwe chemakiromita 44 pachiteshi chepaMuhacha mumugwagwa weHarare-Mutoko, akaburuka akati aitya kuenda kumba nekuti aida kurohwa naElvis, apo akagumisira kuonekwa,” vanodaro Mai Chihururu.

“Ndakazomhan’ara kumapurisa ekwaMusami. Asi hakuna kana runyerekupe rwekuti aripi. Ndaona nhamo nekuenda kumaporofita nekun’anga uko zvinonzi mwana mupenyu.”

Mwana uyu igotwe uye anonzi munhu anokanganwa, anononoka kufunga uyewo mushava.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya yekushaikwa kwemwana uyu ndokukumbira kubatsirwa neveruzhinji.

Vanoda kubatsira vanokurudzirwa kuridza nhare dzinoti 0716 858 655, 0783 396 817 ne0734 989 502 kana kutaura naInsp Muzondo pa: 0773 553 148.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>