Mwana anosvitsa amai kutsime

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
AMAI vekushungurudzwa nemwanakomana wavo uyo anoshaya hunhu zvekugara achivatuka nekuvaparadzira midziyo yavo yemumba, vakapotera kudare redzimhosva vachiti zvavanyanyira.

Theresa Gamanya akamhan’arira Luckmore Dendamira kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. “Ishe, ndaoneswa ndondo nemwanakomana wangu wandakatumbura. Anondituka semwana mudiki zvekutoti raini rose hapana asingazive kuti chembere ino inotukwa nemwana wayakazvara,” akadaro Gamanya.

Gamanya akaenderera mberi achiti Dendamira ane katsika kekurasira midziyo yake panze pamwe nekuiparadza.

“Anoparadza midziyo yangu yandakazvitengera. Dzimwe nguva anoikanda panze zvekuti midziyo yangu mizhinji yaparadzwa,” akadaro Gamanya.

Dendamira haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Gamanya gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links