Uncategorized

Mwana chipo chaMwari

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mwana chipo chaMwari

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya inosiririsa zvikuru, yemwana mukomana ane makore 14 okuberekwa uyo anoti akafamba netsoka kubva kuGokwe kunosvika kuKadoma achitiza kushungurudzwa nababa vake — chaivo vekumubereka. Sekutaura kwemwana uyu — uyo anoti akafirwa naamai vake —akapedza masvondo matatu achifamba netsoka apo airara mumasango nemumabhawa.

Rwendo rwakafambwa nemwana uyu rwakareba zvikuru — kubva kwaNembudziya, kuGokwe, kunosvika kuKadoma — chinova chipo che210 km.

Mwana achitiza kushungurudzwa nemubereki?

Chikonzero chakaita kuti mwana uyu azofambe netsoka anoti aitiza kupondwa nababa vake avo vanonzi vakamuvimbisa kumuuraya vachimupomera mhosva yekukonzeresa kufa kwemombe yavo.

Asi nyaya yemombe isati yavapo, mwana uyu nekahanzvadzi kake vanonzi vagara vachingorohwa vakaita zvekusungirirwa kana pamuti.

Semaonero edu, ukaona mwana wezera iri ofamba netsoka mutunhu wakareba kudai zvinenge zvakaoma.

Sekutaura kwemwana uyu, anoti kubvira pakashaya amai vake, iye nehanzvadzi yake vanogara vachishungurudzwa nababa vavo, avo vava nemumwe mudzimai. Pavanorohwa, mudzimai uyu – amainini kuvana ava — anobva atonorara achisiya vachizvambaradzwa.

Kana iko kusava nemoyo wekubereka! Mukomana uyu anoti zvakare hanzvadzi yake yakatizawo pamusha pavo ndokunogara naambuya — amai vababa vavo.

Regai vakuru vati nherera inoguta musi wafa amai vayo. Vana vaviri ava handivo bedzi vakatarisana nedambudziko rekushungurudzwa nevabereki asi kuti vakawanda vari kusangana netsekwende iyi. Vakawanda vanongofa chinyararire.

Chinonetsa ndechekuti kune vamwe varuzhinji vanovanza nyaya dzakadai nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinoita kuti vana varambe vachishungurudzwa. Kune vamwe vana vari kurarama upenyu hwehunhapwa, zvisinei nekuti vanenge vachigara nevabereki vavo chaivo nyakuvatumbura. Vamwe veruzhinji vanotoziva vana vari kushungurudzwa asi vanoramba vanyerere panzvimbo yekumhan’arira vanhu vakadai.

Semuenzaniso, svondo rapera bepanhau rino rakaburitsa imwezve nyaya yemumwe murume akaendeswa kumatare edzimhosva achipomerwa kurambidza mwanasikana wake kuenda kuchikoro achiti anofanirwa kuroorwa.  Murume uyu anonzi ari kurambidza mwanasikana wake kuenda kuchikoro achiti aroorwe achinzi ari kutevedzera mutemo wekuchechi kwake. Zviri pachena kuti mwanasikana uyu ari kushungurudzwa nekuti kodzero yake yekuenda kuchikoro iri kutyorwa.

Kune vamwezve vana vari kupedzisira vatiza mudzimba dzevabereki vavo sezvakaita wekuGokwe uyu vachizvipira kunogara mumigwagwa nekuda kwekushungurudzwa, kunyangwe zvazvo kuine vamwewo vasingade kutsiurwa. Chokwadi mwana angapedzisire ave chenzira vabereki vari vapenyu?

Zvakakosha kuziva kuti ibasa remunhu wose kuchengetedza kodzero dzevana nekuti ndivo vatungamiriri vemangwana.

Vana vanoda kupihwa rudo uye kuvashungurudza kunokangisa upenyu hwavo zvachose. Mwana chipo chikuru chinobva kuna Mwari. Kune vamwe vari kutovatsvaga asi vachivashaya. Bata wako zvakanaka!

Share This:

Sponsored Links