Uncategorized

‘MWANA HAASI WEMURUME WAKO UYU, INHEMA HERE?

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘MWANA HAASI WEMURUME WAKO UYU, INHEMA HERE?

Kwayedza

‘. . . ichokwadi, ndewe chikomba’

‘. . . chaindiunzira girosari nemari’

“IMI amai imi, mwana wamakabata uyo haasi wemurume wenyu asi ndewechikomba. Makapomba mukaita mwana iyeye. Inhema here? Ndipindurei!”

Kunomboita chinguva munhu anyerere.

“Ichokwadi, ndakaitiswa mimba nechikomba apo murume wangu aive kuSouth (Africa).”

Chaunga chevanhu vaive kwaMambo Gwesela, kuZhombe, chakabva chashamisika nemhinduro yemukadzi uyu.

Izvi ndizvo zvakaitika kumudzimai akaroorwa, wekuita hupombwe ndokuita mwana nechikomba murume wake ari “murima” asi nyaya iyi ndokuzofumurwa nemumwe muporofita pajekerere.

Chipo Makovere (35), wemubhuku raMakota, asi kumusha kwake achibva kwaMarozva, kuBikita, mudunhu reMasvingo, akafumurwa mabasa ake echipfambi pachaunga chevanhu nenhengo dzeZinatha idzo dzakange dzaenda kuZhombe uko dzaichenura vagari veko.

Makovere mudzimai waDennis Farai uye vaviri ava vanonzi vava nemakore 18 vawanana.

Paichenurwa apa, vanhu vaimira mumutsetse votanga vareurura pane mumwe muporofita vachizoenda kwaive nen’anga.

Makovere akatevedzawo zvaiitwa nevamwe. Paakasvika paive nemumwe wechikwata chekuZinatha ichi, muporofita Madzimai Sekai Magorimbo (49), uye akabata mwana wake mumawoko, Makovere akapfugama achiti abatsirwe.

Ndipo paakanzi areurure asi iye ndokuramba anyerere. Apa ndipo pakabva pafumurwa nyaya yake yekuita gumbo mumba, gumbo kunze.

“Madzimai mungati hamuna chekureurura chokwadi? Ko mwana wamakabata uyu zvaasiri wemurume wenyu wekumba wani?

“Hamuzive here kuti kuchengetesa mwana mumusha usiri wake ingozi, mumusha wevaridzi? Munoramba here kuti mwana wamakabata uyu makakaita chipfambi nechikomba?” vakadaro Madzimai Magorimbo vachibvunza Makovere.

Pasina kana kundandama, Makovere akabva abvuma zvose zvaakaudzwa.

“Ichokwadi, hapana chandinoramba. Ndakaita chipfambi nemumwe murume anobva kuMt Darwin anogara mutaundishipi yekwaJoel anonzi Givemore Mahureva.

“Ndakangodananawo naye kwenguva diki ndokushinha tose apo ndikabata nhumbu yemwana uyu,” akapindura achidaro Makovere.

Anoenderera mberi achit: “Dambudziko rakaitika kuti ndizodaro, murume wangu akaenda kuSouth Africa kwemakore mana asingadzoke, asingatumire kana chinhu.

‘‘Ini ndiri wenyamawo ndokubva ndapfimbwa naMahureva ndokutanga kuita chipfambi kusvikira ndaita pamuviri pemwana uyu.

“Chikomba ichi chainditengera girosari nekundipawo mari.”

Mukadzi uyu anoti murume wake akazodzoka kuSouth Africa iye atova nemimba yemwana uyu.

“Chave kundinetsa, murume wangu akauya akabva aregedzesa vana chikoro ndokuendesa mumwe mudiki kuhanzvadzi yake kuKwekwe. Mumwe mukuru anga achiita Form 4 akatorega nekushaya mari, mumwewo wepakati akaregawo chikoro zvakare.

“Izvozvi murume wangu akadzokera kuSouth Africa, hapana chaakasiya. Hongu, ndakakanganisa asi ndinoda zvangu kubatsirwa kuti vana vangu vaende kuchikoro. Kune vanokwanisa kundibatsira kana nekuti ndishande zvangu munba ndingada,” anodaro Makovere.

Madzimai Magorimbo vanokurudzira mudzimai uyu kuti asaite tsika yekusanganisa varume kana achida kugara upenyu hwakanaka muwanano yake.

Achibvunzwa neKwayedza kuti vabereki vake kuBikita vanoziva here nezvenyaya iyi, Makovere anoti inomunyadzisa kuti anoitaura.

“Ichokwadi, ndakabiridzira murume wangu ndisingazive kuti ndichaita nhumbu. Ndaidawo kuriritira vana. Ndinokumbira ruregerero kumurume wangu nehama dzake kuti ndikwanise kuramba ndichigara mumusha mavo ndichengete vana vangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey