Mwana ndewako, mupinze chikoro

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Mwana ndewako, mupinze chikoro

Kwayedza

PANE chirevo chinoti dzidzo inhaka yeupenyu, icho chinofanira kukosheswa nemubereki wose kuburikidza nekufundisa mwana wake.

Kudzidzisa mwana kwakafanana nekumupa chirauro kuitira kuti akwanise kuzviraurira hove oga nekuti akajaira kuita dzekupihwa anopedzisira ave nyope kana gororo.

Zvisinei nekukosha kwedzidzo kumwana, kune vamwe vabereki vasina hanya nefundo yevana vavo zvachose.

Vabereki vakadai vanosanganisira avo vasingabhadhare mari dzekuti vana vavo vadzidze kana kuti vanomirira kuti vatange vaendeswe kumatare edzimhosva nekuda kwemari dzechikoro dzavanenge vasina kubhadhara.

Kutobatwa huruweki kuti ufundise mwana wako? Hakuna mubereki akakwana akadaro!

Chinoshamisa ndechekuti kana mwana uyu akazobudirira muepenyu, vabereki vakadai vanenge vave kuzvirova matundundu vachiti, “mwana wangu iyeye”.

Wawairamba kupinza chikoro?

Panguva iyi vanenge vakanganwa kuti vaive vasina hanya nefundo yake.

Kana mubereki asina chido chekudzidzisa mwana wake, anoda kuti afundiswe naani?

Tinogamuchira nemawoko maviri mashoko ekugurokota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, ekuti vabereki vanofanirwa kubhadharira vana vavo mari dzechikoro nekuti hapanai fundo yemahara. Inga ndisu wani tinoti chemahara bedzi mushana!

Hapanai dzidzo inowanikwa pachena nekudaro mubereki anofanira kubhadharira mwana wake mari dzechikoro kwete kungomirira kuti Hurumende inoti vana vasadzingwe.

Sekutaura kwaDr Dokora, apo vaipindura mubvunzo wavainge vabvunzwa mudare reHouse of Assembly, vabereki vanofanirwa kusiyana nepfungwa yekuti kune dzidzo yemahara vobhadharira vana vavo mari dzechikoro.

Pachikoro panodiwa zvakasiyana zvekuti vana vadzidze zvakanaka nekudaro vabereki vanofanirwa kubatsirana neHurumende pamwe nemapoka akasiyana mukusimudzira dzidzo kuburikidza nekubhadhara mari dzechikoro.

Kune vamwe vabereki vari kuhwanda nemunwe panyaya yekubhadhara mari vachiti Hurumende yakati hapana mwana anofanirwa kudzingwa nenyaya yekusabhadhara mari.

Vabereki vakadai vave kutora mukana uyu kuti vasabvise mari dzechikoro dzevana vavo zvinova zvinhu zvisina kunaka.

Sekutaura kwaDr Dokora, kana mubereki achinetseka kuwana mari, zvakakosha kuti agare pasi nevakuru vepachikoro panodzidza mwana wake vowirirana hurongwa hwaangaite mukubhadhara mari iyi.

Mubereki anofanira kuve neshungu dzekuti mwana wake abududire mufundo yake nekumutsigira zvizere.

Kune vamwe vabereki vasina chido nevana vavo, avo vanoenda kuchikoro vasina yunifomu, mabhuku nezvimwe zvinodiwa.

Munguva ino yechando, zvinorwadza kuona mwana achidedera asina juzi kana shangu mugumbo asi baba vake iri shasha isingabve pabhawa ichinwa doro.

Vakuru vanoti chirere, mangwana chigokurerawo. Saka mubereki anofanira kukoshesa dzidzo yemwana wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey