Mwana obvutira amai vake magumbeze nemapoto

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mwana obvutira  amai vake  magumbeze nemapoto

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
AMAI vekuoneswa pfumvu nemwanakomana wavo, uyo wavanoti anovatukidzira pamwe nekuvadzinga pamba, vakazokwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

Clara Muranda akaendesa Prosper Muranda kuHarare Civil Court achiti haana rukudzo naye zvachose sezvo achigara achimutambudza.

Clara anoti: “Mwana uyu andinetsa, anondituka ini zvese nemaroja angu zvekuti ndakatozomudzinga pamba zvese nemudzimai wake nekuti tanga tave kutoshaya zororo.” Anoti paakadzinga Prosper nemudzimai wake pamba, vakatora magumbeze ake nendiro ndokusiya vamutuka.

“Pandakavati vaende, Prosper akabatsirana nemudzimai wake kundituka vachitoda kundidzinga pamba nekuti aiti inhaka yake sezvo ari iye ega mwana zvekuti pavakabuda vakatora ndiro dzangu nemagumbeze,” anodaro Clara.

Achibvunzwa nedare kuti ari kuda rubatsiro rwei, Clara anoti anoda kudzoserwa zvinhu zvake uye haachada kuti Prosper asvike pamba pake.

“Ndinoda kuti Prosper asasvike pamba achishungurudza ini nemaroja angu uye andidzorere magumbeze nemapoto zvaakatora,” anodaro.

Prosper anoramba zvose zvinotaurwa naamai vake achiti: “Handina kumbobvira ndataura mashoko iwayo kana kuvatukira maroja avo uye ini nemudzimai wangu hatina kuvatorera magumbeze nemapoto avo, ivo ndivo vakatopa mudzimai wangu.”

Anoti mari yemaroja anoida nekuti haachashanda uye amai vake vakamutorera pasipoti yake nekudaro haachakwanisa kuita mabhindauko ekuenda kunze kwenyika kunohodha zvinhu achizvitengesa. “Amai vakanditorera pasipoti yangu saka hapana kwandinowana mari, ndosaka ndiri kudawo mari yepamba apa,” anodaro Prosper.

Clara anopikisana nazvo achiti haana kutora pasipoti yaProsper asi kuti akaibirwa apo aive aenda kuSouth Africa.

“Anonyepa uyu, pasipoti akaibirwa kuSouth Africa zvekuti akatouya akakuvara mushure mekunge arohwa nematsotsi.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Clara gwaro redziviriro ndokuti Prosper asashungurudza amai vake nemaroja uye adzose magumbeze nemapoto zvaainge atora nemukadzi wake.

Share This:

Sponsored Links