Uncategorized

Mwana vhuu baba varere nepfambi

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Mwana vhuu baba varere nepfambi

Kwayedza

YAKAVE batai-batai nemusi weMuvhuro mangwanani mumusha weUshewokunze, muHarare, apo mwanasikana anonzi akarwisana nababa vake mushure mekunge vatora shamwarikadzi ndokusasana nayo panguva iyo amai vake vakange vaenda kunohodha zvinhu zvekutengesa kuMessina, kuSouth Africa.

Shamwarikadzi iyi yakazopihwa chirango neveruzhinji vemunzvimbo iyi ndokurohwa, kusveeredzwa nekunzi igeze kana kuti kuwacha magumbeze avanonzi vakange vasvibisa pavaipanana rudo nemurume uyu.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi murume saimba wekubatikidzwa uyu, nemusi weSvondo vhiki rino akanokwidza mudzimai wake, Priscilla Chidhakwa, bhazi kuenda kuMessina kunohodha.

Murume uyu anonzi akazosara otorana naMercy Muswaka, uyo anonzi ishamwarikadzi yake, ndokuenda kumba kwemurume kunosasana.

Gava rakazodimbura musungo pamba panogara murume uyu, panhamba 3508 kuPhase 3, apo mumwe wevana wake akamuka ndokumuona arere naMuswaka pamubhedha mubhedhuru.

Mwanakomana ane makore mapfumbamwe ekuberekwa uyu anonzi akamuka achida kugeza kuti aende kuchikoro apo akaona mashura aiitwa nababa vake neshamwarikadzi iyi.

Anonzi akabva anotaurira vamwe vanosanganisira mukoma waamai vake nehanzvadzi yake.

Izvi zvakazoita kuti veruzhinji vakomberedze imba iyi ndokuvharira murume uyu neshamwarikadzi yake mumba.

Asi murume akakwanisa kupunyuka mushure mekurwisana nemwanasikana wake uyu, Muswaka ndokusara achiitwa kanyama-kanyama.

Mumwe mwanasikana wemurume uyu, Molline Nyama (25), uyo akaroorwa uye anogara kwake, akataurwa naye neKwayedza ndokuti zvakaitwa nababa vake zvinonyadzisa zvikuru.

“Ndasvika ini ndichiwana izvi ndikatanga kurwisana nababa ndikavabvarurira sikipa yavo vachida kundirova.

‘‘Nyaya iyi yaitika kuma6 mangwanani, baba vazotiza vakapwanya hwindo tichinetsana kuti sei vatora pfambi iyi. Zvinopa dzidziso yakaita sei kwatiri isu vana?” akadaro Molline.

Muswaka akaramba kuti ipfambi achiti mukadzi wasaimba uyu uye vane mwana vose.

Mai Sofia Takawira (43), avo vanova mukoma waamai vaMolline vakashora zvikuru hunhu hwababamudiki vavo.

“Izvi zvaonekwa nemwana akazivisa kuti mumba mune pfambi. Tazoungana tikavavharira imomo asi babamudiki vazorwisana nevanhu vakatiza.

“Pfambi iyi yanga isina kupfeka, yazopfeka pava paya asi tamupa chirango chekuti asiye awacha magumbeze emunin’ina wangu kubvisa tsvina uye nekutsvaira mumba nekuisa cobra izvo ari kuita izvozvi,” vakadaro.

Mukadzi uyu paakawanikidzwa akatadza kupfeka chipfeko chemukati, bhutsu nebhachi izvo vatori venhau vakaratidzwa.

Mumba mairezvana murume uyu neshamwarikadzi yake makawanikwawo muine makondomu asina kushandiswa.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vakashora zvikuru saimba uyu nekuda kwekatsika kake kekuita zveshamwarikadzi vana vachiona.

Muswaka anoti saimba uyu murume wake sezvo vaine mwana ane makore mapfumbamwe vose uye anozivikanwa naamai vemurume uyu.

“Ndine mwana nemurume uyu. Ndakatobva kuBulawayo nezuro ndichida mari yekuti ndirapise mwana ari kuita maronda. Ndiye akanditi ndiuye achiti maiguru avakwidza vaenda kuMessina.

‘‘Ndakanomumirira kuMbudzi uko ainwa doro takazouya kuno kumba kuma8,” akadaro.

Mukadzi uyu akazopinduka ndokuti aiva abva kuChitungwiza kumba kwavamwene vake uko anoti vakamuti aende anopihwa

mari yekurapisa mwana.

“Ini kumusha kwangu ndinobva kwaChitate, kuDema kwaSeke, uko kwandinogara naamai vangu. Asi nyaya iripo vanhu vangatadze kundinzwisisa, ndakadanana nemurume uyu mukadzi wake aripo uyu asati avapo, paivawo nemumwe, Mai Bruce. Vakatobvisiswa nearipo uyu vakaenda kuSouth Africa. Iye wacho aripo anondiziva, tinombosangana kwavamwene vedu.

“Vamwene vedu vanogara panhamba 2330 muna First Street, kuUnit L kuChitungwiza. Nekurohwa kwandaitwa nevanhu uku murume uyu handichamuda, ndichamufonera kuti andipe mari yekurapisa mwana chete.”

Muswaka anoti akambosiyana nemurume uyu asi dambudziko remwana ndiro rinoita kuti varambe vachionana.

Amai vemurume uyu vakazotaurwa navo panhare vakati nyaya iyi vainge vainzwa uye yaivashungurudza zvikuru.

“Ndazvinzwa mwanangu, asi ndingaite sei? Mukadzi uyu anouiwa naye kwandiri achinzi ndinoshanda naye. Zvino kana ada vakadzi vakawanda ndomudii? Ndatukwa zvakaoma nevakoma vemuroora wangu (Priscilla) vakandiudza chipfambi ini vachiti ndini ndinofurira mwana wangu.

“Vagara vachindituka, hakusi kutanga nhasi kusanganisira nehanzvadzi dzemuroora wangu.

‘‘Izvozvi ndiri kuchipatara kuKaranda (Mission Hospital) baba vari kurwara zvikuru dzimwe nguva kundishura,” vakadaro amai ava, ndokungopa zita ravo saMbuya Maera. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume wekuwanikidzwa aine pfambi uyu zvose nemudzimai wake Priscilla sezvo nhare dzavo dzaisabatike.

Share This:

Sponsored Links