Uncategorized

Mwana wechikoro oita chimhuka

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mwana wechikoro oita chimhuka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ZVINHU zvakaita manyama amire nerongo pachikoro cheMakomo Primary School, icho chiri kuEpworth, muHarare, mangwanani emusi weChitatu apo vana nevadzidzisi vakadzvamuka vachitiza mumwe wevana vepo anonzi aisanduka kuita chimhuka.Vakaona chiitiko ichi vanoti mwana weGrade 5 aisanduka kuita nyoka, rwaivhi, dhongi kana shumba uye nzara dzake dzichireba. Mwana mukomana uyu anonzi akatanga kusanduka apo akanga aine vamwe kubindu rechikoro. Kwayedza payakasvika pachikoro ichi yakawana mwana uyu akavharirwa muimwe hofisi, mhomho yevanhu yakaungana ichida kuona mashura aya.

Asi vakuru vechikoro vakatsika madziro vakaramba kuti mwana uyu aonekwe. VaJonas Tavirima (31), avo vanove mumwe wevabereki vepachikoro ichi, vanoti mumwe wevakatanga kusvika apa vanzwa nyaya iyi ndokunowana mwana uyu ari muchikoro achisanduka kuita mhuka.

“Ndasvika kuma7 mangwani ndokuwana mwana uyu achipinduka kuita zirwaivhi chairwo asi aita mudiki zvishoma. Pakarepo, azosanduka kuita chimiro chedhongi akatochema sedhongi ndokuzoita fanika shumba nenyoka ndichitozviona.

“Mazino ake anoreba, nzara dzichirebawo uye kumeso kwake kuchimera mvere semhuka. Ndazvionera kwete zvekunzwa.

Vanoenderera mberi vachiti: “Hakasi kekutanga, mwana uyu anogara achizviita. Tave kutya kuti vana vedu varambe vachipinda pachikoro chino.”

Vanoti nyaya yemwana uyu inofanirwa kugadziriswa nekukasika. Mashoko avo anotsinhirwa nevamwe vana vepachikoro ichi vari muGrade 6 vachiti mumwe wavo ari kusanduka kuita zvimhuka zvakasiyana.

“Tatiza kuchikoro nekuda kwemwana uyu. Ari kusanduka kuita mhuka dzakasiyana. Anomboita nyoka, mhembwe, shumba, rwaivhi kana dzimwe mhuka. Vabereki vedu havachada kuti tirambe tichidzidza paMakomo nekuda kwenyaya iyi,” anodaro mumwe wevana ava.

Sachigaro weSchool Development Committe (SDC) yeMakomo Primary School, VaPeter Mudzengerere (34), vanotsinhira nezvedambudziko riri pachikoro apa.

“Tine mwana pano ane dambudziko rekuti akashatiriswa nevamwe anodzvova semhuka achida kurwisana nevamwe. Ndizvo bedzi zvaitika.

“Dambudziko iri anogara achiriita zvekuti zvaitika kanodarika kashanu kusvika izvozvi. “Nhasi zvinonzi zvatangira kubindu uko vanga vachisakura saka vamwe vamudenha ndokutanga kudzvova izvo anogara achiita,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nyaya yekunzi apinduka kuita mhuka kunyepa. Vanhu vafambisa mashoko ekunyepa zvazoita kuti mhomho iungane pachikoro. Tamuvharira mustaff room kuti asakanganisike nekuda kwekuona vanhu vakawanda ava sekumuchengetedza.”

Mukomana uyu anonzi anogara naamai naambuya vake. Pachikoro apa pakazoenda mapurisa kuitira kuchengetedza runyararo sezvo paive nezhowe-zhowe nekuda kwenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links