Mwana weGrade 1 akakwira gomo guru reNyanga

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mwana weGrade 1 akakwira gomo guru reNyanga

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MWANAKOMANA wemakore matanhatu okuberekwa akanyora nhoroondo nguva pfupi yadarika zvichitevera kukwira kwaakaita gomo reNyangani (Nyanga), kuManicaland, iro rakareba mamita 2 592 ndokunosvika panhongonya paro achizvifambira.

Mwana uyu, Onald Gwiriri, akakwanisa kukwira kunosvika pamusoro pegomo iri, iro rakareba kudarika mamwe ose muZimbabwe, musi wa22 Kubvumbi gore rino achizvifambira oga apo aive nevabereki vake.

Onald ari mugwaro rekutanga pachikoro cheGodfrey Huggins Primary School, kuMarondera. Onald ainge abvakacha kuNyanga nevabereki vake, VaOcar Gwiriri, amai vake pamwe chete nemukoma wake, Onashe (17) paakakwira pegomo iri.

Onald anoti anonzwa mufaro mukuru wekuti akakwanisa kunosvika pamusoro pegomo iri achizvifambira oga.

“Ndinonzwa mufaro nekuti ndakakwanisa kukwira kunosvika pamusoro pegomo iri ndichizvifambira,” anodaro.

VaGwiriri vanoti vanonzwawo manyuku-nyuku nezvakaitwa nemwanakomana wavo. “Ndakakatyamadzwa zvikurusa uye nanhasi zvinongondishamiswa kuti mwana wezera iri akakwanisa kukwidza mukwidze wakareba zvakadaro, wakadhambisa ini munhu mukuru,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvaisava nyore kukwira gomo iri sezvo vakambofunga kudzokera panzira apo vakange vaneta vasati vasvika pamusoro paro uye nekutyawo zvierwa zvinotaurwa nezvaro.

“Mushure mekunge tati kwidze-kwidze takasvika pazororo rekutanga regomo iri takambove nepfungwa yokudzoka, zvikuru tichitya zvierwa zvinotaurwa pamusoro pegomo reNyangani. Kunze kwaizvozvo, takange taneta. Asi mushure mekutura mafemo, takaenderera mberi nerwendo rwedu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takazonyevenuka mwoyo patakasvika pabopopo riri padivi regomo iri apo takambonwira mvura nekutorana mifananidzo. Mushure mekukwidza kwechinhambwe, mudzimai wangu naOnashe vakakanda mapfumo pasi ndokuzororora asi Onald akaramba akatsunga chichida kufamba nababa aine shungu dzekunosvika panhongonya pegomo iri.”

Vanoti pakudzika gomo iri, Onald aizvifambira zvakare asi vaimbomutakurawo nekuda kwekumunzwira tsitsi. Gomo reNyangani rinonzi rinoera zvikuru zvekuti kana munhu akanganisa mhiko dzemo anokwanisa kutsakatika. Mugore ra2014, murume Zayd Dada, uyo aive chizvarwa chemuZimbabwe akakwira mugomo iri ndokuzoshaikwa zvachose.

Murume uyu akaedza kutsvaga nevanhu vakawanda, kusanganisira nemauto emuchadenga aive nehelicopter asi haana kuwanikwa. Masvikiro emudunhu rine gomo iri anoti

Dada ane chivanhu chaakanganisa zvikakonzera kuti atsakatike.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey