Uncategorized

Mwana wekutsakatika: Musha wakaendeswa kumuporofita

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Mwana wekutsakatika: Musha wakaendeswa kumuporofita

Kwayedza

NYAYA yemwana uye anonzi akangotsakatika mugore ra2002 kupurazi reMvuranhema, kuMvurwi, yakwira makata sezvo murume ari kupomerwa kuti ane chekuita nekushaikwa kwemwana iyeyu, zvose nemusha wose, vakaendeswa kumuporofita namambo weko nedonzvo rekuti pabude chokwadi.

Mukubuda kwakaita nyaya iyi pakutanga, VaKudakwashe Chinyanga (42) ndivo vanonzi vainongedzwa nemweya uri kusvika pane mumwewo mukadzi kuti vanoziva pane mapfupa emwana uyu, Rosemary Musoki.

Rosemary, uyo aiita Grade 1, anonzi akangonyangarika apo aitamba nevamwe vana achagobva kuchikoro papurazi iri.

Mweya waRosemary unonzi uri kusvika pana Judith Katenaire (37), anova mwana waVaMaxwell Katenaire uye vemhuri iyi havana hukama nekasikana kakashaikwa.

Rosemary mwana waVaJonathan Musoki naMai Anduka Usi.

Pakashaikwa mwana uyu, zvinonzi akatsvagiwa mupurazi umu nenzvimbo dzakakomberedza akashaikwa.

VaChinyanga vari kuramba nyaya yavari kupomerwa iyi.

Nyaya iyi inonzi iri kuferefetwa nemapurisa.

Zvakadaro, Mambo Makope, VaJacob Makope Mapirinjanja (46), vanoti nguva pfupi yadarika vakaendesa VaChinyanga, mhuri yaRosemary nemusha wose kumuporofita vachida kutsvaga chokwadi.

“Mhuri dzose, kusanganisira yekwaKatenaire, yekwaMusoki, Chinyanga nevamwe vemumusha ndakavaendesa kumuporofita apo vabereki vemwana wekushaika vakanongedzwa nemuporofita uyu kuti vane chekuita nekutsakatika kwemwana wavo. Muporofita anonzi Mai Pachawo wechechi yeMoritashi ndiye akanongedza vabereki vemwana uyu,” vanodaro Mambo Makope.

“Sezvo ini ndaisavapo, ari kubatwa nemweya wemwana akatsakatika uyu akazorambidzwa kupinda munhandare kuti mweya uyu usvitswe nekuti panonzi pakanga pava kuita mhirizhonga vanhu vave kuda kurwisana,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti vakaudzwa nevaivapo kuti vabereki vaRosemary pavakadirwa mvura vakatanga kuchema vakambundirana vachipunzirana pasi vabatwa nemweya waisazivikanwa kuti waiva wei.

VaChinyanga, avo vakazotaurwa navo panhare, vanoti vakazvipira kufamba kwose kunodiwa kuti vachenurwe zita ravo uye vachakwidzawo nyaya yavo kumatare edzimhosva kana vachizenge vawanikwa vasina mhosva yavari kupomerwa.

Mambo Makope vanoti mutongo wavakatemera VaChinyanga wekuvaripisa mombe ina apo vakapinda mudare ravo vachiti vari kuramba mhosva yavanoziva ucharamba wakadaro kusvikira chokwadi chabuda.

“Isu hapana watiri kuti ane mhosva kana kuti haana kusvikira nyaya yabuda pachena. Mapurisa tinoti ngavaite basa ravo nekwavo munyaya iyi,” vanodaro mambo ava.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura

nevabereki vemwana akashaikwa uyu kuti vapewo mafambiro avo pane zvave kubuda izvi.

Share This:

Sponsored Links