Mwana wekutyorwa ruwoko naticha: Nyaya yakangomira

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Mwana wekutyorwa ruwoko  naticha: Nyaya yakangomira

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MWANASIKANA wepachikoro cheSaruwe Secondary School, kuSelous, uyo wekuti akarohwa nemudzidzisi wake wechikadzi zvekusara atyoka ruwoko rwerudyi – izvo zvakamutadzisa kunyora bvunzo dzake dzeZimbabwe School Examinations Council – anonzi haana rubatsiro rwaari kuwana rwekuti arapiswe.

Synodia Beverley Gato (16), uyo anogara paPlot 57 kupurazi reZimbo, ari kuti akarohwa nemudzidzisi wake wechikadzi ruwoko ndokutyoka apo aimupomera mhosva yekunonoka kusvika kuchikoro.

Mukuru wechikoro ichi, uyo akangozivikanwa nekunzi Mai Savanhu, paakataurwa naye neKwayedza svondo rapera pamberi akati mwana uyu haana kurohwa nemudzidzisi wake, asi kuti anotovawo murwere anogara achipunzika.

Mai Savanhu vanotizve magwaro ekuchipatara kwakaenda mwana uyu haaratidze kuti akarohwa. Synodia anoti hapana chaari kubatsirwa nacho nemudzidzisi akamurova kana nechikoro kuti awane mari yekurapwa.

“Kubva svondo rapera, hapana chati chafamba kuti ndinorapwa. Ndinoda $300 yekuti ndinorapwa kuParirenyatwa (Group of Hospitals) asi mari yacho hapana.

“Madam ava (ticha anonzi akamurova) nechikoro hapana zvavari kutaura, kumapurisa zvakare hapana anombouya kwatiri achititaurira mamiriro akaita nyaya yangu,” anodaro Synodia.

Amai vake, Mai Elizabeth Matiyenga (35) vanoti: “Taifungawo sezvinoitwa dzimwe nyaya, kuti pamwe tingadai takaona mudzidzisi uyu achimbotorwa nemapurisa. Asi hapana dhoketi rakavhurwa apa.”

Murume wavo, VaPhillimon Gato, vari kugunun’una nemafambisirwo enyaya iyi.

“Takanzi chikoro nemudzidzisi akakuvadza mwana wangu vachandibatsira kurapisa mwana asi hapana zviri kufamba. Vamwe vevanhu ava havachada kana kutaura neni,” vanodaro.

Mukuru wezvedzidzo kudunhu reMashonaland West (Provincial Education Director, VaSylvester Mashayamombe vanoti vakataura naDistrict Education Inspector (DSI) weChegutu, VaRupanga, avo vavanoti vakavaudza kuti nyaya iyi yakatopera.

“Ndakabvunza DSI weChegutu, VaRupanga vakanditi vakaigadzirisa nyaya iyi ikapera, iyeyu ndiye ari in-charge nenzvimbo iyi,” vanodaro.

Vanoti VaRupanga ndivo vanofanirwa kuranga mukuru wechikoro ichi kana akabatwa nemhosva, iyewo mukuru wechikoro oranga mudzidzisi wake kana aine mhosva yaawanikwa ainayo.

“Ichokwadi, nyaya yakaitika sekutaura kwaVaRupanga. Mashoko anoti kunyange kuine kumwe kuferefetwa kuri kuitwa munyaya iyi, pane zviri kugadziriswa padambudziko iri asi zvakanaka kuti mutaure naDSI monzwa mamiriro chaiwo enyaya iyoyi,” vanodaro VaMashayamombe.

Kwayedza haina kukwanisa naVaRupanga kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanoti nyaya iyi yakasvika kumahofisi avo uye vakamirira tsamba inobva kuna chiremba ari kurapa mwana uyu iyo ichashandiswa pakuiferefeta.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey