‘Mwanangu siya chikoro uroorwe’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
MURUME anopinda chechi yeJohanne Masowe ari kupomerwa kurambidza mwanasikana wake kuenda kuchikoro achiti anofanira kuroorwa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Christine Nyabanga akamhan’arira murume wake – Joseph Emmanuel – achiti ari kumushungurudza nekuda kwenyaya yekuti mwanasikana wavo aroorwe.

Nyabanga akaudza dare kuti pamba pavo hapachagarike nekuda kwemaitiro emurume wake.

“Murume wangu anondishungurudza, haaendese vana kuchikoro achitevedzera mutemo wekuchechi yavo. Kutaura kuno pane mwanasikana wedu mukuru waari kuti aroorwe asi iye achiri kuda zvekuenda kuchikoro,” akadaro.

Nyabanga anoenderera mberi: “Pose pandinoedza kuti ndiite maricho ndiwane mari yekuchengeta mhuri nekuendesa vana kuchikoro, anondirova zvekuti ndinopedza mazuva ndakarara achiti ndiri kuita chipfambi. Apa iye anongobuda achifamba nenyika vachiita zvavo zvekushandira vanhu saka paasvika ndipo paanodya uye anozouya kumba kuzorara chete.”

Anoti Emmanuel akamborova mwanakomana wavo ndokumudzinga pamba achiti anofanira kunoswera kuchechi nevamwe vezera rake. Achipawo divi rake, Emmanuel anopokana nemashoko emudzimai wake.

“Mukadzi uyu ari kutaura manyepo nekuti handina kumbobvira ndamushungurudza, kumurova kana kumutuka. Iye ndiye anotondishungurudza nekuda kwezvimwe zvinhu zvaanomboita,” akadaro.

Emmanuel anoti rimwe zuva mudzimai wake akareurura kuchechi yavanopinda kuti akaita cheupombwe nemumwe murume wavanonamata naye.

“Akasimuka pamberi pesangano achireurura kuti aidanana nemumwe murume wepachechi ipapo. Handina kana kumurova kana kumutuka nekuti ndakangozvigamuchira kuti kana munhu areurura aregererwa naMwari saka nenyikawo inofanira kumuregerera. Mbonje yaari kukuratidzai iyo akatodhumirawo akakuvara kwete kuti ndakamurova.

“Mukadzi uyu anopenga iyeyu zvekuti akatanga kundituka vanhu vose vanomira vachiona dhirama remahara.

Share This:

Sponsored Links