Uncategorized

Mwari haadi kuti vangu vana vaende kuchikoro: Madzibaba

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MADZIBABA wekuendeswa kudare nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akashamisa vanhu vaive mudare iri apo akati vana vake havaende kuchikoro nekuti mutemo wechechi yake hauzvibvumidze uye chake kuzvarisa mudzimai wake vana chete.
Shupikai Wadi akamhan’arira Felix Tarwirei achiti haachachengeta mhuri asi kuti anokoshesa mitemo yechechi yake.

“Vana vake vatatu vatori ma’home defender’ chaiwo, vanotoenda kumaricho kuti vawane mari yekuti tirarame. Anorova vana achiti hamuende kuchikoro nekuti Mwari wandinonamata haadi zvese izvozvo, muri kutonditadzira,” akadaro Wadi.

“Vana vese hapana kana akamboenda kuchikoro kubva chizvarirwo, anoti basa rako kungozvara vana chete. Hapana kana kobiri raanondipa kuti ndichengete vana, mumba mangu munotonhuhwa nhamo asi iye ave kutora mukadzi wepiri?

“Mumadhirezi ziso haribve, kutambura kwega-kwega kwandiri kuita, upenyu hwandiri kurarama nevana vangu hauna kusiyana nehwekugara mumugwagwa. Anoramba achinditi zvara ndichataura kana vangu vana vakwana.

Nenhamo yakatikomberedza vana kungozvara hapana zvekuronga upenyu. Ndinoda hangu $200 yekuchengeta vana vake,” akadaro Wadi.

Tarwirei haana kuwirana nezvainge zvataurwa naWadi achiti haatereri munhu akaita saiye asi kuti anoterera Mwari wake waanonamata.

“Imi kani handina chandinomupa mukadzi uyu, Mwari wangu wandinonamata kuchechi yangu yeJohane Masowe changu kuita vakadzi nekuzvarisa chete. Vana kuchikoro havaende.

“Mwari wangu anoti vana vangu havaendi kuchikoro ndapota ndinenge ndichityora mutemo wechechi yangu. Mari yacho handikupe uyezve handitorina kana chii zvacho,” akadaro Tarwirei.

Mutongi Barbra Mateko akati Tarwirei abhadhare $150 yemendenenzi pamwedzi nekuti zvakare vana vapihwe kodzero yavo yekuenda kuchikoro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey