Mwari havatambe ZimDancehall

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
HANDIPEMBEDZE mhombwe, nekuti hupombwe hunorwadzisa vakavimbika muwanano, pamwe chete nekuparadza dzimba nemhuri.

Asiwo handipembedze n’anga dzinozviti maporofita idzo dzinoshanda nesimba rerima kuti vanhu vashaye nhengo dzavo. Tinodireiko kuita sekuti tisu Mwari? Asika nyangwe ukazvitarisa, Mwari havana kutorera mhombwe dzakanga dziriko kubva pakutanga nhengo nekuti dzakaita hupombwe.

Nyangwe mukadzi uye akabatwa achifeva, Jesu akamuregerera akati, “Enda, asi usazotadzazve.” Asi pakaregererwa naJesu, mumwe munhu ndipo paanoshandisa masaramusi ekukiya nekutorera vanhu nhengo dzavo.

Kana muchiti munhu uyu muporofita, hari dzenhengo dzevanhu anodzidii? Nhengo dzaari kuchengeta ndedzake here? Zvaari kuita Mwari vangamuti ari kuita zvakanaka here? Uku hakusisiri kushandisa simba rehuroyi achihwanda nechechi here?

Ini ndinoziva kuti Mwari rudo, uye nyangwe vachida kuti tiite zvakanaka, Mwari havamanikidze vanhu kuti vaite zvakanaka. Bvunzai Adam naEve, Mwari vakavarega vachisarudza kuteerera nyoka. Mwari havana kumboisa key pamuti wavaida kuti usadyiwe. Saka uyu murume ave kuzviita mupurisa waMwari here? Ko iye haana zvivi here?

Mwari havati kana tichiti hatina zvivi tinozvinyengera here?

Ini chandinoziva ndechekuti vanhu vaMwari, kufanana nanaMupostori Paul, vaive vamiriri vaKristu uye vaitaurira vanhu chokwadi chaMwari. Vaidaro nekuti munhu waMwari anoudza vanhu zvinoda Mwari, asi haapindire musungano yewanano kuti ashandise mhiko dzake kutyisa.

Zvivi zvevanhu nehupombwe hazvipedzwe nekukiya vanhu, asi neropa raJesu. Changamire mungaudze vanhu kuti muri muporofita, asi hakuna muporofita akadaro! Tendeukai muzive kuda kwaMwari kwakakwana kunofadza Mwari, kana madaro modzidzisa vanhu zvinoda Mwari.

Mitezo yevanhu yamuri kuba muchiisa muhari iyo imhosva. Musakanganwe kuti pakudzoka kwaJesu kana negungwa richaburitsa vese vakafira mariri, saka nemiwo nhengo dzamakakiya dzichabuda muhari dzigodzokera kuvaridzi vadzo.

Changamire, hamuna kusika munhu, munhu akasikwa naMwari nemufananidzo waMwari. Saka ityai Mwari. Jesu haana here kuti kune varume vekubata mukadzi aifeva, “Asina chivi ngaatange kupotsera ibwe?”

Saka imi mabwe amuri kupotsera aya muchiti muri munhu wechechi manyepo. Kana Johani Masowe aidzoka aikuudzai kuti garai pasi madzibaba nekuti muri n’anga.

Saka kana ukafa nhasi hari yakazara nemitezo iyi inoenda kupi? Ko makiyi ese awakakiya anozoita sei? Hauone here kuti nyangwe ukanomira pamberi paMwari, Mwari vachakuwanira mhosva yevanhu vawakakiya.

Nyangwe ukada kutsanangurira Mwari kuti ndaizviita kuti vanhu vasaite hupombwe, unoziva sei kana vanhu vanenge vakuti ukiye vadiwa vavo vasiriwo kuita hupombwe? Ko iwe hauna mhosva here?

Bhaibheri rinokurudzira kushanda. Mwari chaivo ndivo mushandi wekutanga muBhaibheri vachisika nyika vakazozorora nezuva rechinomwe. Asi ini chave kunditambudza mushandiro wave kuita vamwe vanhu. Basa rehun’anga hariitirwe muchechi.

Kutoshaya nyadzi uchitaura kuti pane vane chikwereti changu chemari yakasara pakukiya kwandakaita murume wavo. Tibvire apo! Tambai nezvimwe madzibaba, Mwari havatambe Zimdancehall. Mwari vane zvikuru zvekuita pane kupinzwa munyaya dzetsvina dzezvehupombwe nekushandiswa kuti nhengo dzevanhu dzishayikwe. Inga Jesu akaramba kutonganisa nyaya yemukoma nemunin’ina vainetserana pfuma yenhaka chaiyo.

Maporofita aMwari aripo kutaura Shoko raMwari rinoita kuti vanhu vasiye zvakaipa vachiwana hupenyu husingaperi. Mwari havana ruvengo, asi vane tsitsi nerudo nyangwe nemhombwe nevaroyi kusanganisira maporofita enhema. Tsvagai Jehovha achawanikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey