Uncategorized

Mwari vakazouya: Prophet

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mwari vakazouya: Prophet

Kwayedza

 ‘Vakaperekedzwa nengirozi’
‘Tikadya tose 3kg dzenyama’

MUPOROFITA uye wemuHarare, wekuti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune, ndokutizve Mwari vachashanyira Zimbabwe musi wa20 Gumiguru — chinova China chesvondo rapera — anoti mashoko ake akazadziswa.

Prophet Talent Madungwe (30), sezvaagara achingotaura, anoti Mwari vakamushanyira kumba kwake kuSunningdle ndokuita hurukuro navo.

Prophet Madungwe, wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries, anoti muhurukuro yaakaita naMwari, vakataridza kutsutsumwa zvikuru nekuda kwekuwanda kuri kuita nyaya dzehupombwe nechingochani.

“Mwari vakauya sekuvimbisa kwavakaita, vakasvika na12 pakati pehusiku dakara na1 mangwanani.

‘‘Waiva musi wa20 October (Gumiguru).

“Dhoo (gonhi) remumba mangu rakanga rakavharwa asi ndakangoona mumba kupeny’a ndokuziva kuti chiitiko chiye, munhu mukuru auya. Ndakasvinura ndikaona vaine ngirozi mbiri kurudyi nekuruboshwe.

“Mwari vakanga vakapfeka ma“rob” (magemenzi) machena nemasandirosi kutsoka, kusanganisa nengirozi dzavo. Mwari nengirozi dzavo vaiva nemiviri yevanhu, vose vaiva vatete varefu,” anodaro Prophet Madungwe.

Nemusi weChina svondo rapera, vanhu vakange vaverenga nyaya iyi — iyo yakatanga kuburitswa neKwayedza mwedzi miviri yadarika — vaingozengezana, vamwe vachiti, “Zvanzi nyika iri kuguma nhasi.”

Asi kubva patanga kubuda nyaya iyi mubepanhau rino, Kwayedza haina kubvira yatora divi remuporofita uyu kana kupa maonero ayo. Chayakaita bedzi kupakurira vaverengi vayo zviri kutaurwa naProphet Madunge —sezvazviri — asi idzi hadzisi pfungwa dzebepanhau rino kana kuti dzevaridzi varo, veZimpapers Group.

Vaverengi ndivo vanga vachingopa mafungiro avo, vamwe vachiti murume uyu anoda kuongororwa pfungwa zvisinei nekuti pane vamwe vaiti zvinoda kumirira zuva raainge ataura iri kugoonekwa zvaizoitika.

Prophet Madungwe anoti Mwari pavakauya nengirozi dzavo, vakasvikogara pazvigaro zvemumba make ndokukwazisana nerurimi rweShona nemitauro yengirozi iyo yaanoti “heavenly language”.

“Takatanga kuita hurukuro navo Mwari vachitaura nezvemamiriro evanhu muZimbabwe.

‘‘Asi nyaya yavo hombe vakaratidza kugunun’una zvikuru nekuda kwechipfambi nehufeve hwavakati hwanyanya munyika yeZimbabwe, kune vakaroorana nevasina, izvo vakonzera kuparara kwedzimba zhinji nekupondana.

“Vakaratidzawo kutsamwa nekuda kwekudanana nekuroorana kwemurume nemurume kana mukadzi nemukadzi, chatinoti chingochani. Izvo vakati hazvibvumidzwe zvachose mumirairo yavo,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti Mwari vakazosiya vamuropafadza ndokusiya vamupa masimba ekuparidza vhangeri pasi rose pasina kutya.

“Ipapo Mwari vakazonditaurira kuti kubva nguva iyoyo kusvika musi wa30 December (Zvita) ndinofanirwa kuzodzokera kudenga zvakare, inova nyaya yavakakumikidza ivo.”

Anoti semunhu aiziva kuti Mwari vaizouya, akafanotenga 3kg dzenyama yemombe yakanaka mubucha riri muHarare iyo akagocha zvakanaka. Anoti akazodya nyama iyi naMwari nengirozi dzavo imwe vakatoisiya.

Anoti nyama zhinji yakazozara mumadhishi aivepo izvo zvakamushamisa kuti yakabva kupi.

Prophet Madungwe anoti pakudya, Mwari ndivo vakatanga kunhonga nyama ndokuzotevera ngirozi dzavo iye ndokunhonga pekupedzisira.

Pose apa anoti vaitaura neShona.

“Awa yandakagara naMwari yakaita fanika gore nekuti nguva iyi yaityisa nekuda kwechiedza chaiva chakatikomberedza.

‘‘Asi imwe nyaya yavakataura ndeyekuroora kwangu. Vakati vaiva vakura gwara rakajeka pakuzowana kwangu munhu wandichazowanana naye uyo vasina kutaura kuti ndiani. Sezvo ini ndichiri kutsvaga, ndichida zvangu kuzoita imba munguva iri kutevera, vakanditi ndichiroora,” anodaro Madungwe.

Anoti pakabuda Mwari nengirozi mumba make, mumba makapenya zvakanyanyisa ndokubva vose vangoshaika uye havana kuonekwa kuti vakabuda nepapi.

“Vave kubuda, vakagumisira nekutaura nyaya yemadzimai anobvisa pamiviri nemhondi dzinouraya vanhu vasina mhosva munyika yedu sekuchekeresa nekubatwa kwemishonga yemari inokuvadza vamwe izvo zvavakati inyaya inofanirwa kunamatirwa.”

Prophet Madungwe anoti pamba paanogara hakuna kana mumwe chete akaona kuti Mwari vainge vauya.

Vaverengi tiudze zvamunofunga pamusoro paProphet Madungwe panhare dzinoti: 0714 200

007

CHIZIVISO:

Vaverengi munoyeuchidzwa kuti zvinotaurwa naProphet Madungwe pamusoro pekuti Mwari mbune vaizoshanyira Zimbabwe nemusi weChina, 20 Gumiguru 2016 haasi maonero eKwayedza kana kuti evaridzi vebepanhau rino asi kuti, sebasa redu, tinoburitsa nyaya sekutaurwa kwadzinenge dzaitwa, pasina kuvigiridza. Sebepanhau revanhu, tinopa zvitendero zvakasiyana mikana yekuburitsa maonero avo.

* * *

Hezvinoi zvimwe zvakatumirwa nevamwe vaverengi pamusoro paProphet Talent Madungwe zvichitevera mashoko ake ekuti Mwari vaizouya muZimbabwe musi wa20 Gumiguru:

Prophet vekuti Mwari vari kuuya ngavatiudze kuti zvakafamba sei. — Blessing Mangwaira, Hurungwe.

***

Tipeiwo feed back kuno, vauya tavaona ishe amen! — 0771 870 725.

***

Tiburitsireiwo nyaya yaMadungwe musi wa20 October wakasvika. Pane zvakazoitika here kana kuti aingoda mbiri? Mahobho, Kariba.

***

Kuno kwedu hatina kuona Mwari waProphet Madungwe. Prophet Madungwe kana mashaya zvekuudza vateveri venyu nyararai tsano. Regai kushunika shangu. — 0715 994 239.

***

Tazoona nekuziva kuti Prophet Madungwe mupengo, anotomhanya bani. Anoiswa mumupanda yevaporofita vaBhaari. Haatyi munhu mukuru wakaita saJehovha nei? — Fungai Mtudza.

***

Mwari azouya here? Muporofita uyu ane makore mangani? — 0778 781 048.

***

VeKwayedza mave kumberi, hamushorese dare. Ko Mwari vari kupi nhai VaMadungwe? Tibvunzireiwo nekuti nhasi (neChina svondo rapera) ndi20 October. Sando dzenyu veKwayedza. — Everhope Dondo, Jiti High School.

 ***

Madungwe ndazozviona kuti wakangwara iwe. Hapana chatakaona, unonyepa. Zita raMwari harizi rekutamba naro. Sulu (Suluman Chimbetu) akaimba akati kana munhu anetsa varume batai munhu! Kwayedza munhu ngaasotwe. — Seiko vincho, roots, t rex-prosper kozanai.

***

Prophet Madungwe ngavasatambe noMusiki vanozvigokera mhepo. Vandifungisa October 1992 yokunzi nevamwe nyika iri kuparara. Ngaasungwe atongerwe life in jail. — Tapiwa Jowa, Unit F, Chitungwiza.

***

Prophet Talent Madungwe takamirira Jesu kuuya

 

kwavo. Zvakamira sei prophet? Nhasi ndi20 (China svondo rapera)! — Tashinga Kabaruro, Mt Darwin.

***

Panyaya yaMadungwe hazvigoneke kuti munhu asvike kuna Mwari asina kuona Jesu. Revelation 3 (Zvakazarurwa) inoti paiva neakanga akagara pachigaro kudenga uye akabata bhuku muruoko rwake asi hapana kana mumwe chete pasi nekudenga akagona kutarisa mukati mebhuku iri, asi Jesu bedzi. Ko kuzoti kutaura naMwari nhai?

Madungwe ari kuti akamboshanyira Mwari kudenga? Ngaapihwe mapiritsi enjere pachiri padhuze, yes maporofita ari panyika asi hapana akatumwa naMwari ndosaka vaine 1 ministry vese ye’Cash in Jesus Christ’. Hakuna prophet anoita church yake cz Mwari vanogona kutumira shoko kwaari ka1 pagore. Saka anenge achiti chii kuvanhu shoko risati rauya kubva kudenga? Vose vamuri kuti maprophets in’anga idzi, vachatowanda kudarika zvavari izvi. — Victor Panyere, Harare, 0779 751 787.

***

Ko Madungwe aiti Mwari vari kuuya nhasi (China svondo rapera) Mwari wacho ari kupi? Zuva racho rasvika nhasi rakanzi riri kuuya Mwari. — Hauna, Honde Valley.

***

Nyaya yemuporofita Talent Madungwe ini handiti batai munhu, ngaasungwe kana kuti ngaaitwe sei, aiwa. Ndinoti vaporofita ava vakatsanangurwa kare mubhaibheri nenguva iyoyi yatave.

Saka ngazviitike, Mwari ndiye akatitsanangurira nguva iyoyi, ngatingomirira vamwe futi kwete kunetseka naMadungwe chete. Vanoziva kutaura kwebhaibheri naiye Mwari ngavachiwedzera zvavo kunamata nekuti nguva yave pedo. — Mr T, Banket.

***

Murume wekuti Mwari ari kuuya ngaatiitire zvinhu kwazvo, nyika yoguma iyi hama. — The great 1, Masvingo.

***

Moda kudii muchitinyepera? Musaiyane nezvaMwari. — 0733 337 204.

* * *

Kune vamwewo vaitumirana mashoko pazvikwata zvepamaWhatsApp (WhatsApp groups) pamusoro penyaya iyi.

Mamwe emashoko aitenderera ndeanotevera:

Frenz of HD & Blackways group yaive neizvi:

Anzi naProhet Mudungwe Mwari akauya kumba kwake kuSunningdle aine two maangels vakatoita 1 hr vachikurukura vakatodya vese but apana mumwe munhu akakwanisa kuvaona kunze kwake chete uye atoti iye achaenda kudenga ketatu musi wa30 Dec 2016.

***

Ibenzi kkk

***

Kkkkkkkkk anopenga uyu.

***

Anorwara ngaatange arapwa muromo akananzva iron.

***

Dai anyatsodzokera kubasa kunogera musoro anotoita mari kkkkk.

***

Mmmmmm zvakuda Mwari kuti apindire.

***

Kkkkkkkkkk akarasa njere hakuna zvakadero.

***

Yaa pfungwa dzinomurwadza.

***

Kkkkkk muromo uyo munoti ndewe munhu kwaye here?

***

Hanzi Prophet vekuti Mwari ari kuuya vasungwa, uye zvawonekwa kuti zita ravanga vachishandisa nderekunyepa, Passport yavanoshandisa haisi yavo, uye vane mapending cases kuTanzania neKenya avakatizako, vatori pawanted list ikoko. Maporofita enyu aya kkkkkkkkkk — ZIMPARKS Football Club

***

Vanhu vacharohwa nekuseri kwerwoko kudenga uku . . . — Nyatsime College 2003-06

 

 

 

Share This:

Sponsored Links