Uncategorized

Mwedzi 18 aine mimba

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Mwedzi 18 aine mimba

Kwayedza

— Michina haina chayakaona
— Akasunungukira kwamadzibaba

Daphne Machiri —
MUDZIMAI wekuChinyika, kuGoromonzi, anoti akapedza makore 18 asina kubata pamuviri, ndokuzotakura mimba kwemwedzi 18 apo akazosununguka mwanakomana ava nemwedzi mitatu yekuzvarwa.

Patricia Singano (35) anoti “haana n’anga nemaporofita vaakasiya” apo aitsvaga rubatsiro mushure mekushaya mbereko kwenguva refu.

“Ndakapedza makore 18 — kubva 1999 kusvika gore rapera — ndisina kubata pamuviri uye pandakazoita nhumbu ndakaitakura kwemwedzi 18 ndisati ndasununguka. Ndaifamba kun’anga nekumaporofita ndichibvisa mari, mombe, mbudzi, huku magirosari kuri kutsvaga rubatsiro,” anodaro

Singano anoenderera mberi: “Kumwe kwandaifamba ndaiudzwa kuti imwe hama yangu yepedyo ndiyo yakandibatira mishonga nekuda kupfuma saka kuzvimba kwaiita dumbu rangu ndiko kuwanda kwaiita upfumi hwake.”

Anoti paakadarikidza nguva yekusununguka mushure mekunge abata pamuviri, vanhu vaitaura zvakawanda.

“Vamwe vaindiudza kuti ndakadanana nemurume wemunhu, vamwe vachiti ndakaiswa mweya wechikwambo mudumbu, yaisava mimba.

“Vamwewo ndivo vaiti ndakadyiswa. Ndakaenda kuChinyika Clinic, kuGoromonzi asi havana kukwanisa kuziva kuti sei ndakange ndadarikidza zvakanyanya nguva yekuti ndichisununguka pamuviri sezvo hapana chakaonekwa. Scan chaiyo ndakaenda ndikatorwa pamwe nekuongororwa kuti ndaive nepamuviri here asi machiremba aingoti hapana chiripo, idumbu raingokura saka ndaifanira kuitwa oparesheni ndobviswa mvura yainzi yaivemo. Vamwewo vaiti zvichida ndaive nemapundu emudumbu aikura ‘mafibroids’,” anodaro Singano.

Mudzimai uyu anoti akazosununguka mushure mekushandirwa nemumwe muporofita weHarare.

“Ndakazobatsirwa nemwana mukomana uyo ava nemwedzi mitatu azvarwa anonzi Tashinga,” anodaro Singano.

 

Share This:

Sponsored Links