Mwedzi yegore nezvainoreva

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

TAVA muna Nyamavhuvhu kutaura kuno. Takatanga gore muna Ndira tichanorivavhara mushure meKisimisi muna Zvita. Kubva muna Ndira kusvika muna Zvita tine mwedzi inokwana gumi nemiviri. Mumwedzi gumi nemiviri iyoyi munobuda masvondo makumi mashanu nemaviri muchiwanikwa zvakare mazuva mazana matatu ane makumi matanhatu ane mashanu.

Zvino tinoda kuchiona kuti mazita emwedzi aya akatanga sei.

Ndira (Janaury) ndiwo mwedzi wekutanga.

Zita iri rakabva patwupuka twunonzi twundira. Twundira utwu twunoonekwa munguva iyi yegore twakanamatira kana kufamba pamatombo.

Hatwaingoonekwa pese pese kunze kwemwedzi iwoyu wekutanga kwegore.

Muna Ndira umu munonyanyozivikanwa nenzara nekuti matura anenge azeyama, kudya kwava kushoma. Zvirimwa zvinenge zvisati zvaibva.

Kukadzi (February) ndiwo wepiri uyo unozivikanwa nekuruta kwevanhukadzi mazuva echinyakare.

Kwakange kusina zvitoro zvaichengeta kudya mazuva ose kubva muna Ndira kusvika Zvita. Nokudaro, chikafu chaienderana nemwaka yegore.

Muna Kukadzi ndiyo nguva yaitanga kuibva mbesa dzemuminda. Ipapo vakadzi vaiwanzotema chibage chichangoibva kana madzadza zvisina mvumo yavarume vavo. Vaibva vaviga madzadza aya pasi pemuriwo.

Vaizoti kana vachinge vabatikidzwa navarume vonyepera kuti tatemera vana.

Saka zita rekuti Kukadzi rakauya nekuda kweminana yaiitwa navakadzi.

Mwedzi iwoyu unozivikanwa zvakare nezita rekuti Dzikitsiki. Zita iri rakadunhurirwa kubva mukuti, sezvo mwedzi uyu waizivikanwa nenzara vanhu vaiti zvavapambara vakawana vaida kudya vega.

Saka hapana aisimudzira mumwe musoro panguva yekudya, vaingoti tsikitsiki misoro pasi vachidya chero paita muenzi, vozotaura naye vagwaza.

Muna Kurume (March) ndimowo maita vanhu vechirume mashura padunhu. Nzara yainge ichakabata mumhuri, twekudya twuri twushoma.

Varume vaibva vaenda musango kunodya michero nehuchi. Vaipedzerako nekuruta vosvika kumba votandara havo pachivara.

Vaizoti zvino kana kamusuva kesadza kazouiswa kudare vaibva vati chipai vana vadye isu varume takashinga chaizvo, tinogona kugara zvedu nenzara nyambisirwa matumbu akati kan’an’a kuzara. Vanenge vongoshapira majomupii emvura. Saka wakanzi Kurume.

Kubvumbi (April) wakatumidzwa zita iri nekuda kwekuti kwaigara kwakaita mubvumbi munguva iyoyi. Kunze kwaiswera kwakati dhumha nemakore nemhute twumvura twuchipfira pfira.

Zvokudya zvainge zvowanikwa vanhu vachidya vachiguta zvekuti vana vaizoswera vachinyimbirika kumakura vakaguta.

Mwedzi iwoyu wakazonemerwa rimwe zita rekuti Ndadanirwei. Zita iri rakauya nekuti vana vaisada kubviswa kumitambo yavo yavaitamba vakazvigutira saka vairwadziwa kana achinge amiswa kutamba adaidzwa kumba opopota achiti “ko zvino ndadanirweiko”.

Iwoyo mwedzi waKubvumbi wakanemerwa zvakare rekuti Kunavashe.

Zvinonzi madzishe aiswera achidziya moto mudzimba zvokuti vana vaiti vakada kupinda mumba vaibva vadzingwa vachinzi tambirai kure mumba muna vashe.

Mwedzi wechishanu ndiChivabvu (May). Mwedzi uyu unozivikanwa nematakwada emapfunde nezviyo muminda.

Ndipo paivaburwa zvirimwa izvi navanhu muminda.

Rimwe zita raChivabvu ndiBandwe iro rakatumidzwa nekuti ndiyo nguva inodimuka maruva emhandwe.

Rimwe zita raChivabvu ndiRusunganhengo nekuti ndiyo nguva inosunga nhengo nehura hwezviyo muminda.

 

Share This:

Sponsored Links