Nac yodzidzisa vana kuzvibata

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Nac yodzidzisa vana kuzvibata

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council of Zimbabwe (NAC) rinoti chirongwa charo chemuzvikoro chekukurudzira vanasikana kuti vachengetedze utano hwavo, cheSister to Sister, kuburikidza nekuvapa ruzivo rwakasiyana sekudzivirira zvirwere zvepabonde chiri kubatsira mukusimudzira nyaya yekuti vazvibate.

Mumiriri weNAC kudunhu reMutasa, Manicaland – VaEria Mujuma – vanoti iyi inzira yakanaka yekufundisa vana maringe nekudzivirira kutapurirwa utachiona hweHIV neAIDS.

“SeNAC, chirongwa ichi tiri kuchirumbidza nekuti vanasikana vari kuzvikoro vanoda ruzivo rwakakwana maererano nekuchengetedza utano hwavo. Pasi pechirongwa ichi, dingindira guru nderekuti vanasikana vazive nzvimbo dzekufarira pamwe chete nekufamba idzo vanenge vakachengetedzwa kubva mukuita mabasa akashata anosanganisira kuita zvepabonde vachiri vadiki.

VaExactly Magada

VaExactly Magada

“Zvakare, vana vanenge vachidzidziswa vanhu vekuvimba navo mukufambidzana, dzingava hama,” vanodaro.

VaMujuma vanoti kwaMutasa vari kuita chirongwa ichi muzvikoro zvinosvika 17.

Mai Veronica Kadare, avo vanove murairidzi paMwoyoweshumba Secondary School, kwaMutasa, vanorumbidza chirongwa ichi.

“Chirongwa ichi takachitanga muna Ndira wegore rino takabatana nesangano reFamily AIDS Caring Trust (FACT) pamwe chete neNAC mushure mekunge taona kuti huwandu hwevana vechikoro vakabatwa nezvirwere zvepabonde mugore ra2015 hwanyanya kukwira.

“Takaronga kuti tiite zvikwata nevana mukudzidzisana maererano nezvekukosha kwavo uye kuti zvingaitwa sei kuti vadzivirire kukwira kwezvirwere zvepabonde,” vanodaro.

Pasi pechirongwa ichi, vanodaro Mai Kadare, vana vanopinda muzvikwata apo vanozopihwa dzidziso.

“Dzidzisio yedu yakanyanya kunangana nekupa vanasikana ruzivo rwekukosha kwavo uye kuvatsanangurira pose pavanopfuura napo pakukura kwavo. Takaona kuti izvi zvakakosha nekuti vamwe vanasikana vari kupedzisira vawana zvirwere zvepabonde nekuitiswa pamuviri vari vadiki nenyaya yekusaziva,” vanodaro.

Vanoti ongororo yakaitwa nesangano reFACT mugore ra2015 inoratidza kuti vanasikana 128 vemudunhu raMutasa vakasiya chikoro panzira nekuda kwekubata pamuviri kuchitiwo vanakomana vaviri vakaregedza kudzidza mushure mekunge vatizirwa nevasikana.

VaEria Mujuma

VaEria Mujuma

Izvi zvinoratidza musiyano uripo pakati pevanasikana nevanakomana uye kuti vanasikana vanoda dzidziso yakasimba maererano nekuzvichengetedza.

Kuita kwakaita vananasikana ava pamuviri kunoratidza kuti vaienda pabonde nevanhurume vasina kudzivirira zvinova zvine njodzi yekuti vanogona kubata zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV neAIDS.

“Dzidziso yatiri kupa vanasikana muzvikoro iyi haibatsiri vachiri pachikoro chete asi kuti chero vapedza vanozoishandisa mune ramangwana ravo.

“Tiri kudzidzisawo vanasikana zvimwe zvidzidzo zvakaita sekuita mabhizimisi avo voga, kuchengetedza mari mumabhizimisi nezvimwewo,” vanodaro Mai Kadare.

Mumiriri weFACT pasi pechirongwa cheIntergrated Support Programme kwaMutasa, VaExactly Magada, vanoti sangano ravo rakabatana neNAC richashanda zvakasimba mukupa ruzivo kuvanasikana.

“Muzvidzidzo izvi zvinova zvine madingindira anokwana 40, tiri kupa mwanasikana huchenjeri hwekuti asabatwa kumeso mukupinda mune zvepabonde zvinova zvinozomuwanisa zvirwere.

“Tinotenda sangano reNAC iro ratakabatana naro mukubatsira mwanasikana kuti azive kukosha kwake,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey