Nac yorwisa kupararira kwegomarara

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Nac yorwisa kupararira kwegomarara

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
KANZURU yeNational AIDS Council of Zimbabwe (NAC) inopa mari yekushandisa muzvirongwa zvekurwisa kupararira kweHIV zvakadai sekuitwa kweongororo maringe nenyaya dzeutano, kufambiswa kwemashoko nekudzidziswa kweveruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

Zvimwe zvinoitwa nekanzuru iyi zvakanyanya kurerekera kunyaya dzekudzivirira kunyuka kweutachiona hutsva nekuwaniswa kwemishonga.

Basa rese iri rinoda mari yakawanda nevashandi kuti ringe richibudirira.

Mushure mekuonekwa kuti chikamu che60 percent chegomarara idzva chiri kudyidzana neHIV, NAC yakaona zvakakosha kuti inge ichibatanidza zvirongwa zvayo zveHIV negomarara.

Nekudaro kanzuru iyi yakaronga kuita mutambo wegorofu (The 2nd Annual HIV & Cancer Prevention Drive Pro-Am Golf Tournament) nedonzvo rekutsvaga mari yekurwisa kupararira kweHIV negomarara.

Chinangwa chemutambo uyu ndechekuti pange pachiunganidzwa mari nezvekushandisa zvakadai semamobile cancer screening units ayo achashandiswa kumaruwa muZimbabwe mushure mekuona kuti chirwere chegomarara chiri kukonzera ndufu dzakanyanya kuvanhu vari kurarama neutachiona hweHIV.

Chirongwa ichi chinotevera budiriro pamwe neshanduko yakaonekwa kumawadhi anoti 15 ne26 kuSilobela neKwekwe.

Kukasika kuvhenekwa gomarara kwakakosha nekuti munhu anokwanisa kurapwa achipora uye mari inoshandiswa ishoma iyo iri pakati pe$15 ne$20 yecryotherapy pamunhu.

Kana maronda achinge akura, anokwanisa kubviswa nenzira yeLoop Electrosurgical Excision Procedure (LEEP) ne$60 kusvika $100 pamunhu asi kana gomarara richinge rakomba panodiwa $20 000 – $30 000 pamunhu.

Mutambo wegorofu uyu wakaparurwa zviri pamutemo nomusi wa25 Gunyana negurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa kuHarare Golf Club uye uri kuenderera mberi kusvika musi wa6 Gumiguru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey