Nakirwa nenyama yeguru

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Nakirwa nenyama yeguru

Kwayedza

Zviri Mugapu 

KANA nyama yeguru ikabikwa nemazvo, vanhu vanoita sevachazviruma minwe nekunakirwa. Svondo rino VaStanley Maroto vekuZengeza 4, kuChitungwiza, vanodonongodza pamusoro pemabikirwo enyama yeguru remombe ane hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Kana uchiita rekutenga, tenga guru muchitoro chakanyoreswa zviri pamutemo.

Chikari chakachena, munyu, mafuta, matomatisi nehanyanisi.

Geza guru kusvikira rachena.

Cheka-cheka muzvidimbu zvakaringana wokanda mupoto.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.

Kana richinge raibva, chikanda munyu wosiya zvichimbokwata.

Wozodii?

Kanda hanyanisi nematomatisi zvakachekwa-chekwa wodira tumafuta.

Siya zvikwate, wochizokanda godzamuto seRoyco shomanana.

Kuibva kweguru kunoonekwa nemuto wakakorera uye wakatsvukira.

 Chekudyisa:

Guru rinodyiwa nesadza jena kana rezviyo.

Nakirwa iwe!

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 794 753.

 

Share This:

Sponsored Links