Kwayedza
Zviri Mugapu
KANA nyama yeguru ikabikwa nemazvo, vanhu vanoita sevachazviruma minwe nekunakirwa. Svondo rino VaStanley Maroto vekuZengeza 4, kuChitungwiza, vanodonongodza pamusoro pemabikirwo enyama yeguru remombe ane hunyanzvi.
Zvinodiwa:
Kana uchiita rekutenga, tenga guru muchitoro chakanyoreswa zviri pamutemo.
Chikari chakachena, munyu, mafuta, matomatisi nehanyanisi.
Geza guru kusvikira rachena.
Cheka-cheka muzvidimbu zvakaringana wokanda mupoto.
Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.
Kana richinge raibva, chikanda munyu wosiya zvichimbokwata.
Wozodii?
Kanda hanyanisi nematomatisi zvakachekwa-chekwa wodira tumafuta.
Siya zvikwate, wochizokanda godzamuto seRoyco shomanana.
Kuibva kweguru kunoonekwa nemuto wakakorera uye wakatsvukira.
Chekudyisa:
Guru rinodyiwa nesadza jena kana rezviyo.
Nakirwa iwe!
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 794 753.