Nakirwa nezvikanganwahama

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Nakirwa nezvikanganwahama

Kwayedza

ZVIKANGANWAHAMA kudya kunonaka zvikuru uye kwemazera ose panzvimbo dzakaita sepamafaro kana mudzimba.

Svondo rino Memory Sasa wekuChitungwiza anotitsanangurira mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Zvikanganwahama, mafuta, munyu nemhiripiri.

Mabikiro:

Ona kuti zvikanganwahama zvako zvakachena. Kana zvisina, zvivhure mukati wobvisa tsvina yose.

Enderera mberi nekubvisa rukanda rwemukati wozvigeza nemvura yakachena. Tora chikari chakachena ufashaidze zvikanganwahama zviye wokanda munyu wakaringana. Kana zvaibva, isa mafuta mupani wokanga kusvikira zvatsvukira.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura upakurire hama neshamwari. Unogona kuisa mhiripiri sesarudzo yako.

Vamwe vanozvibairira patumiti vofamba vachidya havo parwendo.

Zvikanganwahama zvinogona kudyiwa nesadza, mupunga kana kuti zvakadaro.

Sunungukai kutumirai zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links