Uncategorized

N’anga dzoedzana masimba -‘Ndinoda kumugadzira nemishonga’ -‘Ibva wanyarara, unomutsa zvirere’

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
N’anga dzoedzana masimba -‘Ndinoda kumugadzira nemishonga’ -‘Ibva wanyarara, unomutsa zvirere’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUNE n’anga mbiri dzinozivikanwa savana Tsikamutanda dziri kushandira kudunhu reMhondoro idzo dzatsvukisirana maziso dzichipomerana mhosva yekubirana mari. Musa Juma Gonamuroyi Garwe (38) ari kupomera imwe n’anga yaanoshanda nayo, Allan Nyandoro (40), mhosva yekumubira US$1 700 apo vaishandira kwaNyamweda nekwaChivero, kuMhondoro nguva pfupi yadarika.

“Akaba mari yangu akabva atiza muno muMhondoro. Mari iyi akaitora panzvimbo yandinoichengetera semunhu wandinoshanda naye uye achiziva zvandinoita zvose. Ndiri kungonzwa kuti ari kumusha kwake kuMasasa, kwaUnyetu, kuChivhu,” anodaro Garwe.

N’anga iyi inoti inobva kuBinga uye nyaya yekubirwa mari haina kuimhan’ara kumapurisa sezvo ichiti inoda kushandisira Nyandoro mishonga senzira yekumuranga.

“Nyaya iyi handina kuimhan’ara kumapurisa nekuti ndinoziva kuti mumwe wangu anozofira mujeri, akangoita makaro neutsinye nemari yangu.
“Ini ndichashandisawo makwenzi andinorotswa ndomboita kuti arwadziwe zvishoma asi ndinozomusunungura kana auya kuzokumbira ruregerero nekudzosa mari iyi,” anodaro.

Garwe anoti hapana chakaipa chaakaitira mumwe wake uyu.
“Nyandoro haatende, ndaimupa zvakawanda. Pamusoro pazvo anoenda kuvarapwa vangu achitora mari vamwe vacho achivati vaise paEco-Cash yake. Izvozvi ndine vanhu vandakashandira kwaSabhuku Chitemere, kwaNyamweda, avo akatorera mari achivati atumwa neni.”

N’anga iyi inoti zvakare dzimwe nguva akambowanikidza Nyandoro achiba mishonga yake achisunga kuita tumabhora twaikwana 165 utwo twaaida kunotengesa kuvarwere “ini ndisingazive”.

Garwe anotizve Nyandoro aiva mubatsiri wake waakatora kumusha kwake apo aishandirako. Anoenderera mberi achiti akambobirwa mari nevamwe vanhu gore rakapera avo vakanga vauya naNyandoro vaine pfuti kumba kwavaishandira. Haana kutaura kuti nyaya iyi yakasvika kumapurisa here kana kuti kwete.

Nyandoro, uyo anoti ave kuita zvehun’anga oga, akaramba zvose zviri kutaurwa naGarwe achiti manyepo emakoko.
“Chokwadi ndechekuti takanetsana naGarwe – ini nemunin’ina wake, Nicholas Musa, tapedza mwedzi 14 pasina mari yaatipa. Pamisha 58 yatakashanda kwaNyamweda nekwaChivero, ndaive ndawirirana naye kuti mumusha mukabuda US$1 500 ini aindipa US$600, mukabudawo US$900 ondipa US$300 asi zvose izvi hazvina kuitika. Iyi inzira yekuda kundinyararidza kuti ndisareve mari yangu,” anodaro Nyandoro.

Anoti mushure mekutaura kuti vaida kubhadharwa mari yavo, Garwe akavatsvagira vanhu vaida kuvaponda kuti nyaya yemari iyi irove uye vakatozopona nekutiza.

“Garwe munhu anonyepa zvikuru. Ndakanga ndakawirirana naye kuti anditengere motokari inotangira paUS$1 800 kusvika US$2 500 izvo asina kuita akazonditengera kaGolf kakafa keUS$1 200 kasingafambe izvozvi.”

Nyandoro anoti Garwe ari kuda kuparadza imba yake zvakare sezvo achienda kumudzimai wake achimuudza kuti ari kupedza nguva yake nekuti hapana chaanokwanisa kumubatsira nacho.

“Nicholas mwana waamai vake chaiye, akambotanga achiti taiva taba tose mari asi izvozvi ava kuti ndini ndoga ndakaba. Isu mari yatakatora pamwe chete nemunin’ina wake tichida mari yedu iUS$170 kwete US$1 700. Zvenyaya yevanhu vakamubira nepfuti imbavha idzo, handineyi navo,” anodaro. Anoti pakuita basa ravo aibatiswa zvimwe zvinhu zvaityisa naGarwe izvo zvaisanganisira zvidhoma, machira nemishonga yakasiyana.

“Ngaasiyane neni, ndinoda mari yangu chete. Ndinogona kumumutsira nyaya dzake dzaari kutsvagirwa. Izvozvi ndakabva kuMhondoro muma Chivabvu, ane nyaya dzake dzekudanana nemadzimai evanhu dzinozivikanwa Mhondoro yose,” anodaro.

Asi Garwe akaramba zviri kutaurwa naNyandoro, kusanganisira kuti ane nechikwereti chake uye kuti anopfimba vakadzi vevanhu. Vamwe vevanhu vakataurwa navo neKwayedza kuMhondoro vanoti Garwe naNyandoro vari kurwira nyaya dzekutorerana vakadzi kwete zvemari yekusabhadharana.

VaHamadziripi Mwendamberi (40), vekwaChivero, vanoti vaviri ava vanofanira kudzingwa muMhondoro nekuti vari kurozva vanhu upfumi hwavo nechikiribidi.

“Vakadzi vevanhu vapera, ivo vanasikana ava dzangova nhumbu chete. Madzishe edu ngaaone zvekuita nen’anga idzi, dzatiparadzira pfuma yedu tichingonyeperwa,” vanodaro VaMwendamberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>