N’anga haizvirapi

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

7. NYORA zvidzidzo, zvishanu zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje. Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachiedza kuvanza pamuviri pavakapa Sarah nekuenda naye kuUK asi zvinozobuda pachena kuna Zebra murume waSarah naMary mudzimai wavo, pavanoonekwa vari muchipatara cheWest End naSarah abatsirwa nemwana.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza kuti n’anga haizvirape. Izvi ndakazviwana kuna Pastor Mwenje vakanga vachinamatira vamwe vanhu vaida mbereko vachidziwana asi ivo vaitadza kunamatira mudzimai wavo, Mary kuti abatirewo pamuviri sezvo ainetseka nedambudziko rekushaya mbereko.

Chimwe chidzidzo chandakawana mubhuku Kereke Inofa ndechekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma. Chidzidzo ichi chinozadziswa naSarah akanga achisiiwa naMary pamba pake achimubatsira basa repamusha ozopiwawo mari. Kumagumo azvo Mary anozorwadziwa aputsirwa imba naSarah akanga apiwa mwana nemurume wake, Pastor Mwenje.

Imwe dzidzo yandakawana muna Kereke Inofa ndeyekuti pafesibhuku hapadi kuitwa shamwari dzakawanda. Dzidzo iyi inoburitswa naBeauty paanenge achirayira hanzvadzi yake, Charles kuti fesibhuku inonyanya kuda kungwarirwa nekusaita shamwari dzakawanda nekuti dzimwe dzacho dzinozopedzisira dzamufurira.

Nyaya iri mubhuku Kereke Inofa yakandidzidzisa kuti ruchiva rwakaipa. Izvi ndakazvidzidza kuna Susan akaita ruchiva rwemari yechikomba chaBeauty chainzi Dance. Anotanga kudanana naDance muchivande asi mhedziso yacho anozoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

8. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti mutambo Kereke Inofa ufambire mberi? (a) Gift Mwenje (b) Mary (c) Beauty (d) Joram (e) Susan. [25]

Zivai kuti mazita evatambi ava anogona kushandurwa. Munotsanangura zvinoitwa nevatambi zvakakosha (cause) zvinozokonzera zvimwe zvinhu kuti zviitwe chiriporipotyo (immediate effect), mutambo uchibva waenderera mberi. Tangai nekuratidza kuti mutambi ndiani mumutambo (identification), sekuti:

(a) Gift Mwenje aiva mufundisi weRevelations Church

Anotengera Zebra tikiti rekuti aende kuUK zvinoita kuti azosara achidanana naSarah mudzimai waZebra nekumupa pamuviri.

Anopa Sarah gumi rezviuru zvemayusa vari kuUK kuti atumire kuZimbabwe zvinoita kuti Zebra azopedzisa kuvaka imba yavo yekuGlen View 7 uye kuudza Mary mudzimai waPastor Mwenje kuti akanga atumirwa mari yakawanda kwazvo naSarah.

(b) Mary aiva mudzimai waMufundisi Gift Mwenje

Anoudza Zebra kuti Sarah naPastor Mwenje vakanga vadzoka kuZimbabwe pamasvondo matatu aive adarika zvinoita kuti Zebra nemhuri yake vashushikane zvikuru nekunonoka kusvika kumba kwaSarah. Anoita kuti Sarah avhenekwe pamuviri nachiremba. Izvi zvinoita kuti murume wake, Pastor Mwenje vazoronga zano nachiremba Ayub Kanu rekumunyepera kuti Sarah akanga asina pamuviri asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake.

(c) Beauty aiva mwanasikana waZebra naSarah Nyundo

Anokoka amainini vake Susan kuti vazoona furati raakanga atengerwa nechikomba chake Dance. Izvi zvinoita kuti Susan azochiva mari yaiva naDance ndokutanga kudanana naye Beauty asingazive. Anodanana naDance murume wemunhu zvinoita kuti azotapurirwa chirwere cheshuramatongo achiri kuchikoro kuUZ.

(d) Joram aiva sekuru vaZebra

Anorambidza Sarah kuti aende kuUK zvinoita kuti azogumbuka ndokubuda mumba make asina kuoneka achinoona Pastor Mwenje uye kusara achipopoterwa naZebra achinzi aida kumuparadzira imba. Anotsigira Zebra kuti arambe Sarah achiti ngaabve pamba pake aende kunogara naPastor Mwenje vakanga vamupa mwana muchivande.

Izvi zvinoita kuti Rose mukoma waSarah ange achipikisana nazvo achiti aizovaendesa kumatare edzimhosva nekuti imba iyi yaive yavo vese, Zebra naSarah.

(e) Ayub Kanu aiva chiremba ari kuUK

Anonyepera Mary kuti Sarah aive asina nhumbu asi aitambudzwa nemhepo dzekumusha kwake zvinoita kuti Sarah akwanise kubva kuUK achidzokera kuZimbabwe asati azvara.

Anonyora matsamba ekuti Pastor Mwenje vakwanise kufamba naSarah mundege vachiti airwara zvinoita kuti ange achikasika kusvika kuZimbabwe ndokuzobatsirwa nemwana.

Share This:

Sponsored Links