Uncategorized

n’anga yakachemwa nekatsi

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
n’anga yakachemwa nekatsi

Kwayedza

… Harare kunosvika kumusha huri hwese
… Hanzvadzi ndokudonha ikafa pakarepo

Kingstone Mapupu —
UNOZIVA kunonzi kukonzeresa? Ndiko chaiko kwakaitwa nekatsi nhema parufu rwemumwe murume ange ari n’anga kuGoromonzi.

Katsi inonzi yakatanga kuonekwa paiitwa “service” yemurume uyu kuimwe kambani inoviga vafi iri muHarare, ndokubva yambotsakatika.

Vanhu vava parwendo kuenda nechitunha kumusha, katsi iya yakazoonekwazve iri mumota yaive nechitunha mota padzakasvika pa‘‘toll gate” repanaMutoko Road, ichibva yatsakatika zvekare apo yakasvetuka kubva mumotokari ikatizira musango.

Chitunha chava kumusha, katsi iya yakazoonekwazve yava mumba maiva nechitunha. Mhedzisiro yacho katsi iya yakazouraiwa ikapiswa nevamwe vevanhu vaive parufu.

Heanozve mamwe mashura! Mangwana acho, hanzvadzisikana yemushakabvu yakangodonha ikafa pasina kurwara. Izvi ndizvo zvakasangana nevanhu vaiva parufu rwaVaAdwell Chiminya (57), avo vaiva n’anga kudunhu raMambo Chinhamora, kuGoromonzi.

Katsi iyi inonzi yakakonzeresa, apo yakangoerekana yoonekwa panguva yainge mutumbi wave kutakurwa kubva pakambani inoviga vafi muHarare uchiendeswa kumusha, ichibva yambotsakatika, asi ikazoonekwa zvekare mota dzaive nemufi dziri munzira. Yakatsakatikazve asi vanhu vaichema mufi vakawana katsi iya yakavamirira kumusha uko vakazoiuraya.

Mutumbi waVaChiminya wakanovigirwa kupurazi ravo reMukwene nguva pfupi yadarika. Katsi iyi inonzi yakatanga kuonekwa apo paionekwa mutumbi nehama neshamwari kukambani inoviga vafi muHarare uko waiva wakachengetedzwa mumochari.

Asi sezvinonzi zvine chinodaro, manenji aya akazoteverwa nekufa kwehanzvadzi yaVaChiminya, iyo inonzi yakapunzika kumakuva kwadarika zuva rimwe chete murume uyu avigwa.

Mushakabvu VaChiminya — avo kumusha vaibva kuBuhera — vakasiya mhuri ine chipari chemadzimai mana. Mudzimai wechitatu wemurume uyu, Sekai Mudzingwa (36), anotsinhira nyaya yekuti pane katsi yakatevera vanhu vaiva nemutumbi kubva kuHarare kunosvika kupurazi kwavo.

“Baba havana kurwara zvine mbiri, vakangotanga kudonha kuno kumusha vakazoendeswa kuchipatara cheMakumbe District Hospital uko vakazodarikidzwa kuHarare, kuParirenyatwa (Group of Hospitals) uko vakasvikofa.

“Mutumbi wavo wakazoiswa kuimwe kambani inoviga vafi. Apo vanhu vakange vave kuda kutora chitunha, kwakazoonekwa katsi yakapinda nemukati mevanhu ichimhanya zvikuru nepakati pevaiva vakatakura bhokisi remufi. Yakazongoshaikwa ipapo,” anodaro mudzimai uyu.

Katsi iyi inonzi yakaonekwa zvakare yava pabhoneti remotokari yaida kutakura chitunha apo yakazotsakatika zvakare.

“Mutumbi watakurwa uye motokari dzaita mudungwe kuuya kuno kumusha, katsi iyi yakazoerekana yaonekwa ichibuda mumota pa‘‘toll-gate” remugwagwa weHarare-Mutoko.

“Apa yakabva yatizira musango vanhu vakavhunduka kuti katsi iyi yainge yavatevera sei,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti vanhu pavakasvika kumusha nemutumbi, katsi imwe chete iyi yakazoonekwa zvakare mumba maiva nechitunha, iri nechekumusoro kwebhokisi apo yakazotandaniswa ikabuda kunze. Kupinda kwayakaita mumba maiva nechitunha hapana akazviona sezvo ichinzi yakazongoerekana yava pedyo nebhokisi.

“Vanhu vachiona izvi, vakatya ndokuwirirana kuti yaisava katsi chaiyo, asi yehuroyi. Vakawirirana kuiuraye izvo zvakaitwa ichibva yapiswa ipapo,” vanodaro.

Mai Mudzingwa vanoenderera mberi vachiti: “Tichizviona, iyi yaisava katsi chaiyo. Kumeso kwayo kwaiita sekwekamhunha kana kuti kwemunhu. Mutumbi wemurume wedu wakazovigwa rechimangwana racho paine kutaura kwakawanda nekuda kwenyaya yekatsi iyi.

“Rechimangwana racho, vanhu vakamukira kunoona guva setsika yechivanhu. Vanhu ava vaisanganisira tete hanzvadzi yemurume wedu — Sofia Chiminya — avo vakasvikopunzika paguva.

“Pavakatakurwa kuenda kumuporofita wekwaChiroodza weJohane Masowe, iko kwakare kuno, vakasvikofa.”

Vanoti mutumbi watete vavo wakazonovigwawo kumusha kwavakaroorwa kuDomboshava. Pane mashoko asina kutsinhirwa anoti Sofia anonzi airwara neBP, izvo zvinofungidzirwa nevehukama kuti ndiro denda rakamuuraya.

“Vanhu vaiva panhamo pano vakazobva vave kuenda kunhamo yaTete Sofia. Kureva kuti pamazuva maviri, vana vemudumbu mumwe chete vaviri vakafa, inova nyaya inoshamisa,” vanodaro. Handiseni Chiminya (32), anove munin’ina waVaChiminya — anotsinhira nyaya yekatsi.

“Ehe, mukoma vakashaika asi tiri panhamo yavo ipapo, Sisi Sofia ndokudonha vachibva vafawo. Vaizvirwarira vahanzvadzi ava, hapana chinoshamisa.

“Zvekatsi yakauraiwa ikapiswa hazvinei nekufa kwamukoma kana kwaSisi Sofia. Zvimwe zvekunzi mukoma vari kumuka, vari kuonekwa vachifamba manyepo. Vanhu vanoda kusvibisa zita redu,” anodaro. Anoti mukoma wake akasiya madzimai mana anoti Mudzingwa, Rambisai Chikomo, Prisca Charedzera naTracey Mugocheka pamwe nevana 13.

Handiseni anoti atarisana nedambudziko guru rekushaya mari yekuendesa vana vemukoma wake kuchikoro.

“Pano ndini baba asara, hatina mari yekuti vana vaende kuzvikoro.

‘‘Tine mwanasikana zvakare anorwara zvisinganzwisisike uyo ane makore 14 okuberekwa. Anopunzika nekugwinha-gwinha akangoona zvinotyisa kana kutsamwiswa,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0738 454 560 kana 0782 058 356.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>