N’anga yakawana ‘chimukuyu’ chemunhu mumba yekubikira

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
N’anga yakawana ‘chimukuyu’  chemunhu mumba yekubikira IYI ndiyo imba inonzi yakawanikwa nyama yainzi ndeye munhu pamwe chete nenyanga yairutsa ropa.

Kwayedza

VAGARI vemumusha waSabhuku Shirichena, kwaNyamweda kuMhondoro, vanonzi vakaona manenji apo imwe n’anga iri kushandira uku yakaburitsa nyama yakaoma muimwe imba iyo yainzi ndeye munhu akanga achangofa.
Tsikamutanda anonzi Musa Juma Garwe Gonamuroyi (34), achibva kuBinga asi pari zvino ave kugara kwaSvosve, kuMarondera, ndiye anonzi akaburitsa yaaiti inyama yemunhu pamusha weimwe hama yemushakabvu.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (67), vakatsinhira nyaya iyi.

“Mhuri yekwaMusariri yakashevedza n’anga iyi kwaita rufu rwemunhu akangopunzika achibva mumunda ndokufa.

Ini sasabhuku ndakabatiswa tsvimbo yaishandiswa nachiremba uyu ndokupinda mumba yekubikira iyi.

Makadzurwa nyanga yairutsa ropa ndokuzoendwa kuseri kwedhoo uko kwakanotorwa nyama yaiva yakasvava, yainzi yaiva yemunhu akanga achangofa mumhuri iyi,” vakadaro Sabhuku Shirichena.

Pamusha apa pakanga pachangofa Akim Denga Musariri (63), uyo anonzi akangodonha ndokufa. Sabhuku ava vanoti nyama iyi yainzi yaiva yemufi uyu uye yaiva yaiswa mumba umu nevaroyi.

Mutariro waiva nenyama iyi unonzi waisaonekwa nevanhu vose-vose asi naTsikamutanda uyu bedzi.

Nyanga iri kunzi yakacherwa pachoto mumba umu inonzi yaivawo netsono nebhandi raiva rakatenderedzwa.

“Pamusha uyu panonzi paiva nebhokisi remapuranga rekuchengetera midziyo yakafanana nemapinjisi iro rinonzi rakabatira moto apo rakangotorwa mumba maraiva uye zvinonzi mheni yaigara mubhokisi iri yakaputika.

Mumwe aiva pachiitiko ichi, akabatiswa zvombo zven’anga iyi, VaMutamiri Taruvinga (46), vanoti nyama yainzi yemunhu yakawanikwa mumba umu nenyanga izvo zvakazopiswa naTsikamutanda uyu.

“Makava nechishamiso muno apo n’anga iyi yakati nyama iyi yaiva yemunhu, iyiwo nyanga yakadzvova tichinzwa zvikanzi kwaiva kupera kwemweya wemunhu akanga achangofa uyu. Musha wese wakanhuwa neropa raibuda munyanga iyi,” vakadaro.

Sekuru Joramu Nyikadzino (84), avo vanogara munzvimbo iyi vakatsinhirawo mashura en’anga aya.

“Akim akafa zvinoshamisa n’anga iyi ichibva yashevedzwa. Ini semunhu ndisina kukwanisa kufamba kuendako ndakazongonzwa kuti kwakawanikwa nyanga nenyama inofungidzirwa kuti ndeye munhu uye zvose zvinonzi zvakazopiswa nen’anga iyi,” vakadaro.

Mai Rita Konza Musariri (50), mudzimai wemufi, vanoti vakazotora n’anga iyi apo murume wavo akangopunzika ndokufa zvisina kugutsa vanhu.

Vakati: “N’anga iyi yakaenda kumba kwa(zita remuridzi wemba) ikanosecha muimba yavo yekurara umo vakabuda vakabata bhokisi rakabva rabatira moto vainaro zvikanzi yaiva mheni. Mukicheni yakanobata nyanga pachoto apo yakaita zvekucherwa yakarutsa ropa, kwakazowanikwa nyama yainzi ndeye munhu.

“Pakabviswa nyanga iyi yakanzi ndiyo yaiva hombe pazvinhu zvaiva pamusha apa, pakazotaurwa huwandu hwevanhu vaiva vauraiwa nenyanga iyi vanonzi vaidarika vashanu, kusanganisira murume wangu.”

Nyanga iyi inonzi haina kutsanangurwa kuti yaiva yaani mumhuri yekwaMusariri. Vamwe vakataurwa navo, kusanganisira vana vemushakabvu vanoti Dorothy (38), Doreen (37) naGetrude Denga (25) vakatsinhira kuti izvi zvakaitika.

Gonamuroyi akatsinhira kuti akanoshandira kumba kwehama kwakawanikwa zvinhu izvi mushure mekunge akokwa nevemhuri iyi.

“Ichokwadi takaenda pamba pemhuri iyi pafiwa zvisina tsarukano.

“Asi ini semunhu anenge akapoterwa ndakazongotaurirwa newandinobatsirana naye kuti zvakaitika.

“Panonzi pakawanikwa chidimbu chenyama ichinzi yaiva yemunhu, zvisinei kuti pamusha apa zvakare panonzi paiva pauraiwa nyama yemombe,” akadaro.

Akati pane misha inogara ichiuraiwa zvipfuyo zvinofambirana zvakare nekuromba.

Muridzi wemusha uyu (zita tinaro) akabvuma kuti mumba mavo yekubikira makawanikwa nyanga nenyama iyo akati yaiva yemombe yavakanga vachangobva mukuuraya uyewo nenyaya yekuti bhokisi ravo rakabatira moto usina kuzivikanwa kwawakabva.

“N’anga yakauya chokwadi munin’ina wangu afa. Zvayakaita handigone kuti yaigona kana kuti yaitadza, iyo ndiyo inoziva chokwadi nenhema.

“Nyanga iyi haina kumborutsa ropa, kunyepa kwevanhu uku, asi nyaya yekuti ini ndakaenda kun’anga ndakaibvuma nekuti ndakaendawo kun’anga kuGlen View uko ndakanopihwa mvura yaiva mubhodhoro muine dombo rakazonyongodeka. Hamheno kana ndiine zvakaipa zvakandakapihwa ikoko asi ndaitsvagawo kurarama,” vakadaro.

Mudzimai wemurume uyu anotiwo haagone kupokana kana kutsinhira nezvakaitwa nen’nga iyi pamba pavo.

“Nyanga takaiona asi haina kubuda ropa. Nyaya yenyama iyi isu taiva tauraya mombe pano, ndiyo nyama yavakaona. Zvinonzi nyanga iyi yainhuhwa, idehwe remombe iro raiva pamusoro pezumbu.

“Hamheno iyo n’anga yacho nevamwe vanhu ndivo vanoziva nekuti vamwe vanhu vanotaura kwavasina kuswera,” akadaro.

Ishe Nyamweda, VaClaudious Mandaza, vakati havatsigire mabasa ehutsikamutanda mudunhu ravo uye vakange varambidza Gonamuroyi kushandira munzvimbo yavo, zvisinei kuti aiita zvekubiridzira.

Share This:

Sponsored Links