N’anga ‘yeBluetooth’ yakachenurwa

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
N’anga ‘yeBluetooth’ yakachenurwa FREDDY BIBLE

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
N’ANGA ine mukurumbira kuNorton yakazopotera kudare raMambo Chivero, kuMhondoro mushure mekunge yanangwa huroyi nemumwe mudzimai anoshanda semudzidzisi uyo anoti iri kushinha naye ichimushandisira “bluetooth” – mubobobo.

N’anga iyi, Freddy Bhaibheri yakamhan’arira Lorcadia Masaiti (42) kudare raMambo Chivero, VaBrown Shopo, ichiti ari kusvibisa zita rake nekufambisa mashoko ekuti ari kumushandisira mushonga. Jinda guru raMambo Chivero, VaSilent Kaseke, vanoti svondo rapera pamberi, dare ravo rakabata Lorcadia nemhosva yekunanga munhu huroyi.

“Mumhan’ari Freddy Bhaibheri uyo anova n’anga inosvikirwa neshave renjuzu ndiye akauya achichema kuti ari kupumhwa huroyi naLorcadia Masaiti. Lorcadia ari kuti ari kuitwa mukadzi kana kuti kushandisirwa mubobobo naBhaibheri.

“Anoti munguva pfupi yadarika, akaona Bhaibheri achimuita mubobobo ari pamutsetse werimwe bhengi achida kutora mari zvikaita kuti achinje bhengi iri asi kunyangwe mushure meizvi, hapana shanduko iripo. Mudare, Lorcadia akaramba achingopupura kuti ari kuitwa mubobobo zvisinei nekuti Bhaibheri ari kurambisisa nyaya iyi,” vanodaro VaKaseke.

Vanoti Lorcadia anoti ari kushandisa mishonga inosanganisira vhikisi netsunami kusikarudzi yake senzira yekurwisa dambudziko rake.

VaKaseke vanoti mudare iri, Bhaibheri akauya nemudzimai wake – Grace Bhaibheri –-uyo anonzi akashamisika zvikuru nenyaya iyi achiti murume wake in’anga huru ine mukurumbira, zvino ave kudzikisirwa chimiro chake nekuda kwekupomerwa naLorcadia.

Vanoti Bhaibheri – uyo anova chizvarwa chekuMalawi – akagunun’unawo mudare iri achiti nyaya yaari kupomerwa naLorcadia yave kuita kuti vafe nenzara semhuri sezvo “makasitoma avanorapa asisauye” nekuda kwekusvibiswa kuri kuitwa zita rake.

Bhaibheri, vanodaro VaKaseke, anoti akatanga kurapa vanhu muna1980 asi haasati ambopomerwa zvinhu zvakadai.

Murume waLorcadia, Chris Muzondo Chimombe – uyo anoshandira Bhaibheri achityaira makombi avo – akaudza dare iri kuti akamboita hurukuro nehama dzemudzimai wake kuti vafambe naye kuchivanhu senzira yekugadzirisa dambudziko rake, asi anoshaya anomutsigira.

Padare iri hanzvadzi yaLorcadia, Willard Masaiti, anonzi akavimbisa kuti vachafamba pamwe nemukwasha wavo kuti vabatsire Lorcadia padambudziko rake.

VaKaseke vanoti Lorcadia akabatwa nemhosva yekupumha n’anga Bhaibheri huroyi ndokupihwa chirango chekubvisa mombe shanu, idzo akati haana zvikaita kuti Mambo Chivero vayananise mhuri mbiri idzi.

Mhuri yaLorcadia yakazokumbira ruregerero kuna Bhaibheri nekuda kwekusvibiswa kwakaitwa zita rake.

“Mhuri yaLorcadia yakapihwa chipo chemwedzi mumwe chete kuti ifambe naye. Bhaibheri – sen’anga inosvikirwa neshave renjuzu – akakurudzirwawo kuti atange kubatsira mudzimai uyu kuitira kuti asaramba achisvibisa mazita evanhu. Imhosva kupumha munhu huroyi kana pasina umboo hwakakwana,” vanodaro VaKaseke.

Share This:

Sponsored Links