n’anga yodyiwa nemakonzo

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
n’anga yodyiwa nemakonzo

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHITUNHA chemurume aive n’anga uyo aigara kupurazi rekwaMacdonald — uko kunonyanya kuzivikanwa nekuti kwaMecky, kwaChivero, kuMhondoro — chinonzi chakan’en’enwa nemakonzo aidarika 100 ndokudyiwa kusvika hura hwave kuonekwa uye dzimwe nhengo dzemuviri dzikasara ave mapfupa bedzi.

Rimwe remakonzo aya rinonzi rakazoonekwa richibuda mudumbu rechitunha chemurume anonzi aipa mishonga kumbavha nemhondi yekuti dzisabatwe kana kuti nyaya dzavo dziraswe kumatare edzimhosva uyu.

Hama neshamwari dzaSekuru Milanzi (91) vanonzi vakapera mate mukanwa apo mutumbi wavo wakatanga kudyiwa negurusvusvu remakonzo chinguva chipfupi vachangofa.

JAMUROSI BHAUDHI

Chitunha ichi chinonzi chakazovigwa chisisina dzimwe nhengo, kusanganisira dzesikarudzi, muromo, mhuno nechirebvu — izvo zviri kunzi zvakadyiwa nemakonzo.

Murume uyu — uyo anga asina mudzimai kana mwana — anonzi akambofa akamuka, ndokuzofa zvachose mushure memasvondo matanhatu apo aitaura kuti nguva yake yekudzokera kuMalawi yaiva yakwana.

Zvinonzi kuburikidza nekurumwa nemakonzo, padumbu pemufi pakaboorwa buri raitoratidza hura umo munonzi makatoonekwa muchibuda rimwe remakonzo aya rakazara ropa.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mutumbi wave mugomba kuti uvigwe, zvinonzi zvakare muguva umu makabuda mutumba wezigonzo nekumusoro kwechitunha — iro rakazokwira mumuti uri kumakuva asi rikazouraiwa.

Charity Tavaziva (40), anova mugari wenzvimbo iyi, anoti murume uyu akashaika nguva pfupi yadarika mushure mekurwara.

“Sekuru Milanzi vakashaika neSvondo 9 Gunyana mumba mavo umo vaigara voga sezvo vaisava nemukadzi kana mwana. Mutumbi wavo ndakauona uine maronda pamhanza nemumatama uye mhuno nemuromo painge pasina, mumbabvu maiva nemaronda vadyiwa nemakonzo. Ichi chishamiso, vanhu vanoti sezvo vaiva n’anga pamwe mishonga yavo yakavadya kana kuti zvidhoma,” anodaro Taziva.

Anoti pabendekete ren’anga iyi paitoonekwa mapfupa apo nyama yose yakanga yadyiwa.

“Makonzo aya akaboora dumbu ravo neparutivi paitoonekwa mbabvu. Asi chinoshamisa ndechekuti vanhu nemusi wavafa uyu vakaenda vachida kunovapa bota kuti vadye vachibva varamba, vakazodzokera mushure menguva ingaite maminetsi makumi matatu ndokuwana mutumbi wavo wose watomomoterwa nemakonzo – kubva kumusoro kusvika kutsoka achiita zvekubvubvudzana.

“Isu tinoti inyaya yehuroyi, nemabasa ehun’anga hwasekuru ava pamwe vaida kuti vadyiwe mutumbi wavo vasaonekwe. Zvichida makonzo aya akatanga kuvadya vari vapenyu, hatichaziva,” anodaro Taziva.

Shupikai Kambarami (43), wemunzvimbo iyi zvakare, anotsinhira achiti: “Ini ndakazongonzwa kuti sekuru vadyiwa muviri wose vachangofa kukazowanikwawo gonzo rakasvetuka kubva muguva apo mutumbi wakanga wadzikiswa kuti uchivigwa. Murume uyu akavigwa patsika dzavo dzechiChewa, akangoputirwa nemachira pasi peguva ndokuiswa rupasa rwetsanga.

“Gonzo rakazobuda asi harina kuonekwa kwarakabva nako zvisinei kuti chitunha chakanga chichangobva mukugezeswa,” anodaro Kambarami.

Mathew Singe (26) anoti Sekuru Milanzi vaizivikanwa nekubatsira mbavha nemhondi nevamwe vainge vapara mhosva kuti vasasungwe kana kuti nyaya dzavo dziraswe kumatare edzimhosva.

“Panhamo yemurume uyu pakaitika mashura chaiwo, makonzo akamuka chibhebhenenga kudya chitunha. Rimwe rakabuda muguva ndini ndakazoriuraya rakwira mumuti. Hakuna mhosva yaibudirira kana waenda kunogezwa nasekuru ava, waiburitswa mutirongo hama dzako dzichingobva pano kana wange wakavharirwa,” anodaro Singe.

Anoenderera mberi: “Nyaya iripo murume uyu aiita masaramusi izvo zvatinoti ndizvo zvakaitikawo pakufa kwake. Waiti ukaenda pamba pake, uchangobva kumuona waimushaya ipapo woshaya kuti aenda kupi. Isu tinoti nechiitiko ichi, haana kufa asi kuti akadzokera kumusha kwake kuMalawi nekuti paairwara aitaura kuti ava kudakudzokera.

“Asi vanhu vari kuchema zvakanyanya imhondi nemakororo vaivharirwa nyaya dzavo nen’anga iyi avo vave kuzoenda kumajeri manje.”

Singe anoti iye mumwe wevakabatsira mukuradzika mutumbi wen’anga iyi muguva.

VaOliver Chakoma (60) vanoti nyaya yekudyiwa kwemutumbi wen’anga iyi nemakonzo yakashamisa vagari venzvimbo iyi zvikuru.

“Murume uyu akarwara kwemwedzi miviri asisakwanise kumuka, kufamba kana kudya. Ndisu taitovadyisa. Musi wavazofa, takapinda mumba mavo tichida kuvapa bota vakariramba, ndokuzodzokera mushure memaminetsi angaita makumi matatu tikavawana vave kutodyiwa nemakonzo – zvinoitwa nemagora zviya zvinosara pasi. “Patakapinda mumba umu, mamwe makonzo akatiza asi mamwe ndokuramba achidya. Nguva dzaiva 11 mangwanani paiitika mashura aya,” vanodaro VaChakoma. VaEddsum Muvirimi (44) vanoti nyaya iyi mashura chaiwo. “Chinonetsa ndechekuti parutivi pemba yasekuru ava pane tuckshop nechigayo,” vanodaro.

Sekuru Milanzi vanonzi vakatanga kugara papurazi iri kuma1970 vachiita basa rekukanya zvidhinha nekudyara fodya apo vakanga vabva kuMalawi.

Matiresi yemubhedha wairara muchakabvu inonzi payakaburitswa panze yakawanikwa iine zvipunu zvakawanda mukati umo makabudawo mamwe makonzo akawanda, mamwe akauraiwa nekuzopiswa.

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti chishamiso ndechekuti dzimwe dzimba dzemunzvimbo iyi hadzina makonzo anganzi akawandisa zvekudya vanhu.

VaJamurosi Bhaudhi (96), vanova sahwira wemufi, vanoti Sekuru Milanzi vakauya muZimbabwe mugore ra1946 vachibva kuMalawi uye vakatanga kuwirirana navo mugore ra1970. “Ini ndinongoti mishonga yakakonzera izvi sezvo aiva n’anga. Kwandiri akangoti ndave kuda kudzokera kumusha kuMalawi achibva azofa mangwana acho,” vanodaro.

VaTrust Zongoro Njochololo (46) vanoti hapana chimwe, murume uyu akadyiwa nezvidhoma zvake. VeKwayedza pavakapinda mumba maigara Sekuru Milanzi, makabuda zigonzo guru iro rakapotsa mutori wemifananidzo Memory Mangombe uyo akazhamba achitizira panze. Gonzo iri rakazouraiwa naSinge.

Gurokota guru raMambo Chivero, VaSilent Kaseke, vanotsinhira chiitiko ichi vachiti chishamiso chikuru.

Share This:

Sponsored Links