Uncategorized

Ndachepeswa nedumbu: Muporofita

21 Aug, 2014 - 08:08 0 Views
Ndachepeswa nedumbu: Muporofita

Kwayedza

MADZIMAI Josephine “Mensista” Chavhunduka

MADZIMAI Josephine “Mensista” Chavhunduka

MUPOROFITA wechikadzi ane mukurumbira kuNorton angange ari kukwanisa kubatsira vanhu vakawanda mumatambudziko avo, asi iye akundikana kuzviponesa kubva kumutoro wake wekuita makore matatu achisunda dumbu rakazvimba kana kuti kufutunuka zvekuita semunhu akakurirwa nemimba zvakanyanya.

Madzimai Josephine Chavhunduka (37), avo vanonyanya kuzivikanwa kuchechi yeJohane Masowe weChishanu nezita remweya rekuti Madzimai Mensista, uye vachigara kuMarshlands, vanoti achepeswa nedambudziko rekuzvimba dumbu zvakadarikidza zvekuti vave kutotsvaga rubatsiro rwungapedza mutoro wavakatakura uyu.
Zidumbu ravo rinotonzwisa tsitsi nekukurisa kwarakaita.

Zvisinei kuti vainge vamboti havasununguke kubuda munhau, zvichida nekuda kwechitendero chavo, Madzimai Mensista vakazodemba kuKwayedza svondo rapera vachiti vari kuda rubatsiro rwungavasunungure kubva kumutoro wavo uyu.

Madzimai Mensista vakazotanga kutaura ndokuti: “Ndachepeswa nedumbu irori mufunge. Rubatsiro ndinorwuda asi zvekubuda munhau sezvamakaita madzimai aye, handizvifarire. Dai maitoti kana nhasi chaiye munditakure tiende tese (kune vanobatsira) taikwanisa, vanhu vozongondiona ndichibuda kana muTV kana imo mumapepanhau chinhu chiri mudumbu mangu ichi chatobviswa.

“Nekuti mukatanga kundiburitsa nyaya ndisati ndabatsirwa ndinopingwa. Kumusha kwangu kunoroiwa zvakasimba, kwotiwo iko kumasowe kune mamwe maporofita, ndinogadzirwa. Ndinozivikanwa zvikuru, ndiri muporofita ane mbiri munyika muno nekunze.”

Kwayedza mumwedzi waChikumi wadarika ndiyo yakaburitsa kekutanga nyaya nemifananidzo yakazunguza nyika yose, yemadzimai maviri – Mai Portia Tapfumanei (35) vekuHighfield muHarare, naMai Maidei Nemhara (48) vekuDomboshava – avo vaive nematambudziko akasiyana asi vose vakazvimba matumbu sezvakaita Madzimai Mensista. Vose vaifungira kuti vakashinhirirwa nemishonga yechivanhu.

Nyaya iyi yangobuda, veruzhinji vakashamiswa nazvo uye vakabva vawana rubatsiro, vose ndokuvhiiwa mazitumbu avo pachena kuchiptara cheChitungwiza Central Hospital. Mai Tapfumanei vakaburitswa chinhu chairema 25 kgs avawo Mai Nemhara ndokubviswa mutoro wechinhu chairema 10 kgs.

Mukuru wechipatara ichi, Dr Obediah Moyo, vakabva vazokurudzira vanhukadzi kuti vapote vachitariswa denda rekuzvimba matumbu nguva ichiripo kwete kumhanyira kun’anga kana kumaporofita vachifunga kuti vakaroiwa.

Dr Moyo vakati kune madzimai akawanda vane matambudziko akadai munyika, avo vanongogara nechirwere vasingatsvage rubatsiro nekukasika.

Asi dumbu raMadzimai Mensista rinenge riri pamberi pakukura.

Madzimai Mensista vakatanga nekutenda Kwayedza nekuvashanyira kwayakaita vachiti “iyi inyaya iri kugara ichiporofitwa kuchechi” kwavo kuti nguva yavo yekubatsirwa nemachiremba yakwana.

“Chokwadi rubatsiro rwandaimirira rwazouya. Kuuya kwenyu imi chitambanudzai ruwoko rwenyu ndichibatsirwa.

Nyaya yandinorambira kubuda munhau mufunge ndiri munhu anoshanda nevanhu vakuru muchiporofita chandinoita, vanhu vachipona nekaruwoko kamunoona aka. Ndinobva kwaMavangwe, kwaNyashanu kuBuhera asi hama dzangu dzinoroya, ndinotya kuti zvibude,” vakadaro.

Vakapa muenzaniso wehanzvadzi yavo yakadonha yabva kuSouth Africa ikafa isina kurwara uye munin’ina wavo akapunzika achangobva mukuchata akafa zvakare.

“Hama dzangu ini vanhu vekuchechi naiye mwana wangu wemakore 12 uyu. Amai nababa handina, kana hanzvadzi zvayo. Murume wangu akafa muna 2010 saka pandinomborwara ndichitadza kufamba nedumbu iri, anondibatsira nekundigezesa ndiye Tsitsi mwana wangu uyu.”

Mudzimai uyu anoti pakatanga kuzvimba dumbu rake akafunga kuti zvaikonzerwa nekufungisisa uko aiita zvichitevera matambudziko aaisangana nawo.

“Ndakafirwa nemurume nedzimwe hama dzakawanda nguva imwe chete, ndipo pakatanga kufuta dumbu iri ndichiti zvichida kufungisisa. Chinonetsa rinombokura nekuserera, saizvozvi rakaserera nekunwa mapiritsi uko ndinoita,” vakadaro.

Madzimai Mensista vanoti vakamboedza kubatsirwa nemumwe murapwa wavo akanga abva kuUnited Kingdom, uyo akavatsvagira chiremba akaenda naye pamba pavo nemichina apo vakanzi vaiva nemvura yakawanda mudumbu.

“Pandakagumisira kunoonekwa nemachiremba vakanditi ndaifanirwa kuvhiiwa kuti zviri mukati zviburitswe.

Nekuuya kwamaita uku, ndazvipira kuti zvichinoburitswa. Asi ndinoda kuti zviitwe private.”

Vanotiwo zvakare pakutariswa kwavakaitwa vakanzi vaiva netsinga mbiri dzepadumbu dzaizvimba idzo dzinoenda kumoyo uyewo kuti vane mafuta akawanda mudumbu mavo nekumoyo.

Muporofita uyu anoti anorwadziwa nedivi rekuruboshwe redumbu rake iri.

“Kuzvibatsira handina dambudziko, kugeza zvakare hapana chinonetsa. Ndakangonzi ndisadye zvine mafuta akawanda. Ndakagadzirira kuenda kunovhiiwa dumbu iri asi dambudziko nderekuti handina mari,” vakadaro Madzimai Mensista.

Muporofita uyu anoti anombozvimba makumbo ayo anoserera kana atonwa mapiritsi.

“Pandaimbobatsirwa nemachiremba pane imwe nguva ndairema 100 kgs nekuda kwedumbu iri asi chokwadi chiripo ndakaporofitwa nemamwe madzibaba kuti nguva yakwana, kuti ndichiita zvekwaKesari, ndichinorapwa nemachiremba. Saka ngirozi yangu yakagadzirira kuti ndichinobatsirwa.”

Madzimai Mensista vanoti vanotarisira kuzotsvaga basa rakanaka semunhu akabudirira muzvidzidzo zvake zveO-Level uyewo nekuzochata nemumwe murume kana vachinge varapwa, dumbu risisina kuzvimba.

Kune vanoda kubatsira Madzimai Mensista vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 034 954 ne0715 266 990.

Share This:

Sponsored Links