Ndadzoka: Linyama

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Ndadzoka: Linyama

Kwayedza

. . . uku kuita kwaMwari

Abel Ndooka —
MUTAMBI weBlack Rhinos, Sydney Linyama, anoti anoona kubata kwaMwari zvikuru muhupenyu hwake sezvo pakatanga mwaka wa2017 wePremier Soccer League aive asina ruzivo rwekuti ramangwana rake richange rakamira sei apo zvikwata zvakawanda zvairamba kumutenga.

Dynamos – iyo yaakange ave nemakore achitambira – yakaramba kumupa kondirakiti itsva zvakaita kuti muchinda uyu azame mhanza nekuenda kuCAPS UNITED asi hapana chakabuda.

Linyama akambonanga kuBulawayo achiedza kudzokera kuChicken Inn yaakambotambira asi masango akave matema zvakare.

Mutambi uyu anoti akasvika pakuora moyo achifunga kuti pake pakange pamuperera asi nokuda kweminamato yemudzimai wake, Georgina, anoti akabva atengwa neBlack Rhinos iyo yakapinda muPSL gore rino ichibva kuNorthern Region Division One, ichirairidzwa naStanford ‘Stix’ Mutizwa.

“Kuita kwaMwari kunoshamisa, ini ndakazvionera muhupenyu hwangu.

“Ndakambofunga kuti pangu pandiperera asi mudzimai wangu haana kumira kunamata.

“Zuva nezuva aigara achindiudza kuti ndirambe ndichishanda nesimba achiti minana ichaitika.

“Ndakazoona ndichitengwa neBlack Rhinos uye zvinhu zviri kuti fambira,” anodaro Linyama.

Mwaka uno, Chauya Chipere – sezita remadunhurirwa reBlack Rhinos – ndicho chimwe chezvikwata zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Svondo radarika, chikwata ichi chakaenda pamusoro pelog zvichitevera kukunda kwachakaita Dynamos musi weChina 1-0 kozoti musi weSvondo chakadambura Hwange 3-0.

Zvikwata zvose zvakaramba kutenga Linyama zvinoti Dynamos, CAPS UNITED neChicken Inn zviri pasi peRhinos.

Dynamos iri kutatarika zvikuru uye yakagara pechi14 palog kozoti CAPS UNITED haisi kutamba sezvayaiita mwaka wadarika apo yakazohwina mukombe wePSL.

Achibvunzwa neKwayedza kuti anonzwa sei nekutungamira kuri kuita chikwata chake uye maonero aanoita zvikwata zvakaramba kumutenga mwaka uno, Linyama anoti anonzwa mufaro mukuru.

“Ndichitarisa matambiro atiri kuita sechikwata, mwaka uno ini hangu ndinonzwa kufara nekuti matambiro andiri kuita akasiyana zvikuru neandaiita mwaka wadarika.

“Ndega ndiri kuona musiyano. Uku ndiko kwandinoti kuita kwaMwari chaiko, vakandivhurira mukana uye chipo changu chave kuonekwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Panyaya yezvikwata zvakandiramba ini handina mashoko akawanda ekutaura pamusoro pazvo.

“Ini ndiri kungotarisa nezvebasa riri kumberi kwangu rekuhwinisa Rhinos uye ndizvo zvakandikoshera parizvino.”

Panguva iyo Linyama aive kuDynamos, mumwe wevatambi vekumashure vaitamba zvinonwisa mvura izvo zvakambomuona achishevedzwa muchikwata chemaWarriors naIan Gorowa, zvisinei akabva azokuvara zvakamutadzisa kuramba achitambira muchikwata chenyika ichi.

Asi iye zvino mutambi uyo anwisa kaviri mumitambo mipfumbamwe yeRhinos uye anoti ave kushanda nesimba kuitira kuti agoshevedzwawo zvakare kumitambo inotevera yemaWarriors.

“Gorowa aitemba neni uye akambondiwanisa mukana wekumaWarriors asi ndakazokuvara izvo zvakanditadzisa kutamba.

“Iye zvino ndiri kushanda nesimba kuti ndiwaniswe mukana wekudzokera kumaWarriors. Ndinozviziva uye matambiro andiri kuita akasiyana negore radarika saka ndinokwana muchikwata chenyika,” anodaro.

Linyama anogara kuMbare nemudzimai wake pamwe nevana vavo vaviri – mukomana nemusikana.

Anoti iye zvino ave kuenda kuchechi zvakasimba nekuti Mwari vari kumuzarurira mikana yakawanda chaizvo muhupenyu hwake.

“Pese pandinowana mukana ndinoenda kukereke nemhuri yangu nekuti simba raMwari ndakariona. Ini ndiri muKristu uye ndinopinda Anglican,” anodaro Linyama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey