Uncategorized

‘Ndagura chipfambi’…Akamera ‘ruware’ atadza kubhadhara

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘Ndagura chipfambi’…Akamera ‘ruware’  atadza  kubhadhara

Kwayedza

MURUME wechidiki wekuMufakose, muHarare, anoti asvipira pasi zvekuita chipfambi zvichitevera kutsakatika kwakaita nhengo yake yesikarudzi kwemazuva gumi mushure mekunge agadzirwa neimwe pfambi yaakaramba kubhadhara.

Simbarashe Machokoto (33), wepanhamba 60 Mugaragunguwo, anoti sikarudzi yake akaishaya apo akarega kubhadhara pfambi yaakange atora pane rimwe bhawa kuBudiriro 4, muHarare.

Pakaitika izvi anoti akasara asisagone kurasa mvura.

“Ndakatorana nemumwe mukadzi anonzi Laiza mubhawa randinonwira kuBudiriro 4. Ndakaenda naye kune imwe imba yekubhuka iri munzvimbo iyi tawirirana apo aida US$5. Zvisinei, ndakazodarika zvatainge tawirirana mari ndokusvika paUS$15 iyo ndakashaya imwe US$10. Ndakamuti ndaizomupa mari iyi sezvo tagara tichizviita,” akadaro Machokoto.

Anoti mukadzi uyu akazomufonera kwadarika mazuva mashanu achida mari yake asi iye aingotsika-tsika achimunzvenga.

“Musi wekupedzisira waakandifonera ndakamuti ndaizomuona, iye ndokunditi, ‘saka chirega zvako nemari iyoyo, uchanditsvaga’. Ini ndakangoti kutamba.

“Manheru acho ndave kunorasa mvura ndakashamiswa ndiri muchimbuzi kuti ndakanga ndisisina nhengo yangu,” akadaro.

Machokoto anoti akashingirira usiku hwose dumbu rave kuzvimba uye achinzwa kurwadza kwaishosha.

“Mudzimai wangu, Rudo Macheke Machokoto kana kuti Mai Teddy, handina kuvataurira musi wazvakatanga, ndakangorara ndichiyuwira ivo pasina zvavaiziva.

“Muviri wangu waipisa zvikuru, kunyanya pazasi peguvhu. Mangwana acho ndakazvipenengura ndikaona ndisisina chinhu ndokuridza mhere. Ndakazonoudza shamwari yangu Nhamo Thomas.”

Anoti neshamwari yake iyi, vakaenda kun’anga dzinokwana ina dzechiChawa muMufakose uko vainonzi kwaidiwa mari yekutanga kushandirwa yaibvira paUS$50 kusvika US$100 iyo akanga asina.

Machokoto anoti vakazoenda kumapositori ekunzvimbo inonzi kumapadhoku kuKuwadzana uko vakabva vasina kubatsirwa.

“Panguva iyi hapana pakanga pasisandirwadze, chekurasisa mvura ndakanga ndisisina. Ndaikwanisa kuita tsvina chete asi ndichirwadziwa zvikuru.

“Takadzoka kumba ndokusvikoshandisa shamwari yangu iyo yakazivisa mudzimai wangu nezvenyaya iyi, akazvitambira mushure mekunge apopota,” akadaro.

Machokoto anoti pamazuva gumi aakagara asina sikarudzi aya, akaita segore sezvo airwadziwa muviri wose achidikitira zvakanyanya.

“Takazoenda kuimwe chechi kuWaterfalls uko ndakasvikonzi ndibvise US$300 iyo takanga tisina tikabva tadzokera kumba apo ndakange ndongochema pasisina nyadzi.”

Machokoto anoti akazotaurira vabereki vake avo vaive kumusha nezvemanenji aya.

“Baba naamai vakauya vakasvikoshaya zano nazvo sezvo pakanga pasisina kunyara, ndakavaratidza vose. Ndakazonzi ndiende kumuporofita weJohane Masowe yeChishanu Nyenyedzi Nomwe ari kuBudiriro 4,” akadaro.

Murume uyu anoti anga ava kurarama munyika yake oga ndokuzoperekedzwa neshamwari yake, Thomas, kurimwezve sowe.

“Pandakasvika kumasowe uku, muviri wangu wakanga wazvimba kusanganisira tsoka ndisisagone kufamba. Dumbu rakanga rave kuita sendakadya simende uyewo tsinga dzangu dzakatsvuka nekuzvimba.

“Pandainamatirwa, madzibaba vakatanga kubvunza vachiti munhu ainzi Nhamo ndiyani, pachibva pasimuka vanhu vatatu vaiva nezita iri. Vakazoti Nhamo aiva auya nemunhu aiva asisina nhengo ndiye wavaida, ino ndikakanzi ndisimuke.”

Muporofita uyu anonzi akazotsanangura marwariro aMachokoto pamwe nekuti akanga agadzirwa nepfambi yaasina kupa mari yehufeve hwavainge vaita.

“Nezita remukadzi akandikuvadza rekuti Laiza rakataurwa zvikanzi akanotora mushonga wekundisota kun’anga yezvigure. Muporofita uyu akazoisa tsvimbo yake pakati pemakumbo angu ndikanzwa kuputika sezvinoita bhora rine mweya uye mudumbu mangu semaibuda mweya. Ndiko kudzoka kwakaita zvinhu zvangu,” akadaro Machokoto.

Panguva iyi, anoti akabva atanga kukwanisa kurasa mvura yaiva neropa uye yakasviba.

Machokoto anoti akaudzwa kuti dai akanonoka aigona kufa.

“Ndaingonzwa kuti nyaya yakadai inoitika, asi ndakazozvionera. Mukadzi wekuzondiitira utsinye uyu ndakanga ndaita nguva refu naye asi muporofita akandikurudzira kuti ndinobhadhara US$10 yakasara kupfambi iyi izvo ndakaita. Akandiyambira kuti ndisazviite futi.

“Iyambiro yangu kuvarume kuti tisiyane nekuita zvechipfambi uye kana tachiita, hatipei vakadzi mari dzavo. Ini ndakapotsa ndaenda, mudzimai wangu akanga atova shirikadzi ini ndiripo.”

Machokoto ane mwana mumwe chete nemudzimai wake uye anoti anotenda mukadzi wake nekunzwisisa kwaakaita.

Anoti haanyare kuburitswa munhau sezvo zvichipa chidzidzo kuvamwe varume.

Muporofita Enock akamunamatira akati:

“Akanga any’ura Machokoto. Mukadzi uyu akaenda kuvanhu vanotamba zvigure uko akanopihwa mushonga.”

Kwayedza yakazoita hurukuro nedzimwe pfambi pabhawa riri kuBudiriro 4 iro rinonzi Machokoto akasangana nemukadzi akamugadzira dzikatsinhira kuti dzinoshandisa mishonga yakadaro.

Mumwe wavo, uyo akangoda kuzivikanwa nekuti Fortunate kana kuti Fochi, anoti varume vavanodanana navo vanofanira kuvabhadhara nekuti “pasi pano hakuna chemahara”.

“Tine n’anga yedu kuno inopinda zvigure, ukangoenda ikoko murume anouya achimhanya. Asi vamwe vanotofa nekuti n’anga inoisa mushonga uyu haigone kuubvisa. Senyaya yemurume wekuMufakose, ndiyo izere munoka manje. Ngaapote achibhadhara kwete kudya zvemahara,” akadaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naLaiza, uyo anonzi akashandisira Machokoto mushonga.

Share This:

Sponsored Links