Uncategorized

‘Ndaibhururuka ndiri murusero’…30 minutes kubva kuMalawi kusvika muZim . . .

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Ndaibhururuka ndiri murusero’…30 minutes kubva kuMalawi kusvika muZim . . . Sekuru Gambe

Kwayedza

Sekuru Gambe

Sekuru Gambe

N’ANGA ine mukurumbira yekuHonde Valley, kuManicaland, inoti pane nguva payaitora maminetsi 30 bedzi kubva kuMalawi kusvika muZimbabwe ichibhururuka murusero uye iri kureurura kuti yakatemerwa nyora nenyoka zvekare yakawana simba rehugodobori mushure mekunge yabikwa nemishonga apo yaive yakavharirwa mudhiramu rizere mvura raikuchidzirwa pamoto kwemaawa matanhatu.

Sekuru Gorden Gambe (60), avo vave kugara kuChitungwiza, vanoti vakanobikwa kuMalawi uko vakaiswa mudhiramu raiva pamoto ndokuvharirwa imomo.

Vanoti vakazobuda mudhiramu vave nemasimba ekurapa.

Sekuru Gambe vanoti zvisinei nekuti dhiramu iri raikuchidzirwa pamoto, mvura yaiva yakaiswa yaitonhora chaizvo zvavakati zvakavashamisa.

Zvakare vanoti vapedzwa kubikwa nemishonga iyi, vakaudzwa kuti vafambe nemugwagwa wemusango uko vakasvikoona nyoka dzaimonerana dzaivaruma muviri wose dzozovazora mushonga panzvimbo dzavainge varumwa, kureva kuti vaitemerwa mishonga nenyoka idzi.

Sekuru Gambe vanoti vaisvikirwa nemidzimu misere, kusanganisira mashavi enjuzu, iyo yaishandisa masimba akasiyana pakubatsira vanhu.

“Ini ndaisatamba, ndaiva n’anga yemandiriri, zvikuru kuSouthern Africa.

‘‘Hakuna n’anga yaiti pwee muno kana kune dzimwe nyika dzakatikomberedza. Mishonga yemubobobo ndaipa, makona aiva akawanda zvikuru.

“Ndikangovenga muti ndaingonongedzera tsvimbo yangu wotooma ipapo, toita huni.

‘‘Mashavi angu akazokura apo ndakaenda kuMalawi ndikanobikwa mudhiramu nemishonga raiva rakaiswa matanda ehuni pasi asi mvura yacho yaitonhora,” vanodaro.

Murume uyu, uyo anobva mubhuku raGambe, anoti hakuna mhando yemishonga wechivanhu waasingazive.

“Pandakanobikwa ndakazoendeswa nemusango umo ndakatemerwa nyora nenyoka dzichiisa mishonga mitema. Nyoka idzi dzaindiruma mumakumbo, mumawoko, padumbu, kumusana nedzimwe nhengo dzose apo dzaizodzoka dzichindiisa mishonga nemiromo yadzo ini ndichiedza kudzitiza ndichitadza,” vanodaro Sekuru Gambe.

Vanoti vakatanga kuita hun’anga mugore ra1969.

“Pamusoro pazvo, ndaishandisa rusero kwose kwandaida kuenda. Kubva kuMalawi ndaiita maminitsi 30 kana kudarika ndotosvika kumba zvangu nemagirosari angu, ndonyepa kuti ndauya nemotokari kana mabhazi,” vanodaro.

Vanotiwo vaisvitsa midzimu nekubata varoyi nemishonga yavo.

“Ndine vanhu vandakabatsira kuti midzimu isvike zvakanaka vanodarika 400 munyika muno chete vanova vane mukurumbira. Chirevo chekuti n’anga muroyi ndeche chokwadi nekuti ndine vamwe vanhu vaiguma vave marombe pamusaka pangu. Makona ndaigadzira ndichipawo vamwe.”

Sekuru Gambe vanoti vaiva nyanzvi munyaya dzekugadzira mheni nemimwe mishonga yakaipa.

“Rukawo ndaiisa kungava kuvarume kana kumadzimai. Ndine n’anga imwe chete yainzi Muchawa yekuMalawi yakambondivhundutsira ichiti ndaisasvika mangwana acho. Ndakazotora tsvimbo yangu ndikanongedzera muti ukaoma ipapo, akazondikumbira ruregerero,” vanodaro.

Sekuru Gambe vanoti vane tsvimbo dzavaishandisa mukuita basa ravo rehun’anga idzo dzaivazivisa zvaizoitika.

“Tsvimbo dzangu nhatu dzaindizivisa mazita nehuwandu hwevanhu vainge vachiuya kuzorapwa uyewo ndaiziva zvirwere zvavo ndofana ndatsvaga mishonga yekuvarapisa.

“Panyaya yekubhururuka nerusero panoshandiswa mishonga yemhepo kana chamupupuri chaiuya chonditakura apo ndaitoona vanhu vari pasi ndirimo murusero. Ukadonha unofanirwa kufa asi zvinoreva kuti pane zvihombe zvaunenge wakanganisa pamhiko dzako,” vanodaro.

Vanoti rimwe gore vakabva kuMulanje, kuMalawi, kuma12 masikati vakasvika kumusha kwavo kuHonde Valley na1 masikati iwayo.

Vanoti vasati vakwira rusero urwu vaitanga vadya mishonga kuti vakwanise kufamba zvakanaka.

Sekuru Gambe vari kuti vakasiya mabasa avo ehun’anga uye vave kunamata kuchechi yePower of The Holy Spirit Ministries International.

Vanoti vakapisa zvose zvavaishandisa kuchechi inotungamirirwa naApostle Farai Rukweza (33) iyi.

Apostle Rukweza vanotsinhira kutendeuka kwemusharukwa uyu.

“Baba ava vakatendeuka, izvozvi tinobata navo pasangano redu. Hakata dzavo, makano, mapfumo, hari, chuma, tsvimbo, matehwe emhuka neenyoka nezvimwe vakauya nazvo tikazvipisa,” vanodaro Apostle Rukweza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey