Uncategorized

Ndaipinda nemashefu: Pfambi…‘Handizive kwandakawana hiv’…‘Hapana achada kana kundiona’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Ndaipinda  nemashefu: Pfambi…‘Handizive kwandakawana hiv’…‘Hapana achada kana kundiona’ LOVENESS JOHN

Kwayedza

LOVENESS JOHN

LOVENESS JOHN

MUKADZI wepapurazi reTsanga, iro riri mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza, akabuda pachena kuti aiita chipfambi uye ane utachiona hweHIV, apo akapinda-pinda nevarume vakawanda, vamwe vacho vaanoti “mashefu” apo aivashandisira mushonga weraki uyo wakazomupandukira ukasanduka kuita nyoka nerwaivhi.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Loveness John (42), uyo akange ari panhowo achirwara zvikuru – anoti akaita zvinorova mubasa rake rechipfambi apo akange achiri kutemwa dzinobva ropa.

Anoti akasasana nevarume vakawandisa, vamwe vacho vane zvigaro zvikuru mumakambani pamwe nevane mabhizimisi, pasina kushandisa dziviriro. Vamwe vevarume ava anovadoma nemazita avo, kusanganisira vamwe vakuru pamumwe mugodhi wechicherwa cheplatinum (zita tinaro) uko aigara akaenda neshamwari yake Mary.

Imhosva muZimbabwe kutapurira chirwere cheAIDS kana utachiwana hweHIV uchiziva.

Loveness anotanga nekuti: “Regai ndikuudzei chokwadi. Ndiri kurarama neutachiona hweHIV uye ndave nemwedzi inodarika mishanu ndisiri kunwa mapiritsi angu emaARV nekuti hama dzangu hadzisi kunonditorera mapiritsi aya dzichiti ndine mishonga yandakabata iyo yavanotyira kuti ingavakuvadze.

“Varume vandakashereketa navo vakawanda, senge pa***** (zita remugodhi weplatinum) ndakapinda nevamwe vane mabasa epamusoro nevepasi ipapo. Ndinorevawo mashefu chaiwo, ndakapinda navo.

“Saka zvave kundinetsa kuti chirwere ichi ndakachipihwa nani semunhu akaita chipfambi. Vamwe vacho veku***** (zita remugodhi) ndakavafonera ndichivaudza kuti ndave kurwara asi havana kumbouya kuzondionawo. Zvino zvichavawanawo ikoko kwavari,” akadaro Loveness.

Akadoma vamwe nemazita vevanhu vaanoti akapinda-pinda navo.

Akati shamwari yake Mary ndiye aipota achimbomuunzira mishonga yemaARV asi akange asisauye mushure mekutandaniswa nemunin’ina wake, Getrude (40).

Paakabvunzwa neKwayedza panhare, Mary akabvuma kuti shamwari yake Loveness yairarama neutachiona hweHIV.

“Hongu, taimboenda ku***** (zita remugodhi), ndichimusiyako kana kwemasvondo maviri nekuti aida zvekufara ini ndichidzokera kumba. Loveness akazobatwa neTB mushure ndokuzoonekwa kuti ave kurarama neutachiona hweHIV. Zvakare aive neroda pazamhu nekuda kweTB,” anodaro.

Anoti kumwe kwaaiitira chipfambi ndekwaChikwanha neku***** (zita reimwe nzvimbo yekufarira ine mukurumbira).

Loveness aingodemba nyaya yemwana wake uyo akati ari kumbunyikidzwa kumurume waakarambana naye.

“Mwana wangu ari kushungurudzwa, haasi kana kubhadharirwa mari yechikoro asi vana vemudzimai wemurume wandakarambana naye vari kudzidza,” akadaro achichema.

Ainyunyuta zvakare achiti aigara achirohwa nevamwe vehukama.

“Handisi kukwanisa kuwana mapiritsi nekuti Getrude akaenda kunotora mapiritsi akadzoka achiti anyimwa. Pane vanogara vachindirova, tarisai makumbo angu akazvimba zvekuti handikwanise kana kufamba kuti ndinozvitorera ndega mapiritsi,” akadaro.

Getrude akaramba mashoko aitaurwa nemukoma wake ekuti anomborohwa nevehukama achiti Loveness murwere, nekudaro ainge ongotaura twose-twose netusina maturo.

Zvichakadai, Loveness, uyo akaita hurukuro neKwayedza mushure mekunge vatori venhau vakokwa kumba kwavo kuti vanzwe zvaaitaura, akazoshaika nemusi weChina, mazuva mashoma achangobva mukureurura kuvatori venhau. Sahwira wake Mary akaendawo kunomuchema uye akavigirwa iko kuTsanga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey