Uncategorized

‘ndakabhadharwa nemuporofita kupupura nhema’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekuEpworth, muHarare ari kureurura kuti akapinda mune zvekupupura manyepo kumasowe nekumachechi akasiyana — zvinozivikanwa nekuti mabhidhiri — nenyaya yekukara mari mushure mekunge abhadharwa nemaporofita, mumwe wacho ane mukurumbira, senzira yekuti madzibaba uyu aite mbiri.

Zita rekuti mabhidhiri rinobva pakuti munhu anopihwa mari yekuti azoita seanogarwa nemweya apo anenge ari pamasowe, muchechi kana kun’anga otanga kubhidhirika achireurura zvenhema sekuzviti muroyi, ipfambi yemakoko kana kuti ane zvikwambo.

Zvinonzi vanhu vanotengwa kuti vazviti varoyi vanosanganisira pfambi kana mbavha, avo vanotodzidziswa zvavanofanirwa kuzopupura kana kureurura kana vave pamberi peruzhinji kumasowe kana kuchechi.

Mudzimai wekuzvipira kufumura huipi hwemamwe maporofita nemachechi uyu tichangomuti Memory Juru (35) sezvo achikumbirisa kuti Kwayedza isaburitse zita rake chairo nekutyira upenyu hwake.

Mutori wenhau weKwayedza, Muchaneta Chimuka (MC) anoita hurukuro naMemory Juru (MJ). Zvinzwirei . . .

MC: Wakadii hako Memory?

MJ: Ndinofara hangu, ko maudzwa nani kuti ndiri kuno uye mudzimai andishevedza uyo makamuzivira kupi?

MC: Ndiro basa redu, kuzivana nevanhu nekuita hurukuro navo munyaya dzeupenyu.

MJ: Hii! Mandityisa, muri kudei kuno kuEpworth? Hamusi mapurisa here?

MC: Tiri kuronda nyaya dzemabhidhiri uye tine umboo huzere hwekuti iwe ndiwe mumwe anodzidzisa zvehubhidhiri muno uchibhadharwa kureva zvenhama nemaporofita.

MJ: Kwete, handidzidzise zvemabhidhiri asi ndakatopinzwawo mubhesi rinodzidziswa mabhidhiri neshamwari dzangu ndikazoregedza hangu ndaona kuti vanhu vacho havanyatsobhadara. Havadi kuburitsa cash. Mukubuda kwandakaita mubhesi iri vakabva vachija vachienda kunotanga rimwe bhesi rekubhidhirika kuStop Over, muno muEpworth makare. Vakatya kuti pamwe ndingavafumura.

MC: Saka muno muEpworth ndimo maunogara here uye mune mabhesi mangani?

MJ: Handigare muno asi ndangoshanyira shamwari dzangu. Muno mune mabhesi anodarika matatu uko maporofita anobhadhara nekudzidzisa vanhu kureurura zvenhema. Asi kana pakaita vanobuda bedzi, vanobva vangochinja pekuitira nekutya kufumurwa.

MC: Tiudze nezvemabhidhiri uye iwe wakaita zvipi ukabhadharwa marii, naani?

MJ: Ini ndakaita hubhidhiri hwekunonyepa, madzibaba (achidura zita remuporofita wemuHarare) vakandipa $20 chete nekuti vaiti zvandainopupura zvaiva nyore, kusanganisira zita randakashandisa nderekunyeba. Ndakanyeba kuti murume wangu aihura saka ndaida kuti vamusunge kuti aregedze izvi. Ndakapupura kuti nekuda kwesimba ramadzibaba ava, murume wangu akadzoka kumba – tava kugara murunyararo uye murudo. Zvose izvi ndakazviita nekukara mari asi ndava kuzvidemba kuti ndakanyebera Mwari nevanhu vake.

MC: Asi iwe wakaroorwa here uye dambudziko iri waivawo naro mumba mako here?

MJ: Kwete, handina kumbobvira ndakaroorwa asi ndine mwana mumwechete. Zvose zvandakapupura manyepo, ndizvo zvandakanga ndaudzwa kuti ndiite ndichizopihwa mari namadzibaba ava.

MC: Makatora nguva yakareba sei muchidzidziswa?

MJ: Ndakapihwa chipo cheawa kuti ndifundire kutaura ndisingatye, ndikatoona ndava kuzvigona pamaminitsi angaite 30 vachibva vandisarudza mukati mevamwe avo vaikundikana. Murume wekunopupura sewangu vakanditsvagira, anenge asiri murume wako chaiye asi webasa renguva iyoyo kuitira kuti madzibaba ava vaite mbiri. Makasitoma anozoenda kumasejari kwavo nedambudziko rakadai vachida kubatsirwa kusunga kana kukiya varume kana vakadzi vavo uko vanotobhadhariswa $150 kana kudarika.

MC: Kune vamwe vari kubhidhirika vari kupihwa mari inodarika yawakapihwa here?

MJ: Hongu, kune kubhidhirika kwemaminitsi kwandakaita kune mari shoma, kozoti vamwe vanogona kunzi vapenge kana kuita madhimoni kwemwedzi wose — ava vanogona kutobhadharwa kana $500 chaiyo. Ibasa riri nyore haro pane kutengesa matomatisi, asi ndakaregedza ndava kuenda kuSouth Africa kunohodha ndichitengesa. Pahubhidhiri hwekupenga, unotoenda munzvimbo inoitirwa misangano namadzibaba ava kuitira kuti vanhu veko vakuone uchipenga kuitirazve kuti vagobvuma kuti waporeswa pazuva remusangano.

MC: Nzvimbo yamunodzidzisirwa mabhidhiri yakahwanda here?

MJ: Haisi nzvimbo yakahwanda, patori pachena zvekuti chero vanhu vakakuonai vanongofunga kuti vanhu vari kuita madhirama ekunoita kuTV. Hatimbosungwe kuti taungana nekuti tinenge tichiitira pajekerere uye tiri “serious” zvebasa.

MC: Mazera api ari kupinda mumabasa ehubhidhiri?

MJ: Mazera ose, madzimai makuru ane mhuri, chembere, majaya nemhandara kana varume vakuru nevamwe vakaremara zvechokwadi.

MC: Chikonzero chei nyaya idzi dziri kuwanda?

MJ: Kutsvaga mari nekuti mabasa hakuna. Vamwe vavo vatori nemadhigirii chaiwo kubva kumayunivhesiti akasiyana – asi vanobhadharwa kuita hubhidhiri. Zvakarewo maporofita nen’anga vari pamakwikwi ekutsvaga vanhu kuti vawanewo mari yakawanda, ndosaka vachitishandisa. Mimwe mishonga yekukokera vanhu inogona kuramba kushanda saka zvinenge zvava kutoda vanonyepera kuita minana kuti vanhu vaende nemari vakawanda. Vakaremara havasi kuwana mari mukupemha mumadhorobha umu kubva kuuya kwemari dzepurasitiki saka vanotoiwanira kumabhidhiri.

MC: Saka ndingaitawo sei kuti ndipindewo mubhesi remabhidhiri ndiwanewo mari?

MJ: Ndakangonzwawo kuti kune vakomana vari kupinza vanhu mabasa ehubhidhiri ndichibva ndaenda kunozviita.

MC: Ko, kana madzibaba ava vakati vawedzera mari yekubhidhirika kuenda pa$50 haudzokeri here?

MJ: Ini hangu handichada nekuti ndakaona kuti hakusi kurarama uye hazviite kuti ndirambe ndichinyepera Mwari. Zvakare hazvisi kubhadhara. Machechi akawanda ari kuzviita izvi, kwete kuti ndimadzibaba uyu oga.

MC: Pamunoenda kunopupura nhema munotakurwa nani?

MJ: Ivo madzibaba ndivo vanotitakura nemota yavo, vanofanirwa kupupurawo kuti ndivo simba. Patinopedza vanobva vandipa mari yangu.

MC: Pekupedzisira, hauna kudemba here kwaunoita pane zvawakaita uchinyepera veruzhinji?

MJ: Ndinorwadziwa asi wekuudza hapana nekuti ndinotya kusekwa, kana nehama dzangu idzo dzinofunga kuti ndiri kushanda basa kwaro kuno kuHarare izvo ndiri kubhidhirika. Saka ndapota musaburitse zita kana mufananidzo wangu – muuvharewo. Ndoda kutaura nevakuru vako musati maenda tipanane chivimbiso ichi.

Panguva yaiitwa hurukuro ino, munyori uno anofonera mupepeti weKwayedza — Patrick Shamba — uyo anovimbisa Memory kuti achaita kuti zita rake risabude mubepanhau.

Zvisinei, vamwe vagari vekuEpworth vanoti mukadzi uyu ndiye mumwe wevanodzidzisa mabhidhiri munzvimbo iyi kunyangwe zvake iye ari kuzviramba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey