Uncategorized

‘Ndakabhinywa Nematicha 2’

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
‘Ndakabhinywa Nematicha 2’

Kwayedza

Malvern Mugadzikwa naMuchaneta Chimuka
MUSIKANA nherera wekuMberengwa ari kurarama upenyu hunorwadza sezvo ari kugara achizvidya moyo nenyaya yekuti akabatwa chibharo nevarairidzi vaviri panguva dzakasiyana apo ainge achiita Form 2 neForm 3, asi iye ndokutya kufumura mhosva idzi. Musikana uyu anoti akabatwa chibharo nevarairidzi vaviri vepachikoro paakadzidza sekondary — weMaths (masvomho) neweScience (sainzi) — izvo zvaanoti zviri kumun’en’ena moyo kubva ipapo dakara zvino.

Chido (39), uyo watisiri kudura zita rake chairo kuitira kuchengetedza kodzero dzake, anoti ava kuda kutaura nezvemhosva yekubhinywa kwake nematicha maviri aya mushure mekunge averenga nyaya yakabuda muKwayedza remusi wa27 Kurume, iyo yaikurudzira vana vechikoro kuti vasununguke kufumura varairidzi vanodanana kana kumbunyikidza vadzidzi.

Nyaya iyi yakabata Chido zvekuti zuva raaiverenga akabva afonera Kwayedza achiti: “Ndaverenga nyaya yenyu, yandibata uye ndine zvandinoda kutaura kwamuri.”

Akabva arondedzera nyaya yake inorwadza iyi asi ndokuti akazvipira kusvika kumahofisi eKwayedza kuti azonyataura zvose zvakaitika kwaari nevarairidzi vaviri vasina kutorerwa matanho ava.

Chido ari kutaura zvose zvakaitika kwaari, maticha akamubata chibharo, makore acho uye kuti iye ainge akura zvakadii, aiva mukuru wechikoro pamazuva aya uye nzvimbo dzaakabhinyirwa.

Musikana uyu anoti zvaakaitwa nevarairidzi ava zvakamurwadza zvekuti akabva asiira chikoro panzira.
“Ndakatadza kuti ndirambe ndichienda kuchikoro ndichionana nematicha akandikanganisa aya. Ndipo pandakangoregera chikoro ndisina kuudza vanhu vaindichengeta chikonzero chacho.”

Mudzidzisi wekutanga, weScience, ainge akumbira mwana uyu kune vaimuchengeta achiti aida kunogezerwa mbatya sezvo ainge asati aroora, ndokubva amubhinya.

Wechipiri, uyo aidzidzisa Maths panguva iyi asi aine mudzimai murairidzi, anoti akamubata apo akanyebera kunge aive neshungu dzekuongorora basa rechikoro raChido.

“Ndakazvinyarara nekuti zvaityisa kuzvitaura. Waisveeredzwa nevamwe vana ukazivikanwa kuti ndizvo zvawaitwa uye kumba ndakatya kuti ndaipondwa nevaindichengeta (zita ravo tinaro) ndichipomerwa mhosva yekuti ndini ndazvikonzeresa.

“Asi nyaya yenyu yaita kuti ndichizvitaura, ndiri kurwadziwa,” akadaro Chido uyo anoti varume vaviri ava vachiri vadzidzisi nanhasi.
Mazita evarairidzi vaviri ava vose tinawo asi tichambomira kuaburitsa sezvo nyaya iyi iri kufanirwa kuferefetwa memapurisa.

Chido anoti akashungurudzwa zvakaomarara nehama dzakasara dzichimuchengeta ava nherera pamwe chete nevarairidzi vepachikoro chesekondari chaaidzidza icho chiri kuMataga (zita tinaro).

Musikana uyu anoti akabatwa chibharo aine makore 15 okuzvarwa apo aiita Form 2 muna1992 nepaainge ava muForm 3 muna 1993.
Mushure mekubhinywa uku, Chido anoti akabva aramba chikoro, uye senherera yaishungurudzwa kumba, haana kufumura mhosva iyi kune vaaigara navo.

“Ndakazvinyarara nekuti zvaindiremera. Kumba ndaishungurudzwa ndichirohwa zvekurohwa zviya. Saka pandakabhinywa handina kutaura nekuti vandaigara navo vaindirova. Ndairohwa veduwe!

“Asi ndazozvipira kutaura mushure mekunge ndaverenga Kwayedza. Zvinondirwadza zvandakaitwa nematicha aya . . . ticha (zita tinaro) weScience naVa(zita tinaro) weMaths,” Chido akatsanangudza chiso chake chizere nekusuwa.

Mushure mekutsanangura nyaya yake, Chido, uyo anoti akatadza kuroorwa nemumwe mukomana mushure mekumuudza nyaya iyi, akazokurudzirwa neKwayedza kuti anomhan’ara kumapurisa eVictim Friendly Unit.

Mukuyaruka kwake, Chido anoti akange achivhiringika nezvakawanda sezvo ari nherera.
“Amai vangu vakashaya zvisinganzwisisike ndichiri mudiki uye baba handizive zvakaitika kwavari, saka ndakakura ndisina vabereki. Izvi zvakaita kuti ndipinde chikoro ndichienda kunoshanda mabasa emudzimba.”

Chido akazogara nehama dzekumusha kwaamai vake.
“Ndaibatwa senhapwa nevandaigara navo. Ndaiswera ndichikuiswa zviyo mawoko kusara akaita makomba-makomba. Pakudya ndini ndainzi ndaifanira kutanga kusimuka mundiro vamwe vana vachisara vachidya vachiguta.

“Izvi zvakandideredza munyaya dzedzidzo nekuti ndakange ndave kutakura nhamo dzekumba ndichienda nadzo kuchikoro. Ndinorangarira pane imwe nguva ndichitora nhamba 20 asi ndiri munhu aigona zvekumbotora nhamba hwani.”

“PaGrade 7 ndakabuda ne18 unitsi ndichibatsirwa nemari dzechikoro nevamwe sekuru (zita tinaro). Ivava vaindibata zvakanaka.”
Mugore ra1991, anoti akawanirwa nzvimbo yeForm 1 pachikoro chesekondari chiri pedyo nepaMataga asi svondo rekutanga haana kuenda kuchikoro nekuti aishanda basa remumba sezvo akanga asati awanirwa mari.

“Sekuru pavakazotumira mari yechikoro neyunifomu ndakasiya basa ndokuenda kuchikoro. Pandakatanga Form 1, ndaive nemuviri muhombe zvekuti rimwe zuva mukuru wechikoro akandishevedza akati, ‘mwana wangu kusimba kudai chii? Hauna pamuviri here iwe?’

“Mazuva iwaya, ticha vesainzi vaigarotaura kuti, ‘handiroori wadhiropu’ kureva munhu asina dzidzo uye vaimaka mabhuku vari kuseri kwevana vachisveerera nepabendekete pangu vachindigumha. Zvaindishamisa asi ndaingofunga kuti ndizvo zvinoitwa nematicha ekusekondari,” anodaro Chido.

Anoti muna1992 akazotsvaga basa remumba sezvo ainge anonoka kupihwa mari yechikoro. Izvi zvaimukanganisa kuenda kuchikoro.
Chido akazodzokera kuchikoro apo akazobhiny’wa munguva dzakatsaukana.

“Ticha veScience ava vakandikumbira kuti ndiende kumba kwavo kunoita basa remumba. Vakandibata chibharo musi wekutanga wandaenda kumba kwavo.

“Zvakandirwadza nekuti ticha ava ndaivatora sababa vangu chaivo.”
Chido anoti haana munhu waakaudza nyaya iyi.

“Ndinorangarira zviitiko zviviri, pakabatwa mumwe wedu chibharo achibva kuchikoro vamwe vasikana vakamuseka vachimudira mavhu. Mumwe musikana akambobatwa chibharo, baba vake vakauya naye kuchikoro vakamurovera pamberi pevamwe vana vachiti ‘wakazviitisa’. Zvose izvi zvakauya mupfungwa dzangu ndikati handingatauri nyaya yakadai.

“Zuva repiri, ticha ava vakandibatazve. Apa ndipo pandakazoti chisarai zvenyu mega pamba penyu mozopa hama dzangu mari yandakushandirai kwemazuva maviri iwayo.”

Muchiitiko chepiri, Chido anoti ainge ava Form 3 apo murairidzi wemasvomhu akatanga kumunyengedza nekumupa mari ndokuzomubata apo ainge anyepera kuita seiada kumubatsira pabasa rechikoro.

“Va(zita raticha) vakandidaidza vachiita sevaida kubvunza kuti chii chainetsa kumasvomhu. Apa vakabva vandipa $2 yebepa, iya yaiva nemufananidzo wehove, vachiti, ‘mwanangu tenga zvaunoda’.

“Ndakazoshamisika nerimwe zuva ticha ava vanditevera kuchibhorani vakati: ‘Ndatevera, waifunga kuti mari iya yandakakupa yakangoendera mahara?’

“Handina kumbofunga kuti vachasvika pakuita zvakadai.”
Apa ndipo paakabva asiya chikoro zvachose.

“Varairidzi ava vose ndinoziva kwavari, kana mapurisa vakati handei ndinonovanongedzera,” akadaro.
Mushure mekushungurudzwa uku, anoti akazoita vakomana, mumwe aida kumuroora, asi ndokuzomusiya apo akamuudza kuti haasisiri mhandara uye nezvikonzero zvacho.

Anofunga kuti matambudziko ake akakonzerwa nekuti inherera.

Share This:

Sponsored Links