Uncategorized

‘Ndakabhinywa nemuporofita’

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Ndakabhinywa  nemuporofita’

Kwayedza

MUDZIMAI wekuChitungwiza anoti ari kushushikana zvikuru mukurarama kwake mushure mekunge abatwa chibharo nemumwe muporofita uyo akazomuvhevhetedza kuti adzimise nyaya iyi kumapurisa uko ainge aimhan’ara achivimbisa kuti ava kuzomuroora.

Muporofita uyu ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Mudzimai uyu ari kupomera Godfrey Garande (38), uyo anozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Weshby wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, kuti ndiye akamubata chibharo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekusungwa kwemuporofita uyu vachiti ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Vanoti nyaya iyi inotarisirwa kupinda mumatare edzimhosva kana yapedza kuferefetwa uye muporofita uyu ari kunze.

Mukadzi uyu anoti akabva kumusha kwavo kuMasvingo mumwedzi waChivabvu gore rapera ndokusvikotanga kugara nemukoma wake kuChitungwiza apo airwara nemudumbu.

Kurwara uku kwakazoita kuti aende kunotsvaga rubatsiro kusowe raMadzibaba Weshby, iro riri paseri pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

“Ndanzwawo nevamwe kuti madzibaba ava vaibatsira zvikuru, ndakaenda kusowe iro rinoshevedzwa kuti Mapisarema uko ndakasvikosangana namadzibaba ava ndokutanga kundishandira,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Pandakaenda kunobatsirwa kumuporofita uyu, uyo anonzi anobva kuChiweshe, akandipa mazuva matatu ekutsanya. Akazondidzura zvinhu zvitatu padumbu zvaisanganisira raaiti idumwa raiva rakamonerwa chuma, chimwe chaiita sechibage necherudzi rwepurple nechimwewo zvikanzi ndizvo zvaikonzera kuti mudumbu mangu murwadze.”

Madzibaba Weshby apo aive akasungwa nemapurisa achiendeswa kukamba

Madzibaba Weshby apo aive akasungwa nemapurisa achiendeswa kukamba

Anoti akazopihwa zvakare mazuva matatu ekutsanya apo aigara achienda kusowe iri.

Anotizve Madzibaba Weshby aimuti asare pamasowe apo vamwe vanamati vainge voenda kumba.

“Ndainzi namadzibaba ava ndisare pamasowe kusvikira kwasviba, zvandaitadza kunzwisisa kuti zvaiitirwei. Mumwedzi waSeptember (Gunyana) wakaitika nyaya dzose idzi dzekubatwa chibharo, muporofita uyu akazonditi ndine zvinhu zvaida kubviswa kusikarudzi izvo akati zvaida kuitirwa kumba kwake kuMayambara (kwaSeke). Ndiko akanondibata chibharo,” anodaro.

Anoti muporofita uyu akamuudza kuti asafumure nyaya iyi.

“Ndakanorara musango musi uyu apo ndakatiza kumba kwemuporofita uyu. Ndakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMakoni nemusi wa10 October (Gumiguru) ndikazonzi nemapurisa eko ndiende kwaZiko. Nyaya iyi yakavhurirwa dhoketi ndokutanga kuferefetwa muporofita uyu achibva asungwa.”

Mudzimai uyu anoti asati amhan’ara nyaya iyi, akatanga kuridzira nhare sekuru vake vanogara kuKaroi avo vakamukurudzira kuti anomhan’ara kumapurisa.

Nyaya iyi ine nhamba kumapurisa dzinoti RRB 255/10/16.

Mudzimai uyu anoti mukadzi wemuporofita uyu (zita tinaro) akazoenda kwaari achimukumbira kuti aende kunopfudzisa mhosva iyi paine chivimbiso chekuti aizotorwa oita mudzimai waMadzibaba Weshby wechipiri.

“Mudzimai wake akandidembera kuti ndinopfudzisa nyaya iyi kumapurisa achiti ndaizova mudzimai wamadzibaba ava wechipiri izvo ndakaramba. Asati auya kwandiri kuzokumbira, kune mumwewo mukadzi aingonzi Mai Magirazi wekumasowe aya akauya achindinyengerera kuti ndipfudzise nyaya iyi. Akati kana ndikadaro aizonditsvagira basa rakanaka kumakambani, kune vamwewo vanhu kana kumba kwavo sezvo ndaida kuriritira vana vangu vaviri,” anodaro.

Anoti panguva iyi kune vanhu vakawanda vaienda kwaari, kusanganisira mamwe maporofita vachimunyengetedza kuti arase nyaya. Vamwewo anoti vaimuvhundutsira sekumuti anogona kurasa njere kana akaenderera mberi nenyaya iyi.

“Apo nyaya iyi yaiferefetwa, madzibaba Weshby vasati vasungwa vaiuya kwandiri vachiti vanogona kundipengesa kana kuti kumba kwedu kufiwe nevanhu vose, neni wacho.

“Vasati vasungwa, vakatora mbiya vakainyora zita rangu ndokuita mhiko vakacherera mbiya iyi pasi pedyo nebakatwa ravo ravaiva vakabairira muvhu mukirawa. Izvi zvinonzi zvaiitirwa kuti ndikaenderera mberi nenyaya iyi ndaifa kana kupenga,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti pakasungwa madzibaba uyu haana kugara muchitokisi kwenguva refu.

Anoti akazoshevedzwa nemumwe mugadhijeri anoshandira padare reChitungwiza Magistrates’ Courts, uyo waanoti akamudzidzisa manyorerwo emagwaro ekuti nyaya iraswe uye mugadhijeri uyu ndiye aitonyora magwaro aya.

“Madzibaba Weshby abuda, ndakazoendeswa kumba kwevamwe amai vekuchechi vainzi amai vake kwaBesa, kwaSeke, uko ndakasvikogara zvichinzi ainditsvagira kwekuti ndiroje. Kwakazounzwa $10 yekubhadhara rendi uko ndave kugara izvozvi, kukangobviswa mari yemwedzi mumwe chete October (Gumiguru),” anodaro.

Mbiya inonzi yaiva yachererwa pasi yaiva nezita remukadzi uyu inonzi yakazobviswa zvichinzi akange asisafe mushure mekubvuma kuregerera muporofita uyu.

“Madzibaba Weshby ndakazovaona vakati vakanga vasisade kundiona kumasowe kwavo zvachose, vachiti vanogona kundiuraya panyama kana pamweya. Vanoti vari kuda kundirova, chivimbiso chavakandipa chekuroorwa hapana.”

Kwayedza ine magwaro anonzi nemudzimai uyu akashandisa mukupfudzisa nyaya iyi kumapurisa.

Mumagwaro aya, Madzibaba Weshby akakumbira ruregerero kune zvaakaita mudzimai uyu uyewo nekuvimbisa kuti achamuroora.

Kwayedza ine mamwe magwaro zvakare anoratidza kuti mukadzi uyu akavhenekwa nachiremba apo anoti akabatwa chibharo.

“Handina rugare, ndakabatwa chibharo izvozvi ndiri kushungurudzwa nekuti madzibaba Weshby vari kubheja kuti ndichafa chete. Kuhama dzangu nyaya iyi ndakaivanza uye ndave kutya kuti pamwe ndakapihwa chirwere,” anodaro.

Mutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Services, Superitendent Priscilla Mutembo, vanoti bazi ravo richaongorora nyaya yekunzi mumwe mugadhijeri akabatsira mukadzi uyu kuti adzimise nyaya yake kumapurisa.

“Tine mapurisa mukati mebazi redu saka tichaona kuti nyaya iyi ichafambiswa sei munhu uyu atsvagwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links