Uncategorized

‘Ndakabvutirwa murume nezvidhoma’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Ndakabvutirwa  murume nezvidhoma’ Rutendo Phillis Chifamba

Kwayedza

Rutendo Phillis Chifamba

Rutendo Phillis Chifamba

MUDZIMAI wechidiki aiva akaroorwa mumusha waKaseke, kwaSeke, anoti akatiza murume wake nekuda kwemweya wemunhukadzi unobuda pamurume uyu, uyo waanoti unoita kuti ataure nezwi rechikadzi pamwe nekutevedzera zvidavado zvezvinyadzi pabonde iye akayeva.

Rutendo Phillis Chifamba (18) anoti aigara naTapfumaneyi Masiiwa (25) semudzimai nemurume kusvikira azotiza nekuda kwedambudziko raanofunga kuti rinokonzerwa nezvidhoma kana kuti zvikwambo.

“Vabereki vangu vairoja pamba pambuya nasekuru vaTapfumaneyi, ini ndichienda kuchikoro kusvikira takazodanana ndokugara tose. Dambudziko rakazouya apo murume wangu akatanga kuita zvinhu zvaisanzwisisika achisvikirwa nemweya waimuita kuti ataure nezwi rechikadzi achinditi, ‘Iwe ibva pano, wakanditorera murume wangu. Uchabva pano chete haupagari’.

“Aindirova zvakaomarara ipapo oenda pamubhedha otanga kuita searere nemukadzi ipo pasina chiripo,” anodaro Chifamba.

Masiiwa anotsinhira kuti ane dambudziko remweya wemunhukadzi unobuda paari izvo zvakaita kuti atizwe nemudzimai.

Chifamba anoti dzimwe nguva aierekana adzipwa nemurume wake ari kuhope ozosvinura achinzi abude mumba umu achinzi “wakatora murume wangu”.

“Ndaitaurira ambuya nasekuru vake nyaya iyi, kuti ndizvo zvinoita muzukuru wavo asi hapana danho ravaitora. Ndaishaya zvipfeko zvangu zvemukati nguva nenguva izvo ndaisaziva kuti zvaiendepi.

“Ndakabvawo pamuviri kanokwana katatu uye ndaona zvanetsa, ndakazobva ndodzoka kumba kwedu,” anodaro.

Chifamba anoti vaichaya mapoto apo vaigara vose sezvo murume wake akanga asina kubvisa roora kuvabereki vake.

“Sekuru vemurume wangu, VaTapfumaneyi Zinyemba, naambuya vake vakatadza kundibatsira kudzimara ndadzoka kumba kwedu ndiri mupenyu.”

Mukadzi uyu anoti murume wake aiti kana abatwa nemweya wechikadzi aitaura mazita evanhukadzi akasiyana achiti ndivo vane mweya unosvika paari.

“Ndaidziisirawo murume wangu mvura yekugeza ndomupa asi pakarepo mweya uyu waibva wamubata otanga kupopota nekupururudza achiti, ‘Ndiwe ani unopa murume wangu mvura? Wakatora murume wangu, ibva pano’.

“Tapfumaneyi aibva arasira mvura iyi pasi asi kana mweya uyu waenda anozotanga kuramba nyaya idzi achiti hapana zvaanoziva.”

Chifamba anoti haana ruzivo nemashoko ari kutaurwa nevamwe munharaunda yavanogara ekuti iye nemurume wake vaiti vakarara mumba vaifuma vave panze.

“Mashoko ari kutaurwa aya ini handiazive, hatina kumbofuma takarara panze. Zvandakutaurirai ndizvo zvandinoziva, hamheno iye Tapfumaneyi,” anodaro.

Masiiwa anotsinhira kuti anosvikirwa nemweya wemunhukadzi zvakonzera kuti asagare zvakanaka nemudzimai uye kuti anoda kubatsirwa padambudziko iri.

Anoramba nyaya yekuti vaifuma varere panze.

“Ndakaita dambudziko nemudzimai wangu Phillis apo taigara nasekuru naambuya. Ini ndaizongoona Phillis akagara panze husiku achiti ndaitaura nezwi rechikadzi achinzi aiva atora murume wemhepo yakagara pandiri.

“Dzimwe nguva anoti ndaimudzipa nekumurova,” anodaro Masiiwa.

“Phillis mukadzi wangu nanhasi. Ndinoda kuti adzoke titsvage kuti mweya uyu ubviswe. Dambudziko guru ndiambuya vangu vaigara vachinetsana naye.”

Murume uyu anotsinhira nyaya yekuti anorara achiita seane mudzimai pamubhedha mukadzi wake aripo ndokuti izvi zvinokonzereswa nemweya wemunhukadzi unomubata asi haazive kuti ndewani.

“Mudzimai wangu akashaya zvipfeko zvemukati nekubvawo pamuviri katatu. Pandinofamba ndinobata vanhu vehukama kuti ndivo vanoita izvi,” anodaro.

Kunze kwembatya dzemudzimai wake, anoti akashayawo bhachi rake.

“Mweya inondishandisa iyi inonzi ndeye zvidhoma nezvikwambo, inonzi inotumirwa nehama dzangu dzisingade kuti ndigare nemudzimai nekuti ndisaite chakanaka.”

Murume uyu anoti akaroora mudzimai wake achibatsirwa nasekuru vake zvisinei nemashoko aChifamba ekuti vaichaya mapoto.

Masiiwa anoti haana shungu nemamwe madzimai kunze kwaChifamba. “Ndinokumbira kune vanogona kuti vandibatsirewo padambudziko iri,” anodaro.

Mbuya Nyarai Zinyemba (60) naSekuru Tapfumaneyi Zinyemba (75), avo vanogara naMasiiwa, vanoramba nyaya yekuti pane masaramusi anoitika kumuzukuru wavo.

“Hakuna zvinhu zvakadaro, kuti muzukuru wangu anobatwa nemweya wemunhukadzi. Tinongozvinzwa nemakuhwa. Izvo zvekuti vaifuma varere panze pangadai pano pasina kusvika mapurisa, manyepo aya,” vanodaro Mbuya Zinyemba.

Sekuru Zinyemba vanotiwo Chifamba anonyepa kuti aichaya mapoto naMasiiwa sezvo vachiti vakatengesa mombe yavo vakaendesa roora kuvabereki vake.

“Takatanga kuendesa mbudzi ne$50 ndokuzotengesa mombe tikaendesa $400, chete paitika nyaya miromo inowanda,” vanodaro Sekuru Zinyemba.

Share This:

Sponsored Links