Ndakadarika Messi: Chunga

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views
Ndakadarika Messi: Chunga

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa mumutambo wenhabvu, Moses ‘Bambo’ Chunga, anoti akaita mbiri kudarika yaLionel Messi mutambi weBarcelona makore ayo aakatambira chikwata cheSC Wendracht Aalst chekuBelgium. Razorman, sekuzivikanwa kunoitwa Chunga zvakare, akatambira SC Wendracht Aalst kubva mugore ra1988 kusvika 1991.
Anoti panguva iyi akatamba mitambo mitatu yakatevedzana achiita kuti vatambi vezvimwe zvikwata vapihwe makadhi matsvuku (red card) vachiburitswa mumitambo iyi vamukobora pamwe nekumukuvadza zvichitevera kuvanzvenga kwaaita vachisara vachiwira pasi.
Zvakadaro, Messi anogara achimakwa zvakasimba nevatambi vezvimwe zvikwata nekuti anozivikanwa kuti ishasha uye kana chikwata chake chakaomerwa chinotarisira kwaari kuti ashandure mutambo wacho kana kunwisa.
Asi haasati amboita mitambo mitatu yakatevedzana achipisa vamwe vatambi mared card pavanenge vamukuvadza.
“Ini chinhu chimwe chandinoziva kuti kana Messi chaiye haasati ambozviita, kupedza mitambo mitatu yakatevedzana uchingopisa vamwe vatambi vezvimwe zvikwata mared card.
“Zvinorakidza zvega kuti painge panzvengwa vanhu zvinopisa tsitsi ipapo zvekuti vaizopedzisira vave kuda kundityoredzera.
“Hakuna mumwe mutambi ambozviita kunze kwangu ini chete,” akadaro Razorman.
Muchinda uyu, uyo ave kuita basa rekurairidza nhabvu kubva paakasendeka shangu dzake, anoti remangwana renhabvu rinobudirira chete kana vatambi vechidiki vakasimudzirwa matarenda avo kwete kutsikirirwa.
Bambo anoti akamboenda kune mumwe mutambo kwaSeke apo muridzi wepembe akaitwa kanyama-kanyama nevatambi vechimwe chikoro achinzi aibirira.
Anoti chiitiko ichi chinorakidza kuti zvimwe zvikoro pamwe nezvikwata zviri kubirira nekutenga vatambi vakura izvo zviri kuzourauya nhabvu yevatambi vechidiiki vari kusimukira.
“Nyaya yekuti zvikoro zvinotenga vatambi vakura kuti vauye kuzotambira zvikwata zvavo nekuti vanenge vachida kuhwina mitambo yakasiyana zvinoshamisa zvikuru uye zvinoshoresa.
“Ndakamboona mumwe muridzi wepembe achirohwa kwaSeke nevainzi vana vechikoro achinzi abirira.
“Shuwa chokwadi chandinoziva ini mwana wechikoro haangarove munhu mukuru kwaari kana kumutuka.
“Zvino ukanzwa mwana weUnder-17 achindituka zvinorevei? Panenge pabirirwa ipapo munhu iyeye mukuru haafanirwe kunge aripo.
“Tsika yekutenga vatambi kuti mugohwina mitambo iyi yakaipisisa chaizvo nekuti munenge muchiuraya tarenda revatambi vechidiki avo vamunenge manyima mukana wekutamba,” akadaro.
Zvakadaro, Bambo akazochema-chemawo achiti dzimwe nguva mapepanhu anoburitsa mashoko aanenge asina kutaura izvo zvinokanganisa chimiro chake.
“Handina kana neremuromo nemapepanhau anongomhanya kunyora kuti Chunga atuka nhingi, wandinenge ndisina kutuka ini. Ndine zvirongwa zvakawanda zvandinoda kuita uye ndinotoda vakotsveri kuti vatsigire nemari muzvirongwa izvi asi vamwe vave kutotya kushanda neni nezvavanenge vaverenga pamusoro pangu.
“Ndinotopedzisira ndave kutya kutaura zvandinoda nekuti ndinenge ndave kutya kunyorwa zvisirizvo.
“Zvave kutondiruzisa bhizimisi izvozvo nekuti hapana anoda kushanda nemunhu anotuka vamwe, vanenge vava kutya kutukwa.
“Dzimwe dzenguva unotozoona kuti ndaitaura chokwadi chinovaka asi zvinenge zvanyorwa zvisirizvo chete,” akadaro Bambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey