Ndakaenda kudenga kaviri. . . ndikaita musangano naMwari

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Ndakaenda kudenga kaviri. . . ndikaita musangano naMwari

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA weimwe chechi iri muHarare anoti akaenda kudenga kaviri apo akaita hurukuro naMwari mbune, ndokugadzwa kuve muporofita wepasi rose (prophet of all nations). Asi pane vamwe vari kuti murume uyu anofanirwa kuongororwa njere dzake dzionekwe kana dzakanyatsoti kwesere. Prophet Talent Madungwe (30), uyo anova muvambi wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries, iri kuSunningdle, anoti akaenda kudenga kunoita hurukuro naMwari musi wa1 Ndira na4 Chikumi gore rino.

“Ndinoziva kuti kune vakawanda vachapokana nazvo. Asi regai nditi harisi dambe kuti ndakanoita musangano naMwari. Kekutanga ndainamata kuchechi kwangu kuSunningdale ndiri ndoga kusvikira kuma12 pakati peusiku. Ipapo mutumwa Angere akauya apo ndakasandurwa muviri wangu kubva pane wepasi pano kuita wekudenga ndokubva taenda tose nengirozi iyi,” anodaro.

“Mushure menguva pfupi taiva tasvika kudenga, takavhurirwa gedhi rekutanga nengirozi dzaiva dzakawanda iro raifamba nemavhiri. Takanopinda mugedhi rechipiri maivawo nengirozi dzimwe ndokuzovhurirwa gedhi rechitatu maiva nengirozi dzakawandisa, dzaiva zviuru nezviuru.

“Denga kana kuti heaven rine mipatsu mitatu umo ndakapinda,” anodaro. Prophet Madungwe anoti kudenga kune dzimba dzekuchengetera zvinhu zvakaita sechando, matangi emvura, rima, chiedza, mhepo yechamupupuri neimwe yakadzikama.

“Tichisvikako, ndakaona ngirozi dzakaumbwa zvakasiyana, dzimwe dzine maziso muviri wose, dzine moto wakadzikomberedza nedzimwe dzinotyisa zvekuti haugone kudzitarisa. Ikoko, ndakanga ndisisataure mutauro wepasi rino, ndaiva ndangosandurwa uye zvakangoitika zvoga. Ngirozi idzi dzose dzaiva nemapapiro akaita seendege huru.”

Kwose kwaaienda, anodaro Prophet Madungwe, aitungamirirwa nengirozi yakanga yabva naye kunyika iyo yaanoti ndiyo zvakare yaiita kuti azivikanwe nedzimwe ngirozi nevamwe vavaisangana navo ikoko.

“Pandaida kubvunza zvimwe zvinhu ndaingonzi nyarara, kumwe kwacho kune zvivakwa zvezinc, potassium, brass negoridhe. Ndakaona kuti denga rose rakachengetedzwa nengirozi,” anodaro. Muporofita uyu anoti kudenga kune migwagwa yakanaka zvikuru nezvivakwa zvemhando yepamusoro kudarika zvepasi pano.

“Kudenga rechitatu ndiko kwandakanoona kune nzvimbo yekutandarira inonzi paradise uko takatambirwa nengirozi hombe kudarika dzakange dziri pamagedhi maviri ekutanga. Ikoko ndakawana mukana wekumbundirana nemaporofita anosanganisira Daniel, Paul, Phillip, Isiah, Ezekiel, Amos, John nemamwe maporofita makuru,” anoenderera mberi achidaro Prophet Madungwe.

“Muporofita Daniel naPaul vakanditaurira zvavakasangana nazvo mukunamata kwavo mudanga reshumba nekuoma kwazvaiva zvakaita nekusungwa kwavo. Ndapedza kutaura navo, vakazotisvitsa kuvakuru vekudenga vaikwana 24 vanova makurokota makuru uko kwaipeny’a zvikuru. Ndasvitswa ikoko, ndakanogadzikwa padivi paiva pagere Mwari Nyadenga, kuruboshwe kwaMwari kuina Jesu mwanakomana wavo uyewo muporofita Daniel vaivawo pazvigaro izvi.”

Prophet Madungwe anoti panguva iyi ndipo paakabva agadzwa kuve muporofita wepasi rose. “Ipapo ndakabva ndagadzwa nekukumikidzwa kuva prophet of all nations naivo Mwari mbune. Mwari vaiva vakagara pachigaro chaiva nemavhiri chaipeny’a chakagadzirwa zvakanaka zvikuru.

“Mwari vakataura mashoko avo kuti vachamira neni mune zvose mukuparidza shoko ravo. Vakataurawo nekudzoka kwemwanakomana wavo pasi rino kechipiri. “Ndakazodzoka kudenga na4 kunze kwave kuedza ndaenda na12 pakati peusiku.”

Prophet Madungwe anoti akadzoka nengirozi yaive yaenda naye iyo yakazobhururuka ndokuenda. “Ndasiiwa kuchechi kwangu kuSunningdale, ndakasara ndichitya zvikuru,” anodaro.

Anoti akazodzokera zvakare nemusi wa4 Chikumi apo akashanyirwa nengirozi mbiri dzaiva nemapapiro aiva akareba mamita zana kana kudarika. Prophet Madungwe anoti panguva iyi, aive akarara kumakomo nenguva dza6 zuva rodoka apo akasandurwa muviri wake ndokuenda zvakare kudenga.

“Ngirozi idzi dzakatanga kundimutsa kuti tiende kunonamata izvo ndakaita, pakarepo ndakasandurwa muviri wangu ndokuenda tose kudenga. Panguva yatakasimuka ndakanzwa nyika yose kundengendeka apo ndainzwa ruzha rwendege, ndiko kuenda kwatakaita,” anodaro.

Prophet Madungwe anoti akazopihwa masimba naMwari ekuti adzoke kuzoshumira shoko. Anoti nyika yoga-yoga yepasi rino yakatongwa nezvitadzo zvayo kunze kweIsrael chete iyo inonzi haina kutaurwa nezvayo nechikonzero chisina kuzivikanwa.

“Nyika dzose dzakapihwa zvirango zvadzo zvakasiyana tiripo naivo Mwari. Ini ndoga ndini munhu wepasi rino aivako akamirira nyika dzose. Mwari vakazonditi vaida kundiitira chinhu chakanaka zvikuru, yatingati favour, nekuonana navo asi havana kutaura kuti vaida kuzondiitira chii. Tadaro, takadzoka kunyika ndasimba kudarika kare, ngirozi mbiri dzikandisiya dzikaenda,” anodaro.

Muporofita uyu anoti ari kufamba achiparidza kunyika dzakawanda kubva ipapo. Mumwe wevanoziva nezvechivanhu, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti muporofita uyu anofanirwa kuongororwa pfungwa dzake kuti dzakati kwesere here.

“Vakuru ava vanodaro vachinyepera nyika. Vatumwa vanoratidzwa nemabasa kwete kungotaura. “Moses (wemubhaibheri) haana kumbobvira akaonana naMwari asi kuti aingonzwa izwi chete. Saka kana zvakadaro tava namwari munyika yedu!” vanodaro Sekuru Mutanga.

Madzibaba Elias Gomwe (42), vechechi yeJohane Masowe weChishanu vekuChitungwiza, vanotiwo zvimwe zvave kutaurwa nemamwe maporofita zvichaguma zvarasisa vanhu gwara rekunamata. “Tinoti kuruzhinji ngavangwarire zvimwe zviporofita zviri kuuya mazuva ano,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links