Uncategorized

Ndakaenda kuGehena: Prophet

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Ndakaenda kuGehena: Prophet

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA uye wemuHarare – wekuita mbiri gore rapera achiti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune, ndokuzotizve Mwari vakashanyira Zimbabwe musi wa20 Gunyana 2016 – ava kuti akadzokera kudenga zvakare akanogadzwa kuve mutevedzeri wemukuru wemauto ezvemweya (deputy army heavenly commander).

Kunze kwekusangana naMwari mbune, muporofita uyu anoti rwendo rwuno akanosvikawo kuGehena – achinoratidzwa kuti kwakamira sei.

Prophet Talent Madungwe (30), sezvaagara achingotaura, anoti akadzokera kudenga musi wa3 kusvika 4 Zvita gore rapera nemusi wa29 Ndira gore rino apo akanoita mumwezve musangano naMwari.

Prophet Madungwe wechechi yeExile Desire of All Nations anotiwo kudenga kune nyika mbiri itsva dziri kuvakwa naMwari vachibatsirana nengirozi dzavo idzo dzatove pedyo nekupera.

Gore rapera patanga kubuda nyaya yemuporofita uyu muKwayedza, vamwe vaverengi vakati Madungwe anofanirwa kunoongororwa njere dzake vachiti anogona kunge ava kurasika pfungwa. Asi Madungwe akazviramba, achitsigirwawo nevamwe vaverengi, sezvo achiti ane pfungwa dzakati kwesere.

“Regai nditaurire nyika kuti nemusi wa3 kusvika 4 Zvita gore rakapera, ndakadzokerazve kudenga ndikanosangana naMwari. Ndakanodzidziswa manamatiro matsva.

“Ndakaonana naJesu Kirisitu ndakasanganawo nengirozi dzakasiyana. Ndakapindawo chikoro chengirozi, ndikasimbiswa zvikuru,” Madungwe akaudza Kwayedza svondo rino.

Prophet Madungwe anoti akazodarikirawo nekuGehena, uko akaperekedzwa nemukuru wemauto ekudenga – General Michael – uyo waanoti anoshanda nengirozi dzose kunze kwedzakapanduka.

“Gehena rakangofanana nepasi rino asi rakakura. Ikoko ndakaona kuti vaye vanofa vachizviuraya vanoendeswa kudivi ravo voga uko kune moto. Ndabva kuGehena, ndakazodzoka pano pasi kuma7 mangwanani nemusi wa4 Zvita,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti nemusi wa29 Ndira gore rino, akadzokera zvakare kudenga uko akanoita musangano naMwari apo akakwira nemanera emweya, (spiritual ladder) ayo anoti anoshandiswa nengirozi.

“Pandakaenda apa, ndakanogadzwa kuva mutevedzeri wemukuru wemauto emudenga ezvemweya – deputy army heavenly commander – saka ndave kunzi ‘General Madungwe’ kubva ipapo. Ichi chigaro chinoshanda kudenga nepasi rino sezvo panguva yoga-yoga ndichigara ndakachengetwa nemauto anodarika 4 000 emumweya. Mauto aya ndinawo pano izvozvi, kunyangwe imi (kureva mutori wenhau uno) musingaaone nemaziso enyu.”

Prophet Madungwe anoti Mwari vakamugadza pachigaro ichi kuti ashandire nyika uye kuti vanhu vasiyane nemabasa erima.

“Ndave kutaura naMwari direct, pasina muturikiri nekuti vakandigadza humambo. Ndinotaura navo vari munhu kana kutumirwa mazwi achibva mudenga.

“Ndagadzwa kudaro, ndakaenda kune imwe nyika itsva zvakare, yakaita sepasi rino nekudenga idzva. Kune nyika mbiri dziri kuvakwa naNyadenga vachibatsirwa nengirozi dzavo,” anodaro.

Prophet Madungwe anoti kune imwe nyika itsva zvakare isina Gehena, uko kunogara kuchifarwa nguva dzose – kunova kwevatsvene chete.

“Kwese uku ndakaenda nemauto ekudenga akandichengeta ayo ndinogara nawo pasi pano uye ndinongoenda nawo kudenga pandadira.”

Anoti vateveri vechechi yake muZimbabwe vanosvika 50 asi anotarisira kuti vachawanda nekufamba kwenguva.

Zvisinei, vamwe vakuru vemachechi neveruzhinji vanoti murume uyu murwere wepfungwa, izvo Prophet Madungwe anoramba.

Kune vanoda kuzvinzwira zviri kutaurwa naProphet Madungwe endai pa: www.kwayedza.co.zw kana kumuridzira nhare dzinoti 0776 231 156.

Share This:

Sponsored Links