Uncategorized

Ndakaita mari nekuromba

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Ndakaita mari nekuromba

Kwayedza

  • ‘Mari, mota nedzimba ijahwi’

  • ‘Ndikachekeresa mwana wangu’

  • ‘Ndichinwa ropa revanhu’

  • ‘Netsvimbo ine musoro wenyoka’

MURUME wechidiki wekuMberengwa, kudunhu reMidlands, wekuenda kuSouth Africa kunozama noto ndokuzopedzisira achekeresa mwana wake nemishonga yekuromba achida kuti aite mari yakawanda, akazodzoka kumusha musoro umire ave kuoneswa pfumvu nezvidhoma zvaainge azvitsvagira.

NZEVENekuda kupfuma chimbi-chimbi, murume uyu anoti akazvipira kuti achekwe chimedu chenzeve yake chikashandiswa mumishonga kun’anga semhiko.

Anotizve kunze kwekuchekeresa mwana wake, mumwe mwanakomana wake akanzi haaroore kana kuita mwana achinzi achava murume wezvidhoma.

Pamusoro pezvo, anoti ainwiswa ropa revanhu nekudyiswa mishonga yakasiyana. Akanofukunurawo guva ratete vake akatora mapfupa echigunwe neremunwe izvo zvakasanganiswa nemishonga yekuromba iyi.

Honest Sibanda (31), uyo anobva kunzvimbo yeGrispan Village 2, kuMberengwa, anoti mari yaakanga ava nayo yaizara mumba kusvika kusiringi. Anoti aitadza kuiverenga uye akazoguma atsvaga vashandi vekuiverenga vachishandisa michina makumi maviri.

“Ndakanga ndava shoroma kuSouth Africa. Ndakanotsvaga mushonga wekuti ndiite mari zvikafamba zvikuru. Ndakatenga mhando dzemotokari dzepamusoro uyewo nedzimba nezvimwe zvose zvepamusoro zvinodiwa mukurarama,” akadaro.

Zvisinei, anoti zvinhu zvakazomushatira apo akange asisade kuramba achishandisa zvidhoma nezvikwambo nemishonga kuti aite mari. Apa ndipo paakazotiza — kwete xenophobia asi zvikwambo — odzoka kumusha kuZimbabwe.

“Ndaigara kumusha kuMberengwa nanasekuru ndichifudza mombe sezvo ndisingazive amai nababa vangu. Mugore ra2000 ndakabva nemumwe wangu, Tobias, ndokuenda kuSouth Africa tichida kunotsvaga basa apo takasvikira kuLouis Trichardt,” akatsanangura Sibanda.

Anoti akawana basa rekushanda pamba mubindu kusvika mugore ra2004 ndokuzoguma ava kugadzira makireti ekutengesera matomatisi.

“Sezvo murungu wandaishandira akanga asingandibhadhare, ndakazosiya basa ndokuenda kuPort Elizabeth ndikanosvika pamba pemumwe mudzimai ainzi Frauser ndikatsvaga basa ndokutanga kugara tose.”

Sibanda anoti mukadzi uyu aishandisa mishonga nezvikwambo kutsvaga mari.

“Ndiri pamba paFrauser, ndakamuti ndaida R3 000 semuhoro wekumushandira iye akanditi yaisakwana asi aigona kuita kuti ndiite mari yakawanda.

“Ndichigara pamba apa, takazoguma tave kudanana naFrauser ndokupedzisira tava murume nemudzimai zvisinei kuti aiva mukuru kwandiri nemakore 10. Mushure memazuva 92 ndiripo, Frauser akazonditora akaenda neni kun’anga ine mbiri kuSouth Africa iyo inonzi Bad Oringe.

“Tasvikako, ndakaiswa mumba ndichibva ndaratidzwa girazi hombe umo mandaiona hama dzangu dzose dzakafa nevapenyu, nemusha wedu wose uye neupenyu hwangu ndiri mudiki. Mumba umu maivawo nezvidhoma nezvimwe zvinhu zvaityisa, ndikagaramo maawa 18,” anodaro Sibanda.

Anoti ari muimba iyi, akaratidzwa makuva ehama dzake ose kumusha achitoona nevamwe vehukama vakafa.

“Ndabuda mumba umu, n’anga iyi yakandiudza kuti kwaidiwa varume vakashinga. Ndakapihwa mishonga mitatu yekutsvaga mari, yekutorera vanhu mari dzavo nenzira dzakasiyana mungava mudzimba, muzvitoro nenzvimbo dzakasiyana. Ipapo ndakabva ndanzi mishonga iyi yaida ropa ndichibva ndakwachurwa nzeve yangu yekurudyi, ndikabva ndanwiswa mushonga wekuti ndidzokere kumusha ndinochera guva ratete vangu, ndotora mapfupa ezvigunwe nemimwe yaidiwa kuti zvisanganiswa nemishonga yekuti ndiite mari.”

Sibanda anoti vakatsvagirwa motokari vachibva vadzoka kuMberengwa ndokunoisa mushonga paguva uyo anoti vakasvikomwaya rikandengendeka zvaityisa.

Anoti vakazochera guva ratete vake iri nemapiki nemafoshoro ndokubva vavhura bhokisi ndokutora mapfupa emitezo avaida.

“Guva ratakafukunura nderatete vangu avo vakashaya muna1986 iro ndakasarudzirwa nen’anga iyi sezvo ichiona zvose zvinoitwa nemunhu mukurarama kwake. Takatora munwe wepakati kuruwoko rwekuruboshwe, ndokuzotorawo chigunwe chepakati kugumbo rekurudyi. Takadzokera kuSA pasina wehukama akationa uko takasvikotendwa zvikuru naOringe.

BHANDI“Akabva andipa bhandi reganda renzou rine mufananidzo wenzou rekusunga se’graduation’ yekuti ndagona basa.”

Mabhonzo avakatora muguva ratete vake anoti akasanganiswa nemishonga ndokuiswa mubhodhoro, Sibanda naFrauser vakanzi vaende nemishonga iyi kumba kwavo. Anoti vakavimbiswa kuwana mari yakawanda yavakanzi vagotengesa motokari yerudzi rweHummer.

“Takanzi tidzokere kumba tonoisa mushonga uyu mune imwe yedzimba dzedu umo taizomuka na12 pakati pehusiku totarisa uye taifanirwa kuzowana muine mari yakawandisa. Takanorara ndokuzomuka na23:45, tikanowana mari angova makomo makomo,” akadaro Sibanda, uyo anoti azvipira kunamata muimwe chechi ine mukurumbira muZimbabwe.

Panguva iyoyo, Sibanda anoti mudzimai wake Frauser, akamumanikidza kunwa mushonga waiva mubhodhoro re750ml apo anoti akabva atanga kunzwa simba guru nekusatya.

“Takatanga kuverenga mari tikaona yakawandisa zvikuru, Frauser akazoridzira shamwari yake nhare aiziva kwataizowana motokari yeHummer. Takatenga mota iyi tichibva taenda kunoratidza Bad Oringe uyo akanditi ndava murume mukuru.

Akabva atipa mimwe mishonga netsvimbo yaiva nemusoro wakafanana nenyoka yerudzi rweCobra, iyo yandaishandisa.”

Sibanda anoti shoroma dzine mari yakauya nemishonga dzine nzvimbo yakavandika yadzinosangana kuSouth Africa iyo isingadiwe vamwe vanhu. “Taienda kukirabhu yedu inenge yakanzi ‘Members Only’ uko kunowanikwa mhando dzemotokari dzepamusoro chete. Ini nemudzimai wangu patakatenga Hummer iyi takanosangana nemunhu mumwe chete aiva nemotokari iyi panguva iyi. Akandisimudza pane vamwe achiti ndini ndaiva murume chete pavanhu vaivapo.”

Motokari iyi anoti vakaitenga mugore ra2006.

“Kunzvimbo dzataiungana uku kwainge kuchirongwa mishonga yemhando yepamusoro yekutsvaga mari. Mumwe wenyanzvi dzemishonga iyi ndakaenda naye kumba kwake nemudzimai wangu. Ndakanopinda mumba yepasi pamusha wake wakakomberedzwa nemudhuri murefu umo ndakasangana nematokoloshi matatu aiti chirume nechidzimai nemwana wazvo. Ndakanga ndatanga nekufuridzwa kumeso nemurume uyu,” akadaro Sibanda.

Nekuwanda kwakanga kwaita mari yavo, anodaro, vakazoramba vachitenga dzimba, motokari, makombi nemimwe midziyo zvekuti dzimba dzavo dzose dzakazara.

“Sevanhu, takazoronga muchato naFrauser, ndakatengera ambuya vangu cheni yeUS$50 000 ndokuzotengera tezvara vangu mawachi nezvimwewo. Takachata muchato wakavhundutsa South Africa yose, pakauya marori edoro nezvinwiwa aidarika 20. Waiva muchato chaiwo uye panguva iyi mukadzi wangu aikwira ndege kunogadzirwa musoro kuTanzania,” anodaro Sibanda.

Anoti vakanzi nen’anga vaifanirwa kumboenda kunofara izvo zvakaita kuti vaende kuCarlifonia, kuUnited States kunodya nyika rutivi.

“Takagara munyanza tichiona mitambo yakasiyana. Chingava chiiko chatisina kuona? Takazodzoka zvedu tikanoona chiremba uyu zvakare akatikorokotedza ndokutivimbisa kuti mari yakanga yava kuzowanda.”

Sibanda anoti vadzoka, apo vainge vagere zvavo mumba nerimwe zuva, akaona rwaivhi rwaifamba paketeni asi rwaisaonekwa nemudzimai wake. Anoti akazobata rwaivhi urwu ndokuenda mune imwe yedzimba dzavo umo akanosangana nemukadzi aiva akapfeka gauni dzvuku uyo akamupa tsvimbo yaiva nemusoro wakafanana newenyoka yeCobra kana kuti rovambira.

“Nhumbu yekutanga yemukadzi wangu takanzi taifanirwa kuchekeresa mwana uyu apo akasunungukwa ndokusvitsa mwedzi mishanu. Takazoenda naye kuna Bad Oringe ndokubva anopfuudzwa sechibairo. Mwana mukomana wangu wechipiri akanzi haambofa akaita mudzimai asi kuti achaita murume wezvidhoma,” akadaro Sibanda.

“Mari ndaiita yekuti ndikaisunga ndaiita chituru chekugarira nekuwanda kwayo. Zvinhu zvose zvaiva zvakanaka asi kuwanda kwemari yacho kwaityisa.”

Sibanda anoti akazotanga kunetsana nemudzimai wake apo akanga ava kupota achiona zvirongwa zvezvitendero zvemachechi paterevhizheni yavo. Izvi, anodaro, zvakaita kuti agare achirwisana nemudzimai wake vakaguma vadzokera kun’anga iya.

TATOO“Tasvika kun’anga naFrauser, ndakanyorwa paruwoko rwangu nemushonga kuti ‘Never Go Back To Zimbabwe’. Iyi yainzi yaiva mhiko yekuti ndisazofumura zvandakaona izvi. Asi ini pfungwa dzekudzoka kumusha dzakanga dzandipinda nekuti shamwari dzangu dzainditi dzokera kumusha unowana hama dzose dzapera kufa uyewo ndakanga ndava kushungurudzwa nezvidhoma nezvikwambo nemishonga yataishandisa,” akadaro.

Sibanda anoti vakazoenda kumwe kwavainzi vanwe ropa revanhu uko kwavakasangana nevanhu vemuZimbabwe vanosanganisira vaimbi, vemitambo yemadhirama, mafundisi nevamwe vakuru vaitsvaga masimba ekuti vagone mabasa avo.

Anoti aishaya zvekushandisa mari yake uye rimwe zuva ari muchitoro kuSouth Africa akamboedza kubhadharira mumwe mudzimai girosari rake rose asi akaramba achiti aiva nemari yakakwana.

“Imba yedu yandakawana iine mukadzi wangu yakazongotsva zvisingazivikanwe, tikabva tatenga imwe. Tine dzakawanda dzimba, makombi, motokari dzemhando yepamusoro uye kusanganisira neHummer tine 9,” akadaro.

Sibanda anoti rimwe zuva akazotiza mudzimai wake apo akanga aenda kumakwikwi ekushambira.

“Ndakangotsvaga tekisi ndichibva ndatiza kuenda kubhodha, ndikatsvaga mabhazi ekuuya kuno kusvikira ndasvika pano pachechi yandiri kubatsirwa. Asi ndine chishuwo chekuti dai makombi angu nedzimwe motokari dzangu zvauya,” akadaro.

Zvakadaro, vakuru vechechi iri kubatsira murume uyu vanonzi vakatoshanyira hama dzake kumusha kwake kuMberengwa.

Dzimwe dzehama dzaSibanda dziri kugara naye kuchechi uku.

Sibanda paaitaurwa naye ari kuchechi uku, anoti anoona tsvimbo dzemishonga dzaakapihwa kun’anga yekuSouth Africa kumeso kwake nezvimwe zvinhu zvakasiyana.

Sekuru VaSibanda, VaJonathan Mpofu (31), vanoti vaisaziva kwaaiva nemuzukuru wavo uyo wavakagumisira kuona mugore ra1999.

VaMpofu vanoti hama dzakawanda dzaSibanda dzakapera kufa uye kwangosara vana vadiki voga izvo zvinofungidzirwa kuti zvinogona kunge zvaikonzerwa nemishonga yemari iyo akanga atora.

Sibanda anoti ari kutya kuti vamwe vaaishanda navo kuSouth Africa pamwe nemukadzi wake vanogona kumutevera.

Muchinda uyu anoti zvakare chimwe chiri kumunetsa ndechekuti akangoerekana ashaya chikwama chake chaive nezvinhu zvake zvose apo akasvika pachechi iri kumushandira muHarare.

Share This:

Sponsored Links