‘Ndakakuramba, asi ndinokuda’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Ndakakuramba,  asi ndinokuda’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUMWE musikana anoti akarambwa nemukomana waaimbodanana naye asi zvino ava kugara achimunetsa achiti anofanira kupota achimugezera mbatya dzake. Bernard Tapera akamiswa mudare reHarare Civil Court naMafaida Suwardi achimupomera kuti anomufonera achimutuka zvose nehama dzake.

“Nemukomana uyu takambodanana, asi akazondiramba. Dambudziko nderekuti ava kupota achinditevera kubasa achindishungurudza. Anofona achindipopotera, kana hama dzangu anotora nhamba dzavo mufoni mangu otanga kuvatuka nekutaura zvisirizvo pamusoro pangu,” anodaro Suwardi.

Anoenderera mberi achiti Tapera ndiye akamuramba asi zvava kumushamisa kuti ava kumunetsa achiti anoda kuti vadzokerane.

“Ndiye akandiramba ndikazvigamuchira asi izvozvi ava kuita kunge ndini ndakamuramba nekuti ava kundishungurudza. Ndava kutogara ndakadzima foni yangu asi akangoona kuti yabatira chete, ava kutondifonera,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tapera anoti ichokwadi kuti akaramba Suwardi asi akazomukumbira ruregerero. “Zvaari kutaura handizvirambe, hongu ndakamuramba asi ndakamukumbira ruregerero akaita seandiregerera zvekuti anotorara kumba kwangu. Asi ndikada kuti andiwachire, anoramba zvinoita kuti ndizomufonera ndichimupopotera,” anodaro.

Anoti haapikisane nechikumbiro chaSuwardi chekuti apihwe gwaro redziviriro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Suwardi gwaro redziviro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>